Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses after the death of Aaron's two sons, who died approaching our Father. Jehovha akataura naMozisi mushure mokufa kwavanakomana vaAroni vaviri avo vakafa pavakaswedera kuna Jehovha.
2 Our Father told Moses: "Tell Aaron your brother not to enter the Holy Place behind the curtain, before the mercy seat on the ark, whenever he wants, or he'll die—for I appear in the cloud above the mercy seat." Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza mukoma wako Aroni kuti asangopinda paanodira muNzvimbo Tsvene-tsvene kuseri kwechidzitiro pamberi pechigaro chenyasha paareka, nokuti angangofa, nokuti ndinozviratidza mugore pamusoro pechigaro chenyasha.
3 "With this Aaron may enter the Holy Place: a young bull for a sin offering, a ram for a burnt offering. “Aya ndiwo mapindiro anofanira kuita Aroni munzvimbo tsvene: apinde nehando diki yechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa.
4 He must wear the holy linen tunic, linen undergarments next to his body, a linen sash tied around him, and a linen turban. These are holy garments; he is to bathe his body in water before putting them on. Anofanira kupfeka nguo tsvene yomucheka, nguo dzomukati dzomucheka pamuviri wake; anofanira kusunga bhanhire romucheka muchiuno chake agopfeka nguwani yomucheka. Idzi ndidzo nguo tsvene, saka anofanira kushamba nemvura asati adzipfeka.
5 From Israel's community he must take two male goats for a sin offering and one ram for a burnt offering. Kubva kuungano yavaIsraeri anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa.
6 Aaron will offer his own sin-offering bull, making atonement for himself and his household. “Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake.
7 He must take the two goats and stand them before me at the entrance to the tent of meeting. Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana.
8 Aaron will cast lots over the two goats: one for me, one for Azazel. Anofanira kukanda mijenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa.
9 Aaron is to bring the goat chosen for me by lot and offer it as a sin offering. Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya waJehovha agoibayira sechipiriso chechivi.
10 But the goat on which the lot fell for Azazel is presented alive before me, to atone over it by sending it into the wilderness to Azazel. Asi mbudzi inosarudzwa nomujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yokutakudzwa.
11 Aaron is to present his sin offering bull, to atone for himself and his household, then slaughter his sin offering bull. “Aroni anofanira kuuya nehando yake yechipiriso chake chechivi, kuti azviyananisire iye nemhuri yake, uye anofanira kubaya hando yechipiriso chake chechivi.
12 He is to take a censer full of burning coals from the altar before me, two handfuls of finely ground fragrant incense, and bring them inside the veil. Anofanira kutora hadyana yakazara namazimbe ari kubvira kubva paaritari pamberi paJehovha nezvanza zviviri zvezvinonhuhwira zvakatsetseka agoenda nazvo seri kwechidzitiro.
13 He must put the incense on the fire before me, so its cloud covers the mercy seat over the testimony, and he does not die. Anofanira kuisa zvinonhuhwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, uye utsi hwezvinonhuhwira huchafukidza chigaro chenyasha pamusoro peChipupuriro, kuti asafa.
14 He must take some of the bull's blood and sprinkle it with his finger on the front of the mercy seat, eastward, then sprinkle some of the blood with his finger seven times before the mercy seat. Anofanira kutora rimwe ropa rehando uye nomunwe wake agorisasa pamberi pechigaro chenyasha.
15 Then he must slaughter the people's sin-offering goat, bring its blood inside the curtain, and do with it as with the bull's blood—sprinkling it on the mercy seat and before it. “Ipapo anofanira kubaya mbudzi yechipiriso chechivi chavanhu agotora agoenda neropa racho seri kwechidzitiro agoita naro sezvaakaita neropa rehando. Acharisasa pachigaro chenyasha napamberi pacho.
16 This is how he atones for the Holy Place because of Israel's uncleanness, their rebellions, all their sins. He does the same for the tent of meeting, which stays among them in the midst of their uncleanness. Nenzira iyi achayananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene nokuda kwokudarika uye nokumukira kwavaIsraeri, zvisinei kuti zvivi zvavo zvanga zviri zvipi. Anofanira kuitira Tende Rokusangana zvimwe chetezvo, iro riri pakati pavo, pakati pokusachena kwavo.
17 No one may be in the tent of meeting when he enters to make atonement in the Holy Place until he leaves, having atoned for himself, his household, and the whole assembly of Israel. Hapana munhu anofanira kunge ari muTende Rokusangana panguva inopindwamo naAroni kunoyananisira muNzvimbo Tsvene-tsvene kusvikira abuda, azviyananisira iye nemhuri yake uye neungano yose yavaIsraeri.
