Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father called to Moses and spoke to him from the tent of meeting, saying: Jehovha akadana Mozisi akataura naye ari muTende Rokusangana akati,
2 "Speak to the Israelites and say to them: When any of you brings me an offering, bring your offering of livestock from the herd or the flock. “Taura kuvana vaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu upi zvake pakati penyu achiuya nechipiriso kuna Jehovha ngaauye nechipiriso chezvipfuwo, zvemombe kana zvamakwai.
3 "If his offering is a burnt offering from the herd, he is to offer a male without defect, offering it at the entrance of the tent of meeting, to be accepted before me. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngaape chikono chisina kuremara. Ngaachibayire pamusuo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe pamberi paJehovha.
4 He is to lay his hand on the burnt offering's head, and it will be accepted for him, to atone for him. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananisire.
5 He is to kill the young bull before me, and Aaron's sons the priests are to bring the blood and splash it around the altar at the entrance of the tent of meeting. Ngaabaye hando diki pamberi paJehovha uye ipapo vanakomana vaAroni vaprista vachauya neropa vagorisasa paaritari kumativi ose pamusuo wokupinda nawo muTende Rokusangana.
6 Then he is to skin the burnt offering and cut it into its pieces. Anofanira kuvhiya chipiriso chinopiswa agochicheka kuita zvidimbu zvidimbu.
7 Aaron's sons the priests will lay a fire on the altar and arrange wood on it. Vanakomana vaAroni, muprista, vanofanira kuisa moto paaritari vagoronga huni pamoto.
8 Aaron's sons, the priests, arrange the pieces, head, and fat on the wood over the fire on the altar. Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vacharonga zvidimbu zvenyama, zvichisanganisira musoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari.
9 He is to wash its inner organs and legs with water; the priest burns it all on the altar—a burnt offering, a food offering, a pleasing aroma to me. Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista agopisa zvose paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
10 "If his burnt offering is from the flock—sheep or goats—he must bring a male without defect. “ ‘Kana chipiriso chiri chinopiswa, chinobva muzvipfuwo, chiri chegwai kana chembudzi, anofanira kupa chikono chisina kuremara.
11 He is to slaughter it on the altar's north side before me; Aaron's sons the priests are to splash its blood around the altar. Ngaachibayire parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni vaprista vagosasa ropa kumativi ose earitari.
12 He is to cut it into pieces—head and fat—and the priest is to arrange them on the wood, on the fire, on the altar. Anofanira kucheka nyama muzvidimbu uye muprista achaironga pamwe chete nomusoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari.
13 He must wash the inner organs and legs with water; the priest offers it all, burns it on the altar—a burnt offering, a food offering, a pleasing aroma to me. Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista anofanira kuuyisa zvose agozvipisa pamusoro pearitari. Chibayiro chinopiswa, chibayiro chakagadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
14 "If his burnt offering to me is a bird, he must bring turtledoves or young pigeons as his offering. “ ‘Kana chipiriso chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaape njiva kana hangaiwa ichiri diki.
15 The priest brings it to the altar, wrings off its head, burns it there; its blood drains against the altar's side. Muprista achaiisa paaritari agodambura musoro, oipisa paaritari; ropa rayo richaerera parutivi pearitari.
16 He removes its crop with its contents, throwing it beside the altar eastward, at the ash heap. Ngaabvise chihururu neminhenga agozvikanda kumabvazuva kwearitari kunenge kune madota.
17 He is to tear it open by the wings, not fully apart; the priest will burn it on the altar's wood over the fire—a burnt offering, a food offering, a pleasing aroma to me." Achaibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi zvachose, muprista agoipisa pahuni dziri pamoto uri paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]