Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father said to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi:
2 "This is the law for someone with a skin disease on the day of his cleansing: he must be brought to the priest. “Iyi ndiyo mirayiro yomunhu ane chirwere panguva yake yokucheneswa kana auyiswa kumuprista:
3 The priest is to go outside the camp and examine him; if his skin disease has healed, Muprista anofanira kuenda kunze kwomusasa agonomuongorora. Kana munhu aporeswa kubva kumaperembudzi,
4 the priest must order two live clean birds, cedar wood, scarlet yarn, and hyssop taken for the one being cleansed. muprista acharayira kuti shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi zviuyiswe kuti acheneswe.
5 The priest is to command that one bird be slaughtered over a clay pot of fresh water. Ipapo muprista acharayirwa kuti imwe yeshiri idzi iurayiwe pamusoro pemvura yakachena muhari yevhu.
6 He must take the live bird, the cedar wood, the scarlet yarn, and the hyssop, and dip them with the live bird in the blood of the bird slaughtered over the fresh water. Anofanira zvino kutora shiri mhenyu oinyika pamwe chete nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi muropa reshiri yaurayiwa pamusoro pemvura yakachena.
7 He sprinkles the blood seven times on the one being cleansed of the skin disease, pronounces him clean, then releases the live bird over the open field. Achasasa uyo anofanira kucheneswa kubva kuchirwere chamaperembudzi kanomwe, agozivisa kuti akachena. Ipapo anofanira kuregera shiri mhenyu ichienda musango.
8 "The one being cleansed must wash his clothes, shave off all his hair, and bathe in water—then he is clean. Afterward he may enter the camp, but stay outside his tent seven days. “Munhu anofanira kucheneswa anofanira kusuka nguo dzake agoveura bvudzi rake rose agoshamba nemvura, ipapo achava akacheneswa. Mushure maizvozvi anogona kuuya mumusasa asi anofanira kugara kunze kwetende rake kwamazuva manomwe.
9 On the seventh day he must shave off all his hair—head, beard, eyebrows—shaving off all his hair. Then he must wash his clothes and bathe his body in water, and he is clean. Pazuva rechinomwe anofanira kuveura bvudzi rake rose. Anofanira kuveura musoro wake, ndebvu dzake, tsiye dzake, nerimwe bvudzi rake rose. Anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura uye achava akachena.
10 "On the eighth day he must take two male lambs without defect, a year-old ewe lamb without defect, three quarts fine flour mixed with oil for a grain offering, and a cup of oil. “Pazuva rorusere anofanira kuuya namakwayana maviri amakondobwe nesheshe imwe chete, dzose dzine gore dzisina kuremara, pamwe chete nezvikamu zvitatu kubva mugumi zveefa zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta sechipiriso chezviyo nerogi imwe chete yamafuta.
11 The cleansing priest is to present the one being cleansed, with these offerings, before our Father at the tent of meeting's entrance. Muprista achazivisa kuti akachena, anofanira kuuya nouya anofanira kucheneswa nezvipiriso zvake pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana.
12 "The priest takes one male lamb and offers it as a guilt offering, with the oil, waving them as a wave offering before our Father. “Ipapo muprista anofanira kutora gwayana rimwe chete gono agoripa sechipiriso chemhosva pamwe chete nerogi ramafuta; achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.
13 He must slaughter the lamb where the sin offering and burnt offering are slaughtered, in the holy place—since the guilt offering, like the sin offering, belongs to the priest; it is most holy. Anofanira kubaya gwayana panzvimbo tsvene apo panobayirwa chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa. Sezvakaita chipiriso chezvivi, chipiriso chemhosva ndechomuprista, chitsvene-tsvene.
14 The priest is to take some blood of the guilt offering and put it on the right earlobe of the one being cleansed, on his right thumb, and on his right big toe. Muprista anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva agoriisa pamucheto wenzeve yokurudyi yomunhu anocheneswa, pamunwe wake mukuru wokuruoko rwokurudyi uye napachigunwe chikuru chetsoka yake yokurudyi.
15 The priest is to take some of the oil and pour it into his own left palm. Ipapo muprista achatora imwe rogi yamafuta agodira muchanza choruoko rwake rworuboshwe,
16 He must dip his right finger in the oil in his left palm and sprinkle some with his finger seven times before our Father. agonyika munwe wake wokutendeka nawo wokurudyi mumafuta ari muchanza choruoko rwake agosasa mamwe acho nomunwe kanomwe pamberi paJehovha.
17 With the oil remaining on his palm, the priest puts some on the right earlobe of the one being made clean, on his right thumb, and his right big toe, over the blood of the guilt offering. Muprista achaisa mamwe mafuta anosara muchanza panzeve yokurudyi youyo anofanira kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi nepachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi pamusoro peropa rechipiriso chemhosva.
