Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 15 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses and Aaron, saying: Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2 "Speak to Israel's people and say: When any man has a discharge from his body, his discharge is unclean. “Taurai navaIsraeri muti kwavari, ‘Kana murume upi zvake ane zvimwe zvinoerera, zvinobuda pamuviri wake, uye achava asina kunaka nokuda kwokuerera uku.
3 This is his uncleanness from discharge: whether his body flows with it or is blocked, it is his uncleanness. Kunyange zvikaramba zvichibuda mumuviri wake kana kuti zvikamira zvichamuita kuti ave asina kuchena. Izvi ndizvo zvinoita kuti kuerera uku kumuite kuti ave asina kuchena.
4 "Every bed the man with the discharge lies on is unclean; everything he sits on is unclean. “ ‘Mubhedha upi zvawo unorarwa nomurume anobuda zvinoerera mumuviri wake uchava usina kuchena, uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena.
5 Whoever touches his bed must wash his clothes, bathe in water, and remain unclean until evening. Ani naani anobata mubhedha wake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
6 Whoever sits on anything the man with the discharge sat on must wash his clothes, bathe in water, and be unclean until evening. Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
7 "Whoever touches the body of the man with the discharge must wash his clothes, bathe in water, and remain unclean until evening. “ ‘Ani naani achabata murume iyeye anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
8 If the man with the discharge spits on a clean person, that person must wash his clothes, bathe in water, and remain unclean until evening. “ ‘Kana murume ane zvinoerera akasvipira mumwe munhu akachena, munhu iyeye anofanira kushambidza nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
9 "Any saddle on which the man with the discharge rides is unclean. “ ‘Chinhu chose chichatasvwa nomurume iyeye chichava chisina kuchena,
10 Anyone who touches what was under him is unclean until evening; anyone who carries them must wash his clothes, bathe in water, and remain unclean until evening. uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
11 "Anyone the man with the discharge touches, if the man hasn't rinsed his hands in water, must wash his clothes, bathe in water, and stay unclean until evening. “ ‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
12 Any clay pot the man with the discharge touches must be broken; every wooden utensil must be rinsed in water. “ ‘Hari yevhu ichabatwa nomurume iyeye inofanira kuputswa uye mudziyo upi zvawo wakagadzirwa nomuti unofanira kusukwa nemvura.
13 "When the man with a discharge is cleansed of it, he must count seven days for his cleansing, wash his clothes, bathe his body in fresh flowing water, and be clean. “ ‘Kana murume acheneswa kubva pakuerera kwake, anofanira kuverenga mazuva manomwe okucheneswa kwake; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura yakachena, uye achava akachena.
14 On the eighth day he must take two turtledoves or two young pigeons, come before our Father at the tent of meeting's entrance, and give them to the priest. Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana agodzipa kumuprista.
15 The priest is to offer one as a sin offering, the other as a burnt offering, and the priest will make atonement for him before our Father for his discharge. Muprista anofanira kudzibayira, imwe sechipiriso chechivi uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwokuerera kwake.
16 "If semen leaves a man, he must bathe his whole body in water and is unclean until evening. “ ‘Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushamba muviri wake wose nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
17 Any garment or leather with semen on it must be washed with water and stays unclean until evening. Chipfeko chipi zvacho chake kana dehwe rine mbeu pariri rinofanira kusukwa nemvura uye richava risina kuchena kusvikira manheru.
18 If a man sleeps with a woman and semen is released, both must bathe in water and stay unclean until evening. Kana murume akavata nomukadzi uye akabuda mbeu, vaviri ava vanofanira kushamba nemvura uye vachava vasina kuchena kusvikira manheru.
19 "When a woman has a blood discharge from her body, she remains in her menstrual impurity seven days; whoever touches her is unclean until evening. “ ‘Kana mukadzi ari kumwedzi, kusachena kwokuenda kumwedzi kwake kuchapera mushure mamazuva manomwe, uye ani naani achamubata achava asina kuchena kusvikira manheru.
20 Everything she lies on during her impurity is unclean, and everything she sits on is unclean. “ ‘Chinhu chose chaachavata pachiri achiri kutevera chichava chisina kuchena uye chose chaachagara pachiri chichava chisina kuchena.
21 Whoever touches her bed must wash his clothes, bathe in water, and be unclean until evening. Ani naani achabata paanovata anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
22 Whoever touches what she sits on must wash their clothes, bathe in water, and stay unclean until evening. Ani naani achabata chinhu chaachagara anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
23 Whether the bed or what she sits on, touching it makes one unclean until evening. Mubhedha kana chimwe chinhu chaanga akagara, kana munhu upi noupi akachibata achava asina kuchena kusvikira manheru.
24 "If a man lies with her and her menstrual impurity touches him, he is unclean seven days; every bed he lies on is unclean. “ ‘Kana murume akavata naye uye kuerera kwake kwomwedzi kukasangana naye, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, kunyange mubhedha waanovata pauri uchava usina kuchena.
25 "If a woman's blood flows many days outside her monthly impurity, or beyond it, she stays unclean the whole time of the flow, as in the days of her impurity. “ ‘Kana mukadzi ano kuerera kweropa kwamazuva akawanda panguva isiri yokuva kwake kumwedzi, kana kuti akava nokuerera kunoenderera kupfuura nguva yake yokuva kumwedzi kwake, achava asina kuchena kwenguva yaanobuda ropa sapamazuva ake okuva kumwedzi.
26 Every bed she lies on during her discharge is like her menstrual bed; every object she sits on is unclean, like her menstrual impurity. Mubhedha upi zvawo waachavata pauri panguva yaanenge achiri kubuda ropa, uchava usina kuchena somubhedha wapakuva kwake kumwedzi, chose chaachagara chichava chisina kuchena sapanguva yokuva kwake kumwedzi.
27 Whoever touches them becomes unclean; he must wash his clothes, bathe in water, and remain unclean until evening. Ani naani achazvibata achava asina kuchena; anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
28 "Once she is made clean from her flow, she must count seven days, and after that she is clean. “ ‘Kana achinge acheneswa kubva pakuerera kwake anofanira kuverenga mazuva manomwe, mushure maizvozvo achava akachena.
29 On the eighth day she must take two turtledoves or two young pigeons and bring them to the priest, at the meeting tent's entrance. Pazuva rorusere anofanira kutora njiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki agouya nadzo kumuprista pamusuo weTende Rokusangana.
30 The priest will offer one as a sin offering, the other as a burnt offering, and make atonement for her before our Father for her impure discharge. Muprista anofanira kubayira imwe sechipiriso chechivi, uye imwe sechipiriso chinopiswa. Nenzira iyi achamuyananisira pamberi paJehovha pakusachena kwake kwokubuda ropa.
31 "Keep the Israelites separate from their impurity, so they don't die in their impurity by making my dwelling place among them unclean. “ ‘Munofanira kutsaura vaIsraeri kubva pazvinhu zvose zvinoita kuti vave vasina kuchena, kuitira kuti vasafa mukusachena kwavo nokuda kwokuti vasvibisa nzvimbo yandinogara, iri pakati penyu.’ ”
32 "This is the law for one with a discharge, and for one whose emission of semen makes him unclean, Iyi ndiyo mirayiro yomurume anenge ane zvinoerera, youpi noupi anenge asvibiswa nokubuda kwezvinoerera,
33 for a woman in her monthly impurity, for anyone, male or female, with a discharge, and for a man who lies with an unclean woman." yomukadzi anenge ari kumwedzi, yomurume kana mukadzi anenge ane zvinoerera, uye neyomurume anovata nomukadzi anenge asina kuchena.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]