Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses, saying: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Speak to the whole community of Israel: You are to be holy, for I, your Father, am holy. “Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.
3 "Each of you must respect your mother and father, and keep my Sabbaths. I am your Father. “ ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
4 "Do not turn to idols or make for yourselves gods of cast metal. I am your Father. “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira vamwari vesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
5 "When you sacrifice a peace offering to me, offer it so you will be accepted. “ ‘Kana uchipa Jehovha chibayiro chechipiriso chokuwadzana, unofanira kuchipa nenzira inoita kuti chigamuchirwe pachinzvimbo chako.
6 Eat it the day you offer it, or the next; anything left to the third day, burn in fire. Chichadyiwa nomusi waunochibayira kana zuva rinotevera; chinhu chipi nechipi chinosiyiwa kusvika pazuva rechitatu chinofanira kupiswa.
7 If any is eaten on the third day, it is foul and will not be accepted. Kana zvimwe zvacho zvikadyiwa pazuva rechitatu hazvina kuchena uye hazvigamuchirwi.
8 Whoever eats it bears their guilt, for they desecrated what is holy to me; that person will be cut off from their people. Ani naani anozvidya achapiwa mhosva nokuti asvibisa chitsvene kuna Mwari; munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
9 "When you harvest your land, do not reap to the field's edges or gather the gleanings of your harvest. “ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa.
10 Do not strip your vineyard bare or gather its fallen grapes. Leave them for the poor and the foreigner. I am your Father. Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
11 "Do not steal; do not deceive; do not lie to one another. “ ‘Usaba. “ ‘Usareva nhema. “ ‘Musanyengedzana.
12 "Don't swear falsely by my name, desecrating your Father's name. I am your Father. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.
13 "You shall not oppress your neighbor or rob him. Do not hold a hired worker's wages overnight. “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumutorera chinhu nechisimba. “ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.
14 "Do not curse the deaf or place a stumbling block before the blind, but fear your Father. I am your Father. “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.
15 "Do not pervert justice in your decisions. Do not favor the poor or defer to the great, but judge your neighbor fairly. “ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera.
16 "Don't spread slander among your people, and don't stand idle while your neighbor's life is in danger. I am your Father. “ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako. “ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha.
17 "Do not hate your brother in your heart; correct your neighbor openly, so you don't bear sin because of him. “ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake.
18 Do not take revenge or hold a grudge against your own people, but love your neighbor as yourself. I am your Father. “ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako, asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.
19 "Keep my decrees. Don't breed your livestock with a different kind. Don't sow your field with two kinds of seed, or wear a garment of two kinds of material. “ ‘Chengeta mirayiro yangu. “ ‘Usaberekesa mhando dzemhuka dzakasiyana. “ ‘Usadyara mbeu mbiri dzakasiyana mumunda mako. “ ‘Usapfeka nguo yakarukwa nemicheka miviri yakasiyana.
20 "If a man sleeps with a slave woman assigned to another man, and she has not been bought back or set free, an inquiry is required. They are not to be put to death, since she was not free. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi ari murandakadzi akavimbiswa kuno mumwe murume, asi mukadzi asina kudzikinurwa kana kupiwa rusununguko rwake, panofanira kuva nokurangwa kwakakodzera. Asi haafaniri kuurayiwa nokuti mukadzi uyu anga asati asunungurwa.
21 He is to bring his guilt offering to me, at the entrance of the tent of meeting—a ram as the guilt offering. Zvisinei, murume uyu anofanira kuuya negondobwe kumusuo weTende Rokusangana rechipiriso chemhosva kuna Jehovha.
22 The priest will make atonement for him with the ram of the guilt offering before me, for the sin he committed; and he will be forgiven the sin he committed. Negondobwe rechipiriso chemhosva muprista anofanira kumuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwechivi chaakaita, uye chivi chake chicharegererwa.
23 "When you enter the land and plant any food tree, treat its fruit as forbidden. For three years it is forbidden to you; do not eat it. “ ‘Kana mapinda munyika iyo mukadyara muchero upi noupi, torai michero yacho seisingabvumirwi. Kwamakore matatu munofanira kuitora seisingabvumirwi. Haifaniri kudyiwa.
24 In the fourth year all its fruit is to be holy, an offering of praise to me. Mugore rechina, michero yacho yose ichava mitsvene, chipiriso chokurumbidza kuna Jehovha.
25 But the fifth year you may eat its fruit, so it yields more for you. I am your Father. Asi mugore rechishanu mungadya michero yacho. Nenzira iyi gohwo renyu richawedzerwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
26 "Do not eat anything with the blood in it. Do not practice fortune-telling or interpret omens. “ ‘Usadya nyama ipi neipi ichine ropa. “ ‘Usaita zvokushopera kana zvouroyi.
27 "Do not round off the hair at the sides of your head or damage the edges of your beard. “ ‘Musacheka bvudzi renyu kumativi omusoro kana kudimurira ndebvu dzenyu.
28 "Don't cut your body for the dead or tattoo yourselves. I am your Father. “ ‘Musacheka miviri yenyu nokuda kwavakafa kana kuzviisa nyora. Ndini Jehovha.
29 "Do not desecrate your daughter by making her a prostitute, or the land will turn to prostitution and fill with depravity. “ ‘Usaderedza unhu hwomwanasikana wako nokumuita chifeve nokuti nyika yose ichaita ufeve ikazara nouipi.
30 "You are to keep my Sabbaths and revere my sanctuary. I am your Father. “ ‘Chengetedza maSabata angu uye uremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.
31 "Do not turn to mediums or necromancers; do not seek to be made unclean by them. I am your Father. “ ‘Usaenda kumasvikiro nokune vezvemidzimu nokuti uchasvibiswa navo. Ndini Jehovha Mwari wako.
32 "Stand up before the gray-haired and respect the old. Fear your Father. I am your Father. “ ‘Unofanira kusimukira vachena bvudzi, ratidza rukudzo kuna vakuru uye utye Mwari wako. Ndini Jehovha.
33 "When a foreigner lives among you in your land, do not mistreat them. “ ‘Kana mutorwa akagara nemi munyika, musamubate zvakaipa.
34 The foreigner living among you must be to you as a native, and love them as yourself, for you were foreigners in Egypt. I am your Father. Mutorwa anogara nemi anofanira kubatwa sechizvarwa chenyu. Mudei sokuda kwamunozviita imi nokuti maiva vatorwa muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
35 "You are to do no wrong in judgment, in measures of length, weight, or quantity. “ ‘Musashandise zviero zvokubiridzira kana muchiera urefu, uremu kana uwandu.
36 Have honest scales, honest weights, an honest grain measure, an honest liquid measure. I am your Father, who brought you out of the land of Egypt. Shandisai zviyero zvechokwadi efa rechokwadi nehini yechokwadi. Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai muIjipiti.
37 "Keep all my statutes and all my rules, and do them. I am your Father." “ ‘Chengetai mirayiro yangu yose nemitemo yangu yose, mugoitevera. Ndini Jehovha.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]