Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Speak to the children of Israel and say to them: I am your Father. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.
3 You must not do as Egypt does, where you lived; you must not do as Canaan does, where I am bringing you; you must not follow their statutes. Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo.
4 You must follow my judgments and keep my statutes, walking in them. I am your Father. Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
5 Keep my statutes and my judgments; whoever does them will live by them. I am your Father. Chengetai mirayiro nemitemo yangu nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha.
6 "None of you may approach any close relative to have sexual relations. I am your Father. “ ‘Hapana anofanira kuswedera kuhama yepedyo kuti avate naye. Ndini Jehovha.
7 "Do not have sex with your mother—that exposes your father's nakedness. She is your mother; do not have sex with her. “ ‘Usazvidza baba vako nokusangana namai vako. Ndimai vako usasangana navo.
8 "You must not have sexual relations with your father's wife; that would dishonor your father. “ ‘Usasangana nomukadzi wababa vako, izvi zvingazvidza baba vako.
9 "Don't have sexual relations with your sister, your father's or mother's daughter, born at home or elsewhere. “ ‘Usasangana nehanzvadzi yako kana mwanasikana wababa vako kana mwanasikana wamai vako, zvisinei kuti akaberekwa mumba mumwe chete kana kumwewo.
10 "Do not have sex with your son's or daughter's daughter—that exposes your own nakedness. “ ‘Usasangana nomwanasikana womwanakomana wako kana mwanasikana womwanasikana wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwauri.
11 "Your father's wife's daughter, born to your father, is your sister; do not have sex with her. “ ‘Usasangana nomwanasikana womukadzi wababa vako akaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako.
12 "You must not have sexual relations with your father's sister; she is your father's close relative. “ ‘Usasangana nehanzvadzi yababa vako, ihama yababa vako yepedyo.
13 "You must not have sexual relations with your mother's sister, for she is your mother's close relative. “ ‘Usasangana nomukoma kana mununʼuna wamai vako nokuti ihama yamai vako yepedyo.
14 "Do not dishonor your father's brother by having sex with his wife; she is your aunt. “ ‘Usazvidza mununʼuna kana mukoma wababa vako nokuswedera kumukadzi wavo kuti uvate naye; nokuti ndimaiguru kana mainini.
15 "Do not have sex with your daughter-in-law; she is your son's wife—do not have sex with her. “ ‘Usasangana nomuroora wako, mukadzi womwanakomana wako; usasangana naye.
16 "You must not have sexual relations with your brother's wife; that would dishonor your brother. “ ‘Usasangana nomukadzi womukoma kana mununʼuna wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwomukoma kana mununʼuna wako.
17 "Do not have sex with a woman and her daughter, or take her son's or her daughter's daughter, to have sex with them; they are close relatives—that is depraved. “ ‘Usasangana nomukadzi pamwe chete nomwanasikana wake. Usasangana nomwanasikana womwanakomana wake kana mwanasikana womwanasikana wake; ihama dzake dzepedyo. Zvakaipa izvozvo.
18 "Do not marry a woman as rival to her sister, sleeping with her while the sister is still living. “ ‘Usatora mununʼuna womukadzi wako kuti ave mukadzinyina, varwisane, ugosangana naye mukadzi wako achiri mupenyu.
19 "Do not approach a woman for sex during her monthly impurity. “ ‘Usaswedera kumukadzi kuti usangane naye panguva yokusachena kwokuenda kumwedzi kwake.
20 "Do not have sex with your neighbor's wife, making yourself unclean by her. “ ‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye.
21 "Do not give any of your children to be passed through the fire to Molech, desecrating your Father's name. I am your Father. “ ‘Usapa ani zvake pakati pavana vako kuti vabayirwe kuna Moreki nokuti haufaniri kumhura zita raJehovha. Ndini Jehovha.
22 "You must not have sexual relations with a male as with a woman; it is detestable. “ ‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza.
23 "Do not have sex with any animal, making yourself unclean; a woman must not present herself to an animal to mate with it. That is a perversion. “ ‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru.
24 "Do not make yourselves unclean by any of these, for by all of them the nations I'm driving out before you became unclean. “ ‘Musazvisvibisa neimwe yenzira idzi nokuti ndudzi dzandichadzinga pamberi penyu dzakazvisvibisa naizvozvo.
25 The land was made unclean, so I called it to account for its guilt, and it vomited out those living there. Kunyange nyika yakasvibiswa; naizvozvo ndakairanga nokuda kwezvakaipa zvayo uye nyika yakarutsa vagari vayo.
26 Keep my rules and laws. None of you—native or foreigner among you—may do any of these detestable things. Asi imi munofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. Zvizvarwa zvenyu navatorwa vagere pakati penyu havafaniri kuita kana chimwe chezvinhu zvinonyangadza izvi,
27 For the people of the land before you did all these detestable things, and it was made unclean. nokuti zvinhu zvose izvi zvakaitwa navanhu vaigara munyika iyoyo musati mavamo, uye nyika ikasvibiswa.
28 Let the land not vomit you out for making it unclean, as it vomited out the nation before you. Uye kana mukasvibisa nyika, ichakurutsirai kunze sokurutsa kwayakaita ndudzi dzaigaramo imi musati mavamo.
29 "Anyone who does any of these detestable things will be cut off from among their people. “ ‘Ani naani anoita zvinonyangadza izvi, vanhu vakadaro vanofanira kubviswa kubva pavanhu vokwavo.
30 So keep my charge: do none of the detestable customs practiced before you, and do not make yourselves unclean by them. I am your Father." Chengetai zvandakakurayirai uye musatevedzera kana imwe yetsika dzinonyangadza dzaiitwa musati mauya, uye musazvisvibisa nadzo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]