1Our Father spoke to Moses and Aaron, saying:OSCBJehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2"When someone has a swelling, rash, or bright spot on their skin that turns into a skin disease, he must be brought to Aaron the priest or one of his priest sons.OSCB“Kana ani naani ane pakazvimba kana kuti ane tumapundu kana chivara chichena paganda rake chinogona kunge chiri chirwere chinotapukira anofanira kuuyiswa kuna Aroni muprista kana kuno mumwe wavanakomana vake muprista.
3The priest examines the mark on the skin. If the hair in it has turned white and it looks deeper than the skin, it is a contaminating skin disease; the priest examines him and declares him unclean.OSCBMuprista achatarisa chironda chiri paganda rake, uye kana bvudzi riri pachironda rachena uye ronda roratidza kudzika kudarika paganda, chirwere cheganda chinotapukira. Kana muprista akamuongorora achamuzivisa kuvanhu somunhu asina kuchena.
4But if the bright spot on his skin is white, not deeper than the skin, and its hair hasn't turned white, the priest must isolate the person seven days.OSCBKana gwapa riri paari riri jena asi risingaratidzi kudzika kudarika paganda uye bvudzi risina kuchena, muprista anofanira kugarisa munhu iyeye oga kwamazuva manomwe.
5On the seventh day the priest examines him; if the mark hasn't changed or spread on the skin, he isolates him seven more days.OSCBPazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye akaona kuti chironda hachina kupinduka uye hachina kupararira muganda anofanira kumuchengeta pake oga kwamamwe mazuva manomwe.
6On the seventh day the priest examines him again. If the sore faded and didn't spread on the skin, he declares him clean—just a rash. He washes his clothes and is clean.OSCBPazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora zvakare, uye kana chironda chaserera uye chisina kupararira neganda, muprista achamuzivisa somunhu akachena, tunongova tumapundu. Munhu anofanira kusuka nguo dzake uye achava akachena.
7But if the rash spreads on his skin after showing himself to the priest for cleansing, he must show himself to the priest again.OSCBAsi kana tumapundu tukapararira nomuviri wake shure kwokunge azviratidza kumuprista kuti zviziviswe kuti akachena, anofanira kuenda kumuprista zvakare.
8The priest examines him: if the rash has spread on the skin, he declares him unclean—it is a skin disease.OSCBMuprista anofanira kumuongorora, uye kana tumapundu twapararira neganda, achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira.
9"When a defiling skin disease appears on someone, he is to be brought to the priest.OSCB“Kana munhu upi zvake ane chirwere chinotapukira, anofanira kuuyiswa kumuprista.
10The priest examines him: if a white swelling on the skin has turned the hair white, with raw flesh in it.OSCBMuprista anofanira kumuongorora, uye kana pane kuzvimba nokucheneruka paganda, uye zvapindura bvudzi kuti rive jena, uye kana pane nyama yakatsvuka, pakazvimba,
11It is a chronic skin disease; the priest will pronounce him unclean. He must not isolate him, since he is unclean.OSCBchirwere cheganda chava nenguva uye muprista achazivisa kuti haana kuchena. Haafaniri kumugarisa ari oga, nokuti atogara asina kuchena.
12"But if the disease breaks out and covers all his skin, head to foot, wherever the priest looks,OSCB“Kana chirwere chikabuda paganda rake rose uye sokuona kwomuprista, chakafukidza ganda rose romunhu abatwa nehosha, kubva kumusoro kusvika kutsoka,
13the priest examines him; if the disease covers his whole body, he pronounces him clean—since it's all turned white, he is clean.OSCBmuprista anofanira kumuongorora uye kana chirwere chapararira nomuviri wake wose, achazivisa kuti munhu uyu akachena, sezvo zvose zvachenuruka, akachena.
14But on the day raw flesh appears on him, he is to be unclean.OSCBAsi pose panoonekwa ronda paari, achava asina kuchena.
15The priest sees the raw flesh and pronounces him unclean; the raw flesh is unclean—a skin disease.OSCBMuprista paachaona ronda, achazivisa kuti haana kuchena. Ronda harina kuchena ane chirwere chinotapukira.
