Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Tell the Israelites: when a woman conceives and bears a son, she is unclean seven days—unclean as during her monthly period. “Uti kuvaIsraeri, ‘Mukadzi akava napamuviri akabereka mwanakomana, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, sezvaanova asina kuchena paanoenda kumwedzi.
3 And on the eighth day the flesh of his foreskin will be circumcised. Pazuva rorusere mukomana uyo anofanira kudzingiswa.
4 For thirty-three days she remains in the blood of her purification. She must not touch anything holy or enter the sanctuary until her days of purification are complete. Zvino mukadzi anofanira kumirira mazuva makumi matatu namatatu kuti acheneswe pakubuda ropa kwake. Haafaniri kubata chinhu chipi zvacho chitsvene kana kusvika kunzvimbo tsvene kusvikira mazuva okucheneswa kwake apera.
5 If she bears a daughter, she is unclean two weeks, as during her period, then continues sixty-six days in the blood of her purification. Kana akabereka mwanasikana, kwevhiki mbiri mukadzi achava asina kuchena sepaanoenda kumwedzi. Ipapo anofanira kumira mazuva makumi matanhatu namatanhatu kuti acheneswe kubva pakubuda ropa.
6 "When her days of purification for a son or daughter are complete, she must bring the priest at the tent of meeting's entrance a year-old lamb as a burnt offering, and a young pigeon or turtledove as a sin offering. “ ‘Kana mazuva okucheneswa nokuda kwomwanakomana kana mwanasikana apera, anofanira kuuya kumuprista pamusuo weTende Rokusangana, negwayana rine gore rimwe chete sechipiriso chinopiswa nehangaiwa diki kana njiva yechipiriso chechivi.
7 He will offer it before our Father and atone for her; she'll be clean from her blood flow. This is the law for the woman who gives birth, to a son or daughter. Achazvibayira pamberi paJehovha kuti agomuyananisira, achava akacheneswa kubva pakubuda ropa kwake. “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yomukadzi anobatsirwa nomwanakomana kana mwanasikana.
8 "If she can't afford a lamb, she may take two turtledoves or two young pigeons—one for a burnt offering, one for a sin offering. The priest will atone for her, and she will be clean." Kana asingakwanisi kuuya negwayana, anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, imwe yechipiriso chinopiswa imwe yechipiriso chechivi. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye achava akachena.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]