18 The priest is to put the oil left in his palm on the head of the one made clean, making atonement for him before our Father. Mamwe mafuta ose ari muchanza make muprista achaaisa pamusoro pouyo achada kucheneswa, agomuyananisira pamberi paJehovha.
19 The priest is to offer the sin offering and atone for the one made clean from his impurity; afterward he slaughters the burnt offering. “Ipapo muprista achabayira chipiriso chechivi agoyananisira uyo anofanira kucheneswa kubva pakusachena kwake. Mushure maizvozvo muprista achabaya chipiriso chinopiswa
20 The priest will offer the burnt and grain offerings on the altar, atone for him, and he will be clean. agochipa paaritari pamwe chete nechipiriso chezviyo, agomuyananisira, uye achava akachena.
21 "But if he is poor and lacks the means, he is to take one male lamb as a guilt offering, to be waved for atonement for him, with about two quarts of fine flour mixed with oil, for a grain offering, and about a cup of oil, “Asi kana ari murombo asingakwanisi kuuya naizvozvi, anofanira kutora gwayana gono sechipiriso chemhosva kuti aninire agomuyananisira pamwe chete nechikamu chimwe chete kubva mugumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakasangana namafuta sechipiriso chezviyo, zvikamu zviviri kubva muzvitatu zverogi ramafuta,
22 and two turtledoves or two young pigeons—whichever he can afford, one as a sin offering, the other as a burnt offering. njiva mbiri kana hangaiwa mbiri dzaanokwanisa kuuya nadzo, imwe yechipiriso chechivi neimwe yechipiriso chinopiswa.
23 "On the eighth day he must bring them for his cleansing to the priest, to the entrance of the tent of meeting, before our Father. “Pazuva rorusere anofanira kuzviuyisa kumuprista pamusuo weTende Rokusangana pamberi paJehovha, kuti acheneswe.
24 The priest takes the guilt-offering lamb and the log of oil, waving them as a wave offering before our Father. Muprista anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva nerogi ramafuta agozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.
25 He must slaughter the guilt offering's lamb, take some of its blood, and put it on the right ear lobe, right thumb, and right big toe of the one being cleansed. Achabaya gwayana rechipiriso chemhosva agotora rimwe ropa raro agoriisa panzeve yokurudyi yomunhu anoda kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwokurudyi napachigunwe chikuru chepagumbo rokurudyi.
26 The priest is to pour some of the oil into his own left palm, Muprista achadira mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe
27 and with his right finger sprinkle some oil from his left palm seven times before our Father. uye nomunwe wake wokurudyi wokutendeka nawo agomwaya mamwe mafuta anobva muchanza chake kanomwe pamberi paJehovha.
28 The priest puts oil from his palm on the right earlobe of the one being made clean, his right thumb, and right big toe, over the place of the guilt offering's blood. Mamwe mafuta ari muchanza chake anofanira kuaisa munzvimbo dzimwe chetedzo dzaakaisa ropa rechipiriso chemhosva panzeve yokurudyi youyo anoda kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi napachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi.
29 The priest is to put the rest of the oil from his palm on the head of the one being cleansed, to atone for him before our Father. Mamwe mafuta ose achasara muchanza muprista achaaisa mumusoro mouyo anofanira kucheneswa, kuti ayananisirwe pamberi paJehovha.
30 Then he is to offer one of the turtledoves or young pigeons, whichever he can afford. Ipapo achabayira njiva kana hangaiwa diki izvo zvaanogona kuwana,
31 Whichever he can afford—one as a sin offering, the other as a burnt offering, with the grain offering. The priest will make atonement before our Father for the one made clean. imwe sechipiriso chechivi neimwe sechipiriso chinopiswa pamwe chete nechipiriso chezviyo. Nenzira iyi muprista achayananisira pamberi paJehovha, panzvimbo youya anofanira kucheneswa.”
32 "This is the law for one with a skin disease who cannot afford the offerings for his cleansing." Iyi ndiyo mirayiro pamusoro pouyo ane chirwere chamaperembudzi uye asingakwanisi kuuya nezvipiriso zvinofanira kupiwa kuti acheneswe.
33 Our Father said to Moses and Aaron: Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
34 "When you enter the land of Canaan, which I give you as a possession, and I put a spreading mildew in a house in the land you possess, “Kana mapinda munyika yeKenani iyo yandiri kukupai senhaka, ndikaita chirwere chinopararira chamaperembudzi muimba iri munyika iyoyo,
35 the owner must come tell the priest: 'Something like a disease has appeared in my house.' muridzi weimba anofanira kuenda kundoudza muprista kuti, ‘Ndaona chimwe chinhu chinenge maperembudzi mumba mangu.’