16But if the raw flesh changes and turns white, he is to come to the priest.OSCBZvikaitika kuti ronda richeneruke, anofanira kuenda kumuprista.
17The priest examines him; if the mark has turned white, he declares him clean—he is clean.OSCBIpapo muprista anofanira kumuongorora uye kana zvironda zvachenuruka, muprista achazivisa kuti munhu ane hosha uyu akachena, ipapo achava akachena.
18"When someone has a boil on their skin and it heals,OSCB“Kana munhu akava nemota paganda rake rikapora,
19if a white swelling or reddish-white bright spot forms on the boil, show it to the priest.OSCBuye panzvimbo panga pane mota pakazvimba pakacheneruka kana kuti pakatsvuka, anofanira kuzviratidza kumuprista.
20The priest examines it; if it looks lower than the skin and the hair has turned white, he pronounces him unclean—a skin disease has broken out in the boil.OSCBMuprista anofanira kumuongorora uye kana zvikaratidza kudzika kudarika paganda uye bvudzi riri pachiri rikapinduka rikava jena, muprista achazivisa kuti haana kuchena, chirwere chinotapukira cheganda chabuda panga pane mota.
21But if the priest sees no white hair in it, it is not below the skin, and has faded, he is to isolate him seven days.OSCBAsi kana muprista achiongorora, pasina bvudzi jena pachiri uye paserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe.
22If it spreads further on the skin, the priest declares him unclean; it is diseased.OSCBKana zviri kupararira muganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena, zvinotapukira.
23But if the bright spot stays put, hasn't spread, it's the scar of the boil, and the priest must pronounce him clean.OSCBAsi kana gwapa risina kupinduka uye risina kupararira, rinongova vanga kubva pamota uye muprista achazivisa kuti akachena.
24"Or when skin has a fire burn, and the burn's raw flesh becomes a reddish-white or white bright spot,OSCB“Kana munhu akatsva paganda uye akabuda gwapa dzvuku kana rakacheneruka paronda rokutsva,
25the priest examines it: if hair in the bright spot turned white and it looks deeper than the skin, it is a skin disease broken out in the burn—he declares him unclean; it is a skin disease.OSCBmuprista anofanira kutarisa gwapa uye kana bvudzi riri pariri rapinduka rikava jena uye zvakadzika kudarika ganda, chirwere chinotapukira cheganda chabuda pakatsva.
26If the priest examines it and finds no white hair in the bright spot, and it's no deeper than the skin but faded, he is to isolate him seven days.OSCBAsi kana muprista akachiongorora, pasina bvudzi jena pagwapa uye kana zvisina kudzika kudarika ganda uye zvaserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe.
27On day seven the priest examines him. If it spread on the skin, the priest pronounces him unclean—a defiling skin disease.OSCBPazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye kana zvichipararira neganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira cheganda.
28But if the bright spot stays in place, hasn't spread on the skin, and has faded, it's the burn's swelling; the priest is to declare him clean—it is only the burn's scar.OSCBAsi kana gwapa rikasapinduka uye risina kupararira neganda, asi raserera, kuzvimba kunobva pakutsva uye muprista achazivisa kuti akachena, rinongova vanga rinobva pakutsva.
29"When a man or a woman has a mark on the head or in the beard,OSCB“Kana munhurume kana munhukadzi akava nechironda mumusoro kana pachirebvu,
30the priest examines the mark; if deeper than the skin, with thin yellow hair, he pronounces them unclean—an itch, a skin disease of the head or beard.OSCBmuprista anofanira kuongorora chironda, uye kana chichiratidza kudzika kudarika ganda, uye bvudzi riri machiri riri renhundurwa uye riri dete, muprista achazivisa kuti munhu iyeye haana kuchena, kuvava, chirwere chinotapukira chomusoro kana chechirebvu.
31But if the priest examines the itch mark and it looks no deeper than the skin and has no black hair in it, the priest is to isolate the person for seven days.OSCBAsi kana muprista akaongorora ronda iri uye kana risingaratidzi kudzika kudarika ganda uye pasina bvudzi dema pariri, zvino muprista anofanira kuchengeta munhu ane hosha ari oga kwamazuva manomwe.
