Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Nadab and Abihu, Aaron's sons, each took his censer, put fire in it, added incense, and offered unauthorized fire before our Father, which he had not commanded them. Zvino Nadhabhi naAbhihu, vanakomana vaAroni vakatora, mumwe nomumwe, hadyana yake yezvinonhuhwira, vakaisamo moto, vakaisawo zvinonhuhwira, vakaisa moto usingabvumirwi pamberi paJehovha zvaakanga asina kuvarayira.
2 Fire came out from our Father's presence and consumed them, and they died before our Father. Saka naizvozvo moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukavapisa vose ndokubva vafa pamberi paJehovha.
3 Moses said to Aaron, "This is what our Father spoke: 'Among those near me I will show myself holy, and before all the people I will be honored.'" Aaron was silent. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha paakati: “ ‘Pakati peavo vachaswedera kwandiri ndicharatidza utsvene hwangu, pamberi pavanhu vose ndichakudzwa.’ ” Aroni akaramba anyerere.
4 Moses called Mishael and Elzaphan, sons of Uzziel, Aaron's uncle, and said to them, "Come near, carry your brothers from in front of the sanctuary, outside the camp." Mozisi akadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri, babamunini vaAroni, akati kwavari, “Uyai pano mutakure madzikoma enyu muende navo kunze kwomusasa vabve pamberi penzvimbo tsvene.”
5 They came near and carried them still in their tunics out of the camp, as Moses had said. Saka vakauya vakavatakura vachakapfeka hanzu dzavo vakaenda navo kunze kwomusasa sezvazvakanga zvarayirwa naMozisi.
6 Moses said to Aaron and his sons Eleazar and Ithamar, "Don't let your hair hang loose or tear your clothes, or you will die and wrath will come on the whole community. But your relatives, the whole house of Israel, may weep for the burning our Father kindled. Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, Ereazari naItamari, “Musarega bvudzi renyu risina kukamwa uye musabvarura nguo dzenyu nokuti mungafa, Mwari akatsamwira ungano yose. Asi hama dzenyu, imba yose yaIsraeri, vanogona kuchema avo vakaparadzwa nomoto naJehovha.
7 Don't leave the Tent of Meeting entrance, or you'll die—our Father's anointing oil is on you." They did as Moses said. Musabva pamusuo weTende Rokusangana nokuti mungafa nokuti mafuta aJehovha okuzodza ari pamuri.” Saka vakaita sezvakataurwa naMozisi.
8 Our Father spoke to Aaron, saying, Ipapo Jehovha akati kuna Aroni,
9 "You and your sons must not drink wine or strong drink when you enter the tent of meeting, or you will die. This is a lasting statute for your generations, “Iwe navanakomana vako hamufaniri kunwa waini kana zvimwe zvinwiwa zvakaviriswa pose pose pamunopinda muTende Rokusangana nokuti mungafa. Uyu mutemo usingaperi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.
10 to distinguish holy from common, and unclean from clean, Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvitsvene nezvisingakoshi, pakati pezvakachena nezvisina kuchena.
11 and so you can teach the people of Israel all the statutes I told them through Moses." Uye munofanira kudzidzisa vaIsraeri mirayiro yose yavakapiwa naJehovha kubudikidza naMozisi.”
12 Moses told Aaron and his surviving sons, Eleazar and Ithamar: "Take the grain offering left from the fire offerings to our Father, and eat it without yeast beside the altar—it is most holy. Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake vakanga vasara, Ereazari naItamari, “Torai chipiriso chezviyo kubva pazvipiriso zvakaitirwa Jehovha nomoto, zvakagadzirwa pasina mbiriso mugochiisa parutivi pearitari nokuti chitsvene-tsvene.
13 Eat it in a holy place—it is your portion and your sons' portion from the fire offerings to our Father, for that is what I was commanded. Zvidyei munzvimbo tsvene, nokuti mugove wenyu nomugove wavanakomana venyu, wezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, nokuti ndakarayirwa saizvozvo.
14 But you, your sons, and your daughters may eat the waved breast and the raised thigh in a clean place; they are given as your portion and your sons' portion from Israel's peace offerings. Asi iwe navanakomana vako navanasikana vako, munogona kudya chityu chakaninirwa nebandauko rakakumikidzwa. Zvidyei munzvimbo yakacheneswa; izvi zvakapiwa kwauri navana vako somugove wenyu wezvipiriso zvokuwadzana zvavana vaIsraeri.
15 They must bring the raised thigh and the waved breast, with the fat offerings burned by fire, waving them as a wave offering before our Father; they are yours and your sons' as a lasting portion, as our Father commanded." Bandauko rakakumikidzwa nechityu chakaninirwa zvinofanirwa kuuyiswa namafuta nezvipiriso zvinoitwa nomoto, kuti zvininirwe pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. Uyu uchava mugove wamuchagara muchiwana navana venyu sezvakarayirwa naJehovha.”
16 Moses carefully inquired about the sin offering's goat and found it burned up. He was angry with Eleazar and Ithamar, Aaron's remaining sons, and said, Mozisi akati abvunza nezvembudzi yechipiriso chechivi akawana yatopiswa, akatsamwira Ereazari naItamari vanakomana vaAroni vakanga vasara akabvunza akati,
17 "Why didn't you eat the sin offering in the place of the sanctuary? Since it is most holy, our Father gave it to you to remove the congregation's guilt and make atonement for them before our Father. “Sei musina kudyira chipiriso chechivi munzvimbo tsvene? Chitsvene-tsvene, chakapiwa kwamuri kuti chibvise mhosva yeungano nokuvayananisira pamberi paJehovha.
18 Since its blood wasn't brought into the sanctuary, you should have eaten it in the sanctuary, as I commanded." Sezvo ropa racho risina kuuyiswa kuNzvimbo Tsvene, maifanira kudyira mbudzi munharaunda yenzvimbo tsvene, sezvandakarayira.”
19 Aaron said to Moses, "Look, today my sons offered their sin offering and their burnt offering before our Father, and yet all this happened to me. Had I eaten the sin offering today, would it have pleased our Father?" Aroni akapindura Mozisi achiti, “Nhasi vabayira chipiriso chavo chechivi nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha asi zvinhu zvakaita seizvi zvaitika kwandiri. Jehovha aidai afara here dai ndadya chipiriso chechivi nhasi?”
20 When Moses heard that, he was satisfied. Mozisi paakanzwa izvi akagutsikana.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]