Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses and Aaron, saying to them, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2 "Speak to the Israelites: These are the living creatures you may eat among all the animals on the earth. “Taurai kuvaIsraeri muti, ‘Pamhuka dzose dzinofamba panyika, idzi ndidzo dzamunogona kudya:
3 Among the animals, you may eat any that has a divided hoof, fully split, and chews the cud. Munogona kudya mhuka ipi zvayo ina mahwanda, akapararana zvachose, uye inozeya zvokudya.
4 "But these you must not eat among those that chew the cud or have a divided hoof: the camel—it chews the cud but has no divided hoof; it is unclean for you. “ ‘Asi kune dzimwe dzinongozeya kudya chete, kana kuti dzimwe dzine mahwanda akaparadzana chete, idzi hamufaniri kudzidya. Ngamera, kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka; haina kuchena kwamuri.
5 The rock badger chews the cud but has no divided hoof; it is unclean for you. Mbira kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri.
6 The hare, because it chews the cud but has no divided hoof—it is unclean for you. Tsuro kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri.
7 And the pig, though it has a divided, fully split hoof, does not chew the cud—unclean for you. Nguruve kunyange ine mahwanda akanyatsopatsanuka, haizeyi zvokudya, haina kuchena kwamuri.
8 Do not eat their flesh, and do not touch their carcasses—they are unclean for you. Hamufaniri kudya nyama yazvo kana kubata zvitunha zvazvo; hazvina kuchena kwamuri.
9 "You may eat these of all in the waters: whatever has fins and scales in the waters, seas, and rivers—those you may eat. “ ‘Pazvisikwa zvose zvinogara mumvura yamakungwa nenzizi, munogona kudya dzose dzine zvimbi namakwati.
10 But any without fins and scales in the seas and rivers, among all that swarm in the waters and all the living creatures in the waters—they are detestable to you. Asi zvipuka zvose zvomugungwa kana munzizi zvisina zvimbi namakwati, kunyange pakati pezvinouya samatutu kana pakati pezvose zvisikwa zvinorarama mumvura, zvinonyangadza kwamuri.
11 They remain detestable to you; do not eat their flesh, and treat their carcasses as detestable. Uye sezvo zvichinyangadza kwamuri hamufaniri kudya nyama yazvo uye munofanira kusema zvitunha zvazvo.
12 Whatever has no fins or scales in the waters—that is detestable to you. Chose chinhu chinorarama mumvura chisina zvimbi namakwati chinonyangadza kwamuri.
13 "Detest these birds; do not eat them—they are detestable: the eagle, the vulture, the black vulture, “ ‘Idzi ndidzo shiri dzamunofanira kusema, uye musadzidya nokuti dzinonyangadza kwamuri: gondo, gora, chapungu,
14 the kite, and the falcon according to its kind, njerere, marudzi ose oruvangu rutema,
15 every raven according to its kind, marudzi ose amakunguo,
16 the ostrich, the nighthawk, the seagull, and the hawk according to its kind, marudzi ose amazizi, shiri yegungwa namarudzi ose oruvangu,
17 the little owl, the cormorant, the great owl, nezizi duku, nekanyururahove, nezizi guru,
18 the white owl, the desert owl, the carrion vulture, nejichidza, nekondo, negora,
19 the stork, the heron according to its kind, the hoopoe, and the bat. neshuramurove, namarudzi ose ekondo, nemhupupu nechiremwaremwa.
20 "Every winged swarming creature that walks on four legs is detestable to you. “ ‘Zvose zvipukanana zvinobhururuka, zvinofamba namakumbo mana zvinonyangadza kwamuri.
21 Yet these you may eat among all winged swarming creatures that walk on four legs: those with jointed legs above their feet for leaping on the ground. Kunyange zvakadaro, kunewo zvimwe zvipuka zvine mapapiro zvinofamba namakumbo mana zvamunogona kudya, izvo zvine makumbo akabatanidzwa okukwakuka nawo.
22 You may eat these: the locust, the bald locust, the cricket, and the grasshopper, each according to its kind. Pakati pezvizvi munogona kudya marudzi ose emhashu, namarudzi ose amakurwe namarudzi ebambamukota.
23 But every other winged swarming creature that has four feet is detestable to you. Asi zvimwe zvose zvipukanana zvine mapapiro zvine makumbo mana munofanira kuzvisema.
24 "These things will make you unclean; whoever touches their carcasses will be unclean until the evening, “ ‘Musazvisvibisa nezvizvi; ani naani anobata zvitunha zvazvo achava akasviba kusvikira manheru.
25 whoever carries any of their carcasses must wash his clothes and be unclean until evening. Ani naani achanhonga chimwe chezvitunha zvazvo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru.
26 "Every animal with a divided hoof not fully split, or that does not chew the cud, is unclean for you; whoever touches them is unclean. “ ‘Mhuka yose yose ina mahwanda akapararana asi asina kunyatsopararana, isingazeyi kudya, haina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chayo achava asina kuchena.
