Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 40 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then our Father spoke to Moses, saying: Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Set up the tabernacle, the tent of meeting, on day one of month one. “Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga.
3 Place in it the ark of the testimony, and shield the ark with the veil. Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro.
4 Bring in the table, arrange its setup, bring in the lampstand, and light its lamps. Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho.
5 Put the gold incense altar before the ark of the testimony, and put the screen at the tabernacle's entrance. Uise aritari yezvinonhuhwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri.
6 Place the altar of burnt offering before the entrance to the tabernacle, the tent of meeting, “Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana;
7 and place the basin between the tent of meeting and the altar, and put water in it. uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri.
8 Set up the courtyard all around, and hang the screen at the gate of the courtyard. Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe.
9 "Take the anointing oil and anoint the tabernacle and everything in it; dedicate it and all its furnishings, and it will be holy. “Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nemidziyo yayo yose, uye ichava tsvene.
10 Anoint the burnt offering altar and all its utensils; dedicate the altar, and the altar will be most holy. Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene.
11 Anoint the basin and its stand, and dedicate it. Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa.
12 "Then bring Aaron and his sons to the tent of meeting's entrance and wash them with water. “Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.
13 Clothe Aaron in holy garments, anoint and dedicate him, to serve me as priest. Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista.
14 Bring his sons; dress them in tunics. Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi.
15 Anoint them as you anointed their father, so they may serve me as priests. Their anointing gives them a lasting priesthood for all generations." Uvazodze sokuzodza kwawaita baba vavo, kuti vagondishumira savaprista. Kuzodzwa kwavo kuchava kwouprista hucharamba huripo kuzvizvarwa zvinotevera.”
16 Moses did everything just as our Father commanded him. Mozisi akaita zvose sezvaakarayirwa naJehovha.
17 In the first month of the second year, on the first day of the month, the tabernacle was raised up. Saka tabhenakeri yakamiswa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga mugore rechipiri.
18 Moses raised the tabernacle: he put its bases, set its frames, put its bars, and raised its pillars. Mozisi akati amisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko panzvimbo yazvo, akadzika mapuranga, akapinza mbariro uye akamisa matanda.
19 He spread the tent over the tabernacle and put its covering over it, as our Father had commanded Moses. Ipapo akatambanudza tende akariisa pamusoro petabhenakeri ndokuisa chifukidzo pamusoro petende, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
20 He took the testimony, put it in the ark, set poles on the ark, and put the mercy seat on top of the ark. Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo.
21 He brought the ark into the tabernacle, hung the screening veil, and covered the ark of the testimony, as our Father commanded Moses. Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha.
22 He set the table in the tent of meeting, on the tabernacle's north side, outside the veil, Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro
23 and arranged the bread on it before our Father, as our Father had commanded Moses. uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
24 He put the lampstand in the tent of meeting, opposite the table, on the tabernacle's south side, Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri
25 and set up the lamps before our Father, as our Father had commanded Moses. uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
26 He placed the golden altar in the tent of meeting in front of the veil, Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro,
27 and burned fragrant incense on it, as our Father had commanded Moses. uye akapisa zvinonhuhwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
28 Then he put up the screen at the entrance to the tabernacle. Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri.
29 He placed the altar of burnt offering at the tabernacle's entrance, the tent of meeting, and offered on it the burnt offering and grain offering, as our Father commanded Moses. Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.
30 He set the basin between the tent of meeting and the altar, putting water in it for washing, Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri,
31 and with it Moses, Aaron, and his sons washed their hands and feet. uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo.
32 Whenever they entered the tent of meeting or neared the altar, they washed, as our Father commanded Moses. Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
33 He set up the courtyard around the tabernacle and altar, and put up the screen at the courtyard gate. So Moses finished the work. Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa.
34 Then the cloud covered the tent of meeting, and the glory of our Father filled the tabernacle. Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.
35 Moses could not enter the tent of meeting, for the cloud settled on it, and our Father's glory filled the tabernacle. Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.
36 Whenever the cloud lifted from over the tabernacle, the Israelites set out on each stage of their journey; Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda;
37 but if the cloud did not lift, they did not set out until the day it lifted. asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka.
38 For the cloud of our Father covered the tabernacle by day, with fire in it by night, visible to all the house of Israel throughout all their journeys. Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]