Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 39 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 From the blue, purple, and scarlet yarn they made finely woven garments for serving in the holy place; they made the holy garments for Aaron, as our Father commanded Moses. Kubva pawuru yebhuruu nepepuru netsvuku, vakaita nguo dzakarukwa dzoushumiri munzvimbo tsvene. Vakaitawo nguo tsvene dzaAroni, sokurayira kwakaita Jehovha kuna Mozisi.
2 He made the ephod of gold, of blue, purple, and scarlet yarn, and of finely woven linen. Vakaita efodhi yegoridhe, wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
3 They hammered gold into sheets, cut it into threads, and worked them into the blue, purple, and scarlet yarn and fine linen—the work of a skilled designer. Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi.
4 They made shoulder pieces for it, joined together at its two edges. Vakaita zvipenga zvapapfudzi zveefodhi, zvaibatanidzwa pana mamwe makona ayo maviri, kuti isimbiswe.
5 The ephod's woven band was one piece with it, made the same way: gold, blue, purple, and scarlet yarn, and finely twisted linen, as our Father commanded Moses. Bhanhire rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
6 They made the onyx stones, mounted in gold filigree settings, engraved like seal engravings, with the names of Israel's sons. Vakagadzira matombo eonikisi vakaanyudza mukati mamaruva egoridhe uye vakanyora norunyoro rwokutema padombo sezvinoitwa padombo rechisimbiso ramazita avanakomana vaIsraeri.
7 He put them on the ephod's shoulder pieces as memorial stones for Israel's sons, as our Father had commanded Moses. Ipapo vakaisa pamapenga apamapfudzi eefodhi matombo echirangaridzo chavana vaIsraeri sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
8 He made the breastpiece—skilled work like the ephod's—of gold, blue, purple, scarlet yarn, and finely twisted linen. Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
9 Square and doubled, they made the breastpiece—about nine inches long and nine inches wide, doubled. Chakanga chakaenzana mativi acho ose ari mana, chakaenzana nechanza paurefu uye chakaenzana nechanza paupamhi uye chakapetwa kaviri.
10 They set in it four rows of stones. The first row was carnelian, topaz, and emerald; Ipapo vakagadzira mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga makanga mune ibwe rerubhi, topazi nebheriri;
11 the second row, turquoise, sapphire, and emerald; mumutsara wechipiri maiva netekoisi, nesafire uye neemaradhi;
12 the third row, jacinth, agate, and amethyst; mumutsara wechitatu maiva nejasindi, neagati uye neametisiti;
13 the fourth row, beryl, onyx, and jasper. They were enclosed in gold filigree settings. mumutsara wechina maiva nekirisoriti, neonikisi uye nejasipa. Akanga akagadzirwa mukati mamaruva egoridhe.
14 Twelve stones, one per name of Israel's sons, each engraved like a seal with its own name, for the twelve tribes. Paiva namatombo gumi namaviri, rimwe richimirira rimwe ramazita avanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakanyorwa, sorunyoro rwakatemwa padombo sechisimbiso, chine rimwe ramazita amarudzi gumi namaviri.
15 For the breastpiece they made braided chains of pure gold, like cords. Chidzitiro chechipfuva vakachiitirawo uketani hwakarukwa negoridhe rakaisvonaka, rwakaita setambo.
16 They made two gold filigree settings and two gold rings, fastening the two rings to the breastpiece's two ends. Vakaita maruva maviri egoridhe nemhete mbiri dzegoridhe, uye vakasungirira mhete idzi pana mamwe amakona maviri echidzitiro chechipfuva.
17 They fastened the two gold cords to the two rings at the ends of the breastpiece. Vakasungirira humwe uketani huviri hwegoridhe pamhete dzapamakona echidzitiro chechipfuva,
18 They put the two ends of the two cords on the two filigree settings, and put them on the ephod's shoulder pieces, at its front. uye mimwe miromo youketani pamaruva maviri, zvichibatanidzwa pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi nechemberi.