36 The priest must order the house emptied before he enters to examine the disease, so nothing in it is declared unclean; then he may enter to examine the house. Ipapo muprista anofanira kurayira kuti vabudise zvose zviri mumba muprista asati apinda kundotarira hosha, kuti kurege kuva nechinhu chiri mumba chichanzi hachina kuchena. Mushure maizvozvo muprista anofanira kupinda agoongorora imba.
37 He examines the disease, and if it is in the house's walls—greenish or reddish depressions that appear deeper than the surface. Anofanira kuongorora chakwindi chiri mumadziro eimba uye kana pane makomba makomba ane ruvara rwezerere kana akatsvukuruka,
38 The priest must leave the house through its doorway and shut it up seven days. muprista anofanira kubuda napamusuo wemba agoipfiga kwamazuva manomwe.
39 On the seventh day the priest returns to examine it. If the disease has spread on the house walls, Pazuva rechinomwe muprista achadzoka kuzoongorora imba. Kana maperembudzi apararira pamadziro,
40 he must order the diseased stones torn out and thrown outside the city, to an unclean place. anofanira kurayira kuti matombo ane utachiona abviswe agorasirwa kunzvimbo isina kuchena kunze kweguta.
41 He must scrape the house's inside all around, and dump the scraped-off plaster outside the city in an unclean place. Ipapo ngaarayire kuti madziro ose omukati memba aparwe uye zvaparwa zvigoraswa kunzvimbo isina kuchena kunze kweguta.
42 Other stones are to replace the old ones, and new plaster is to cover the house. Ipapo vanofanira kutora mamwe matombo vagotsiva aya vagotora ivhu idzva vakodzura imba.
43 "If the infection returns in the house after the stones are torn out, the house scraped, and plastered, “Kana chakwindi chikaonekwa zvakare mumba mushure mokunge matombo abviswa imba yaparwa uye yadzurwa,
44 the priest must enter and examine; if the disease has spread in the house, it is a destructive mildew in the house—it is unclean. muprista anofanira kuenda kunozvinanʼanidza. Kana maperembudzi apararira ihosha inoparadza, imba haina kuchena.
45 He must tear down the house—stones, timbers, and all its plaster—and haul it outside the city to an unclean place. Inofanira kupazwa, matombo ayo, mapuranga nokudzura kwose, zvotorwa zvoendeswa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.
46 Anyone who enters the house while it is closed is unclean until evening. “Munhu upi noupi achapinda muimba iyi painenge ichakapfigwa achava asina kuchena kusvika manheru.
47 Whoever lies or eats in the house must wash his clothes. Munhu wose achavata kana kuti achadya ari mumba iyoyo anofanira kusuka nguo dzake.
48 "If the priest comes, examines it, and the disease has not spread in the house after it was plastered, he is to declare it clean—the disease is healed. “Asi kana muprista akauya kuzoiongorora, akaona kuti maperembudzi haana kupararira mumba mushure mokunge yadzurwa, achati imba yakachena nokuti maperembudzi aenda.
49 To cleanse the house he is to take two birds, with cedar wood, scarlet yarn, and hyssop, Kuti anatse imba, anofanira kutora shiri mbiri nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi.
50 and he is to slaughter one of the birds into a clay pot over fresh water. Achaurayira imwe shiri pamusoro pemvura yakachena iri muhari yevhu.
51 He must take the cedar wood, hyssop, scarlet yarn, and the live bird, dip them in the slaughtered bird's blood and the fresh water, and sprinkle the house seven times. Ipapo anofanira kutora puranga romusidhari, hisopi, mucheka mutsvuku, shinda neshiri mhenyu ozvinyika muropa reshiri yafa nemvura yakachena, uye agosasa mumba kanomwe.
52 Then he must purify the house with the bird's blood, fresh water, the live bird, cedar wood, hyssop, and scarlet yarn. Achanatsa imba neropa reshiri, mvura yakachena, shiri mhenyu, danda romusidhari, hisopi uye nomucheka mutsvuku.
53 He is to release the live bird outside the city into the open field, make atonement for the house, and it will be clean." Ipapo anofanira kuregedza shiri mhenyu kuti iende hayo kunze kweguta kusango. Nenzira iyi achayananisira imba uye ichava yakachena.”
54 This is the law for any skin disease, for an itch, Iyi ndiyo mirayiro yechirwere chamaperembudzi, kuvava,
55 for mildew in a garment or a house, maperembudzi pamucheka kana mumba,
56 and for a swelling, a scab, or a bright spot, uye kuzvimba, kufunuka, kana gwapa rakacheneruka,
57 to teach when something is unclean and when clean. This is the law of skin disease and mildew. kuti mugoziva kuti chinhu chakachena kana kuti hachina kuchena. Iyi ndiyo mirayiro yezvirwere zvinotapuriranwa zvamaperembudzi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]