32On the seventh day the priest examines the mark: if the itch hasn't spread, has no yellow hair, and looks no deeper than the skin.OSCBPazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora ronda, uye kana kuvava kusina kupararira uye pasina bvudzi renhundurwa uye risingaratidzi kudzika kudarika ganda,
33The man is to shave, but not the sore area; the priest isolates him another seven days.OSCBanofanira kuveurwa bvudzi pachisiyiwa nzvimbo ine hosha, uye muprista anofanira kumuchengeta ari oga kwamamwe mazuva manomwe.
34On the seventh day the priest examines the itch. If it hasn't spread on the skin and looks no deeper than the skin, the priest declares him clean. He washes his clothes and is clean.OSCBPazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora panovava, uye kana pasina kupararira neganda zvichiratidza kuti hazvina kudzika kudarika ganda, muprista achazivisa kuti akachena. Anofanira kusuka nguo dzake agova akachena.
35But if the itch spreads further on the skin after his cleansing,OSCBAsi kana kuvava kukaparira neganda iye aziviswa kuti akachena,
36the priest examines him; if the itch spread on the skin, the priest need not look for yellow hair—the man is unclean.OSCBmuprista anofanira kumuongorora, uye kana kuvava kwapararira neganda, muprista haafaniri kutsvaga bvudzi renhundurwa, nokuti munhu iyeye haana kuchena.
37But if the priest sees it unchanged, with black hair grown in it, it's healed; he's clean—the priest pronounces him clean.OSCBZvisinei hazvo, kana zvikaitika kuti sokuona kwake hazvina kupinduka, uye bvudzi dema ramera mazviri, kuvava kwaporeswa, achena uye muprista achazivisa kuti akachena.
38"When a man or a woman has white bright spots on their skin,OSCB“Kana munhurume kana munhukadzi ane makwapa machena paganda
39the priest examines them; if the bright spots on their skin are dull white, it is a harmless rash that has broken out on the skin; he is clean.OSCBmuprista anofanira kuaongorora uye kana makwapa asina kunyanyochena, tumapundu tusingakuvadzi twabuda paganda, munhu iyeye akachena.
40"When a man loses the hair on his head, he is bald, but he is clean.OSCB“Kana bvudzi romumwe rikabva akasara asisina bvudzi, ava nemhanza, akachena.
41If hair falls from the front of his head, his forehead is bald, but he is clean.OSCBKana akabva bvudzi pahuma uye akasara ava nemhanza, akachena.
42But if a reddish-white sore is on his bald head or forehead, it is a skin disease breaking out on his bald head or forehead.OSCBAsi kana ane chironda chichena chakatsvukuruka pamhanza yake kana pahuma, chirwere chinotapukira chabuda pamusoro pake kana pahuma.
43The priest examines him; if a reddish-white swelling is on his bald head or forehead, like skin disease on the body's skin.OSCBMuprista anofanira kumuongorora uye kana kuzvimba kuri pamusoro pake kana pamhanza kwakatsvukuruka nokuchena sechirwere chinotapukira cheganda,
44A man with a skin disease is unclean; the priest must declare him unclean, his mark on his head.OSCBmurume iyeye arwara uye haana kuchena. Muprista anofanira kuzivisa kuti haana kuchena nokuda kwechironda chiri pamusoro wake.
45"Anyone with the skin disease must wear torn clothes, let their hair hang loose, cover their upper lip, and cry, 'Unclean, unclean!'OSCB“Munhu ane chirwere chinotapukira ichi anofanira kupfeka nguo dzakabvaruka, osiya bvudzi rake risina kukamwa, ofukidza chikamu chepasi cheuso hwake, odanidzira achiti, ‘Handina kuchena! Handina kuchena!’
46While the mark remains, they are unclean—unclean; they must live alone, outside the camp.OSCBKana aramba ane chirwere ichocho anongoramba asina kuchena. Anofanira kugara oga; anofanira kugara kunze kwomusasa.