27 Whatever walks on its paws, among all four-legged animals, is unclean for you; whoever touches their carcasses is unclean until evening, Pamhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, idzo dzine tsoka dzakafara hadzina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chadzo achava akasviba kusvikira manheru.
28 whoever carries their carcasses must wash his clothes and be unclean until evening; they are unclean to you. Ani naani achanhonga zvitunha zvadzo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. Hadzina kuchena kwamuri.
29 "These are unclean for you among the swarming things that swarm on the earth: the mole rat, the mouse, the great lizard by its kind, “ ‘Pamhuka dzinokambaira panyika, idzi hadzina kuchena kwamuri: chidembo, gonzo, namarudzi ose egwavava,
30 the gecko, the monitor lizard, the wall lizard, the skink, and the chameleon. chifurira, namarudzi ose amadzvinyu, dhambakura nerwaivhi.
31 These are unclean for you among all that swarm; whoever touches them dead is unclean until evening. Pane zvose zvinokambaira panyika, izvi hazvina kuchena kwamuri. Asi ani naani anozvibata kana zvafa achava akasviba kusvikira manheru.
32 Anything one of their dead bodies falls on becomes unclean—any wooden vessel, cloth, leather, or sackcloth, any working tool. It must be put in water and stays unclean until evening; then it is clean. Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru, uye ipapo chichava chakachena.
33 Any clay pot one of them falls into—whatever is in it is unclean; break it. Kana chimwe chazvo chikawira muhari yevhu, zvose zviri mairi zvichava zvisina kuchena, uye munofanira kuputsa hari yacho.
34 Any food touched by such water becomes unclean; any drink in such a vessel becomes unclean. Chokudya chipi zvacho chinogona kudyiwa, asi chine mvura pachiri, yabva muhari iyoyo chichava chisina kuchena uye kana chipi zvacho chinganwiwa kubva imomo hachina kuchena.
35 Anything one of their carcasses falls on becomes unclean; an oven or stove must be smashed. They are unclean, and unclean to you. Chose chinhu chinowirwa nechitunha chazvo chinova chisina kuchena; choto kana hari yokubikira zvinofanira kuputswa. Hazvina kuchena uye munofanira kuzvibata sezvisina kuchena.
36 Yet a spring or cistern holding water stays clean, but whoever touches their carcasses is unclean. Asi chitubu, kana tsime rokuchera mvura zvinoramba zvakachena, asi ani naani anobata chimwe chezvitunha izvi achava asina kuchena.
37 If any of their carcasses falls on seed to be planted, it stays clean. Kana chitunha chikawira pambeu ipi zvayo inofanira kudyarwa, inoramba yakachena.
38 But if water has been put on the seed and part of their carcass falls on it, it is unclean for you. Asi kana mvura yaiswa pambeu, uye chitunha chikawira pairi, inova isina kuchena kwamuri.
39 "If any animal you may eat dies, whoever touches its carcass is unclean until evening. “ ‘Kana mhuka yamunobvumirwa kudya ikafa yoga, munhu wose achabata mutumbi wayo achava asina kuchena kusvikira manheru.
40 Whoever eats its carcass must wash their clothes and be unclean until evening; whoever carries its carcass must wash their clothes and be unclean until evening. Munhu wose achadya imwe nyama yacho anofanira kusuka nguo dzake agova asina kuchena kusvikira manheru.
41 "Every swarming creature that swarms on the earth is detestable; do not eat it. “ ‘Chisikwa chose chinokambaira panyika chinonyangadza, hachifaniri kudyiwa.
42 Whatever moves on its belly, walks on four legs, or has many feet—among all the swarming things that swarm on the earth—do not eat them; they are detestable. Hamufaniri kudya chisikwa chipi zvacho chinokambaira panyika, chingava chinofamba nedumbu kana chinofamba namakumbo mana kana namakumbo akawanda, chinonyangadza.
43 Do not make yourselves detestable with any swarming creature that swarms, and do not make yourselves unclean by them, becoming unclean through them. Musazvisvibisa nechimwe chezvisikwa izvi. Musazvisvibisa nazvo kana nokuda kwazvo.
44 For I am your Father: dedicate yourselves, be holy, since I am holy. Do not make yourselves unclean with any swarming creature crawling on the ground. Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi.
45 I am your Father who brought you out of Egypt to be your God; be holy, for I am holy." Ndini Jehovha akakubudisai muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; saka ivai vatsvene nokuti ndiri mutsvene.
46 This is the law of the animals, the birds, every living creature moving in the waters, and every creature swarming on the earth, “ ‘Ndiyo mitemo iri maererano nemhuka, shiri, zvipenyu zvose zvinofamba mumvura nezvipuka zvose zvinofamba panyika.
47 to distinguish between the unclean and the clean, between animals that may be eaten and those that may not. Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvisina kuchena nezvakachena, pakati pezvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezvisingagoni kudyiwa.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]