Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses: Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Tell the Israelites: Any Israelite, or foreigner living in Israel, who gives any of his children to Molech must surely be put to death—the people of the land are to stone him with stones. “Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe.
3 I myself will set my face against that man and cut him off from among his people, for giving any of his children to Molech, making my sanctuary unclean and desecrating my holy name. Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene.
4 If the people of the land turn a blind eye when that man gives any of his offspring to Molech, and do not put him to death, Kana vanhu vomunyika yake vakashaya hanya kana munhu uyu achipa mumwe wavana vake kuna Moreki vakasamuuraya,
5 I will set my face against that man and his family, and cut him off—with all who follow him in prostitution to Molech—from among their people. ndichanangana nomunhu uyo nemhuri yake, uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, iye pamwe chete navose vanomutevera pakuita ufeve naMoreki.
6 "Whoever turns to mediums or spiritists, prostituting themselves after them, I will set my face against that person and cut them off from among their people. “ ‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake.
7 "Set yourselves apart, therefore, and be holy, for I am your Father. “ ‘Zvitsaurei mugove vatsvene nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
8 Keep my statutes and do them. I am your Father who makes you holy. Chengetai mitemo yangu mugoitevera. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene.
9 "Whoever curses his father or his mother must be put to death; he has cursed his father or his mother—his blood is on him. “ ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa. Atuka baba kana mai vake uye ropa rake richava pamusoro pake.
10 "If a man commits adultery with another man's wife—his neighbor's wife—both adulterer and adulterous woman must surely be put to death. “ ‘Kana mumwe akaita upombwe nomukadzi womumwe murume, kana nomukadzi womuvakidzani wake, vose murume mhombwe nomukadzi chifeve vanofanira kuurayiwa.
11 "A man who sleeps with his father's wife has exposed his father's nakedness; both must be put to death; their blood is on them. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi wababa vake azvidza baba vake. Vose murume nomukadzi vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.
12 "If a man sleeps with his daughter-in-law, both must be put to death; they have done a perversion; their blood is on them. “ ‘Kana mumwe akavata nomuroora wake, vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa, zvavaita kunyangadza kukuru; ropa ravo richava pamusoro pavo.
13 "If a man lies with a male as with a woman, both have done a detestable thing; they must surely be put to death; their blood is on them. “ ‘Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.
14 "If a man takes a woman and her mother, that is evil; burn him and them with fire, so no evil remains among you. “ ‘Kana mumwe akawana mukadzi pamwe chete namai vake, zvakaipa. Vose iye naivo vanofanira kupiswa mumoto kuitira kuti pasawanikwe kuipa pakati penyu.
15 "If a man has sex with an animal, he must be put to death, and you must kill the animal. “ ‘Kana murume akavata nemhuka anofanira kuurayiwa uye munofanira kuuraya mhuka yacho.
16 "If a woman approaches any animal to mate with it, kill the woman and the animal; both must be put to death; their blood is on them. “ ‘Kana mukadzi akaswedera kumhuka kuti avate nayo, urayai zvose mukadzi nemhuka yacho. Vanofanira kuurayiwa; ropa ravo richava pamusoro pavo.
17 "If a man marries his sister, his father's or mother's daughter, and they have sexual relations, it is a disgrace; they must be cut off before their people. He has exposed his sister; he bears his guilt. “ ‘Kana murume akawana hanzvadzi yake mwanasikana wababa vake, kana kuti wamai vake, uye vakavata vose, ichi chinyadziso. Vanofanira kubviswa pamberi pameso avanhu vokwavo. Azvidza hanzvadzi yake uye achava nemhosva.
18 "If a man sleeps with a woman during her period, he exposes her flow, and she uncovers its source; both are cut off from their people. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi panguva yokuva kwake kumwedzi akasangana naye, afumura chaipo panobva kuyerera kwake, mukadziwo azvifumura. Vose vari vaviri vanofanira kubviswa pavanhu vokwavo.
19 "Do not have sex with your mother's or father's sister—that disrespects a close relative; they will bear their guilt. “ ‘Usavata namainini kana vatete vako nokuti uku kuzvidza hama yapedyo; mose muri vaviri muchava nemhosva.
20 A man who sleeps with his uncle's wife disrespects his uncle; they will bear their sin and die childless. “ ‘Kana murume akavata nomukadzi wababamunini vake azvidza babamunini vake. Vachava nemhosva; vachafa vasina vana.
21 "If a man marries his brother's wife, it is impurity; he exposed his brother's nakedness; they will be childless. “ ‘Kana murume akawana mukadzi womukoma kana womununʼuna ichi chinhu chisina kunaka, azvidza mukoma kana mununʼuna wake. Vachashaya vana.
22 "Keep all my statutes and all my rules, and do them, so the land I'm bringing you to live in won't vomit you out. “ ‘Chengetai mirayiro yangu nemitemo yangu mugoitevera kuitira kuti nyika yandiri kukuendesai kwairi irege kukurutsirai kunze.
23 You must not adopt the customs of the nation I am driving out before you, because they did all these things, and I detested them. Hamufaniri kutevera tsika dzendudzi dzandichadzinga pamberi penyu. Nokuti dzakaita zvinhu zvose izvi, ndikadzisema.
24 I have told you: you will inherit their land; I myself will give it to you to possess, a land flowing with milk and honey. I am your Father, who set you apart from the peoples. Asi ndakati kwamuri, “Muchatora nyika yavo. Ndichaipa kwamuri senhaka, nyika inoerera mukaka nouchi.” Ndini Jehovha Mwari wenyu uyo akakutsaurai kubva kune dzimwe ndudzi.
25 "So distinguish clean animals from unclean, and unclean birds from clean. Do not make yourselves detestable by any animal, bird, or thing crawling on the ground that I have set apart for you as unclean. “ ‘Naizvozvo unofanira kuisa mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena. Musazvisvibisa nemhuka ipi zvayo kana shiri kana chimwe chinhu chinofamba pavhu, idzo dzandakatsaura sedzisina kuchena kwamuri.
26 Be holy to me, for I, your Father, am holy, and I have set you apart from the peoples to be mine. Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene. Ndakakutsaurai kubva kundudzi kuti muve vangu ndoga.
27 "A man or woman who is a medium or spiritist must be put to death—stoned; their blood is on them." “ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]