47"When a garment has a mark of mildew in it, whether a wool or a linen garment,OSCB“Kana nguo ipi neipi yazadzwa maperembudzi, ingava nguo yeshinda, kana yewuru kana yomucheka,
48in fabric of linen or wool, woven or knitted, or in leather or anything of leather,OSCBungava mucheka wakarukwa kana mucheka wewuru kana wedehwe kana chinhu chakagadzirwa nedehwe,
49if a mark on garment, leather, warp, or weft, or any leather article, is greenish or reddish, it is mildew and must be shown to the priest.OSCBuye kana utachiona huri muchipfeko kana dehwe kana mucheka wakarukwa kana chinhu chedehwe, chiri choruvara rwezerere kana chakatsvukuruka, chirwere chinopararira chamaperembudzi uye chinofanira kuratidzwa kumuprista.
50The priest is to examine the mark and isolate the affected article for seven days.OSCBMuprista anofanira kuchiongorora agochengeta chinhu chacho pacho choga kwamazuva manomwe.
51On the seventh day he examines the mark. If it has spread in the garment, warp or weft, or in leather or anything made of leather, it is destructive mildew—unclean.OSCBPazuva rechinomwe anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi apararira muchipfeko kana nguo yakarukwa, zvisinei kuti chinoshandiswei, chirwere chinoparadza chamaperembudzi; chinhu ichocho hachina kuchena.
52Burn the garment—warp or weft, wool or linen—or any leather article with the mark, for it is a destructive mildew; burn it in the fire.OSCBAnofanira kupisa nguo yacho, kana mucheka wakarukwa wewuru kana mucheka weshinda, kana wedehwe une utachiona mauri, nokuti maperembudzi anoparadza, chinhu ichocho chinofanira kupiswa.
53"But if the priest examines it and the sore hasn't spread in the garment, or warp, or weft, or any leather article,OSCB“Asi kana muprista akachiongorora, maperembudzi asina kupararira muchipfeko kana mucheka wakarukwa, kana chinhu chakagadzirwa nedehwe,
54the priest will order the marked article washed, and isolate it another seven days.OSCBacharayira kuti chinhu chine utachiona chisukwe. Ipapo anofanira kuchigarisa choga kwamamwe mazuva manomwe.
55After the affected fabric is washed, the priest examines it. If the mark's look hasn't changed, though it hasn't spread, it is unclean. Burn it in the fire—it is a corroding spot, inside or outside.OSCBMushure mokunge chinhu chine utachiona chasukwa, muprista anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi asina kuratidza kupinduka maonekero awo, kunyange zvisina kupararira, hachina kuchena. Pisai chinhu ichocho nomoto kunyange maperembudzi akanganisa divi rimwe chete.
56If the priest sees the mark has faded after washing, he must tear it from the garment, leather, or woven or knitted material.OSCBKana muprista akachiongorora, maperembudzi akange aumbuka mushure mokunge chinhu chasukwa, anofanira kubvarura chidimbu chapinda utachiona kubva panguo, kana padehwe kana pamucheka wakarukwa.
57If it reappears in the garment, woven or knitted, or any leather, it's spreading; burn what has the mark in fire.OSCBAsi kana zvikabuda zvakare pachipfeko, kana pamucheka wakarukwa, kana pachinhu chedehwe, zviri kupararira uye chose chine maperembudzi chinofanira kupiswa nomoto.
58But if the mark leaves the garment, warp, weft, or leather item you washed, wash it again—it is clean.OSCBNguo iyi, kana mucheka wakarukwa, kana chinhu chedehwe chasukwa uye chabviswa maperembudzi, chinofanira kusukwa zvakare uye chichava chakachena.”
59"This is the law for a mildew mark on a wool or linen garment, warp or weft, or any leather item—to pronounce it clean or unclean."OSCBIyi ndiyo mirayiro inoenderana nokuzadzwa namaperembudzi kwechipfeko chewuru kana chomucheka, mucheka wakarukwa kana chinhu chose chedehwe kuti zvigoziviswa kuti zvakachena kana kuti hazvina kuchena.