Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Speak to Aaron, his sons, and all Israel, and tell them: This is what I have commanded: “Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha:
3 Any Israelite who slaughters an ox, lamb, or goat inside the camp, or outside the camp, MuIsraeri upi zvake anobayira nzombe, gwayana kana mbudzi mumusasa kana kunze kwawo,
4 and doesn't bring it to the tent of meeting's entrance to offer to me before my tabernacle—that man is guilty of bloodshed; he has shed blood and will be cut off from his people. panzvimbo yokuuya nayo pamusuo weTende Rokusangana kuti aipe sechipiriso kuna Jehovha pamberi petabhenakeri yaJehovha, murume iyeye achanzi ane mhosva yokudeura ropa; adeura ropa saka anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
5 So the Israelites will bring their sacrifices, now offered in the open field, to the priest at the tent of meeting's entrance, offering them as peace offerings to me. Izvi zvinoitirwa kuti vaIsraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, kuna Jehovha. Vanofanira kuuya nazvo kumuprista, ndiko kuti, kuna Jehovha, pamusuo wokupinda muTende Rokusangana vagozvibayira sezvipiriso zvokuwadzana.
6 At the tent of meeting's entrance, the priest is to splash the blood on my altar and burn fat, a pleasing aroma to me. Muprista achasasa ropa paaritari yaJehovha pamusuo weTende Rokusangana agopisa mafuta kuti ave chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
7 They must no longer sacrifice to the goat demons they prostitute themselves with. This is a lasting law for all their generations. Havafanirizve kupa zvibayiro zvavo zvakare kuzvifananidzo zvembudzi izvo zvavanoita ufeve nazvo. Uyu uchava murayiro unogara nokusingaperi kwavari uye nokuzvizvarwa zvichatevera.’
8 "Tell them: Any Israelite, or foreigner living among them, who offers a burnt offering or sacrifice, “Uti kwavari: ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati pavo anopa chipiriso chinopiswa kana chibayiro
9 and doesn't bring it to the meeting tent's entrance to offer to me—that man will be cut off from his people. uye agorega kuuya nacho kumusuo weTende Rokusangana kuzochipa kuna Jehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
10 "Any man of the house of Israel, or foreigner living among them, who eats any blood—I will set my face against that person and cut them off from their people. “ ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati pavo anodya ropa ripi zvaro ndichanangana nomunhu iyeye anodya ropa uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake.
11 Blood is the flesh's life; I gave it to you on the altar to atone for your souls, for blood atones by the life. Nokuti upenyu hwenyama huri muropa uye ndaripa kwamuri kuti rikuyananisirei paaritari; ropa ndiro rinoyananisira upenyu hwomunhu.
12 So I told Israel: None of you is to eat blood, nor any foreigner living among you. Naizvozvo ndinoti kuvaIsraeri, “Hapana mumwe wenyu anofanira kudya ropa, uye hapana mutorwa agere pakati penyu anofanira kudya ropa.”
13 "Any Israelite or foreigner among them who hunts an edible animal or bird must pour out its blood and cover it with dust. “ ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati penyu anovhima mhuka ipi neipi ingadyiwa, anofanira kudurura ropa rayo agorifushira nevhu,
14 Every creature's life is in its blood. So I told the Israelites: Eat no creature's blood, since its life is its blood—whoever eats it will be cut off. nokuti upenyu hwechisikwa chose iropa racho. Ndiko kusaka ndati kuvaIsraeri, “Hamufaniri kudya ropa rechisikwa chipi zvacho nokuti upenyu hwechisikwa huri muropa; ani naani anoridya anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”
15 "Anyone, native or foreigner, who eats a carcass or an animal torn by beasts must wash his clothes, bathe in water, stay unclean until evening, then be clean. “ ‘Ani naani, angava chizvarwa chenyu kana mutorwa, anodya chinhu chinowanikwa chakafa, kana kuti chinowanikwa chakabvarurwa nemhuka dzomusango, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru; ipapo achava akachena.
16 But if he does not wash them or bathe his body, he will bear his guilt." Asi kana akarega kusuka nguo dzake akashamba iye, achapiwa mhosva.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]