Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Leviticus 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "When anyone brings a grain offering to our Father, the offering must be fine flour. Pour oil on it, put frankincense on it, “ ‘Kana munhu achiuya kuna Jehovha nechipiriso chezviyo, chipiriso chake chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka. Anofanira kudira mafuta pachiri agoisa zvinonhuhwira pamusoro pacho,
2 and bring it to Aaron's sons, the priests. The priest will take a handful of its fine flour and oil, with all its frankincense, and burn the memorial portion on the altar—a fire offering, a pleasing aroma to our Father. agoenda nacho kuvanakomana vaAroni vaprista. Muprista achatora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira, agozvipisa sechikamu chechirangaridzo paaritari. Chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
3 The rest of the grain offering belongs to Aaron and his sons—most holy, from the fire offerings to our Father. Zvimwe zvose zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto.
4 "When you bring a grain offering baked in an oven: fine flour, either loaves without yeast mixed with oil, or wafers without yeast spread with oil. “ ‘Kana ukauya nechipiriso chezviyo zvakabikwa muchitofu chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka: makeke anenge aitwa asina mbiriso uye akasanganiswa namafuta kana kuti makeke matete asina mbiriso akazorwa mafuta.
5 If your offering is a grain offering on a griddle, it must be fine flour mixed with oil, without yeast. Kana chipiriso chako chezviyo chagadzirirwa mugango, chinofanira kugadzirwa noupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta pasina mbiriso.
6 Break it into pieces and pour oil on it; it is a grain offering. Unofanira kuchipfupfunyura ugodira mafuta pachiri; ichi chipiriso chezviyo.
7 If your offering is grain cooked in a pan, make it with fine flour and oil. Kana chipiriso chako chezviyo chakabikwa mugango chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka namafuta.
8 Bring the grain offering made from these to our Father; present it to the priest, who brings it to the altar. Uuye nechipiriso chezviyo chakaitwa nezvinhu izvi kuna Jehovha, ugochipa kumuprista achachiendesa kuaritari.
9 The priest takes the grain offering's memorial portion and burns it on the altar—a fire offering, a pleasing aroma to our Father. Muprista achatora kubva muchipiriso chezviyo chikamu chechirangaridzo agochipisa paaritari sechipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
10 What remains of the grain offering belongs to Aaron and his sons—most holy, from the fire offerings to our Father. Zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto.
11 "No grain offering you bring to our Father may contain yeast, for you must not burn any yeast or honey as a fire offering to our Father. “ ‘Zvipiriso zvose zvezviyo zvamunouya nazvo kuna Jehovha zvinofanira kugadzirwa pasina mbiriso nokuti hamufaniri kupisa chero mbiriso kana uchi muchipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
12 You may bring them to our Father as a firstfruits offering, but do not offer them on the altar as a pleasing aroma. Munokwanisa kuzviuyisa kuna Jehovha sechipiriso chezvirimwa zvamunotanga kukohwa asi hazvifaniri kuuyiswa paaritari somunhuwi unonhuhwira zvinofadza.
13 Salt every grain offering. Don't leave out your Father's covenant salt; add salt to all your offerings. Rungai zvipiriso zvenyu zvose zvezviyo nomunyu. Musasiya munyu wesungano yaMwari wenyu pazvipiriso zvenyu zvose zvezviyo; muise munyu muzvipiriso zvenyu zvose zvezviyo.
14 "If you bring a firstfruits grain offering to our Father, offer new grain roasted in fire, crushed kernels, as your firstfruits offering. “ ‘Kana uchiuyisa chipiriso chezviyo zvokutanga kuna Jehovha upe hura dzezviyo zvitsva zvakakangwa pamoto uye zvakakuyiwa.
15 Put oil on it and lay frankincense on it; it is a grain offering. Uise mafuta nezvinonhuhwira pazviri, chipiriso chezviyo.
16 The priest burns the memorial portion—some of the crushed grain and oil—with all its frankincense, as a fire offering to our Father." Muprista achapisa chikamu chechirangaridzo chezviyo zvakakuyiwa, namafuta, pamwe chete nezvose zvinonhuhwira, sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]