18 He must go out to the altar before me, make atonement for it, take some of the bull's blood and some of the goat's blood, and put it on the altar's horns all around. “Ipapo achabuda oenda kuaritari iri pamberi paJehovha agoiyananisira. Achatora rimwe ropa rehando nerembudzi agoriisa panyanga dzose dzearitari.
19 He is to sprinkle blood on it with his finger seven times, to cleanse and dedicate it from the impurity of Israel's people. Achasasa rimwe ropa racho pairi nomunwe wake kanomwe kuti aichenese uye aitsaure kubva pakusachena kwavaIsraeri.
20 When he finishes atoning for the Holy Place, tent of meeting, and altar, he is to present the live goat. “Kana Aroni apedza kuyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene, Tende Rokusangana nearitari, achauya nembudzi mhenyu.
21 Aaron is to lay both hands on the live goat's head and confess over it all Israel's guilt, all their rebellions, all their sins, placing them on the goat's head, then send it into the wilderness by a man appointed for the task. Anofanira kuisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu agoreurura pamusoro payo kuipa nokumukira kwose kwavaIsraeri, zvivi zvavo zvose agozviisa pamusoro pembudzi. Acharega mbudzi ichienda kurenje nomunhu anenge apiwa basa iroro.
22 The goat will carry all their sins on itself into a cut-off land; the man will release it in the wilderness. Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu achairegedzera murenje.
23 Aaron will enter the tent of meeting, take off the linen garments he wore entering the Holy Place, and leave them there. “Ipapo Aroni achapinda muTende Rokusangana agobvisa nguo dzomucheka dzaapfeka asati apinda muNzvimbo Tsvene-tsvene uye achadzisiya imomo.
24 He must bathe his body in water in a holy place and put on his clothes. Then he comes out, offers his burnt offering and the people's burnt offering, atoning for himself and the people. Achashamba nemvura munzvimbo tsvene agopfeka nguo dzake dzamazuva ose. Ipapo achabuda agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, agozviyananisira iye navanhu.
25 He is to burn the fat of the sin offering on the altar. Achapisawo mafuta echipiriso chechivi paaritari.
26 He who sent the goat to Azazel must wash his clothes, bathe his body in water, then he may enter the camp. “Murume achandoregedzera mbudzi yokutakudzwa, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura; mushure maizvozvo agozopinda mumusasa.
27 The bull and goat of the sin offering, whose blood was brought to atone in the Holy Place, are to be taken outside the camp; their hides, flesh, and dung are to be burned in the fire. Hando yechipiriso chezvivi nembudzi yechipiriso chezvivi, zvine ropa rinenge rauyiswa muNzvimbo Tsvene-tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kuendeswa kunze kwomusasa, matehwe acho, nyama namazvizvi zvinofanira kupiswa.
28 Whoever burns them must wash his clothes and bathe his body in water, then he may come into the camp. Munhu anozvipisa anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura mushure maizvozvo agozopinda mumusasa.
29 This is a permanent law for you: on the tenth day of the seventh month, humble yourselves and do no work—neither the native nor the foreigner living among you. “Uyu unofanira kuva mutemo unogara nokusingaperi kwamuri: Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kutsanya musingaiti kana basa, chingava chizvarwa chenyu kana mutorwa agere pakati penyu,
30 For on this day atonement is made for you, to cleanse you from all your sins; you will be clean before me. nokuti pazuva iri muchayananisirwa, kuti mucheneswe. Ipapo, pamberi paJehovha muchava vakachena pazvivi zvenyu zvose.
31 It is a Sabbath of complete rest for you; humble yourselves—a lasting statute. Isabata rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima; uyu murayiro unogara nokusingaperi.
32 The priest anointed and ordained to serve in his father's place is to make atonement and put on the linen garments—the holy garments, Muprista akazodzwa nokugadzwa kuti atevere baba vake somuprista mukuru anofanira kuyananisira. Anofanira kupfeka nguo dzomucheka, nguo tsvene
33 and make atonement for the Most Holy Place, the tent of meeting, the altar, the priests, and all the assembly's people. agoyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene neTende Rokusangana, nearitari uye navaprista navamwe vanhu vose veungano.
34 This is a permanent statute for you: atone for all the Israelites' sins once a year." And it was done, as our Father commanded Moses. “Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kwamuri: Kuyananisira uku kunofanira kuitwa kamwe chete pagore, nokuda kwezvivi zvose zvavaIsraeri.” Uye zvakaitwa, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]