19 They made two gold rings and put them on the breastpiece's two ends, on its inner edge facing the ephod. Vakagadzira mhete dzegoridhe mbiri vakadzibatanidza namamwe makona maviri echidzitiro chechipfuva pamupendero nechomukati pedyo neefodhi.
20 They made two gold rings and put them on the two shoulder pieces of the ephod, low on the front, near the seam above its woven band. Ipapo vakagadzira dzimwezve mhete mbiri dzegoridhe uye vakadzibatanidza nechepasi pezvipenga zvamapfudzi pamberi peefodhi, pedyo nemusono uri nechapamusoro pebhanhire romuchiuno refodhi.
21 They fastened the breastpiece's rings to the ephod's rings with a blue cord, so it would rest on the ephod's woven band and not come loose from the ephod, as our Father commanded Moses. Vakasungirira mhete dzapachidzitiro chapachipfuva pamhete dzapaefodhi netambo yebhuruu, ichiibatanidza nebhanhire romuchiuno kuitira kuti chidzitiro chechipfuva chirege kubva paefodhi, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
22 Bezalel made the robe of the ephod entirely of blue, the work of a weaver. Vakaita jasi reefodhi nomucheka webhuruu yoga, basa romuruki,
23 Its opening was in the center, like a collar's opening, with a woven binding around it so it wouldn't tear. rakazaruka pakati pejasi sokuzaruka kwekora, uye mupendero wakapoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka.
24 They made pomegranates of blue, purple, and scarlet yarn and twisted linen on the robe's hem. Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi.
25 They made pure gold bells and set them between the pomegranates on the robe's hem, all around between the pomegranates. Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba.
26 Bell and pomegranate, bell and pomegranate, around the robe's hem for serving, as our Father commanded Moses. Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
27 For Aaron and his sons they made the tunics of fine linen, the work of a weaver, Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki,
28 the fine-linen turban, the beautiful fine-linen caps, and linen undergarments of finely twisted linen. uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanhire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
29 The sash: finely woven linen, blue, purple, and scarlet yarn, embroidered work, as our Father commanded Moses. Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
30 They made the holy crown's plate from pure gold, engraved like a seal: "Holy to our Father." Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: mutsvene kuna jehovha.
31 They tied a blue cord to it, fastening it on the turban above, as our Father commanded Moses. Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
32 All the work of the tabernacle, the tent of meeting, was finished. Israelites did everything our Father commanded Moses—so they did. Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi.
33 They brought Moses the tabernacle: the tent, all its furnishings, clasps, frames, crossbars, posts, and bases; Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi: tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko;
34 the covering of red-dyed ram skins, the covering of fine leather, and the screening curtain, chifukidzo chamatehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira;
35 the ark of the testimony with its poles and the mercy seat; areka yeChipupuriro namapango ayo nechifunhiro chokuyananisa;
36 the table with all its utensils and the bread of the Presence; tafura nemidziyo yayo dzose nechingwa choKuratidza;
37 the pure gold lampstand, its arranged lamps, all its utensils, and oil for the light; zvigadziko zvomwenje zvegoridhe rakaisvonaka nemitsara yacho yemwenje, nhumbi dzayo dzose, namafuta omwenje;
38 the gold altar, anointing oil, fragrant incense, and the tent entrance screen; aritari yegoridhe, mafuta okuzodza, zvinonhuhwira kwazvo nechidzitiro chapamukova wetende;
39 the bronze altar with its bronze grate, poles, and all its utensils, the basin and its stand; aritari yendarira, chiparo chayo chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; dhishi nechigadziko charo;
40 the courtyard's curtains, posts, and bases, the courtyard entrance screen, ropes, pegs, and all the equipment for the tabernacle's service, the tent of meeting; zvidzitiro zvoruvazhe namatanda nezvigadziko zvarwo, uye chidzitiro chapamukova woruvazhe; tambo nembambo dzetende dzaparuvazhe; midziyo yose yetabhenakeri, Tende Rokusangana;
41 and the finely woven garments for serving in the holy place, the holy garments for Aaron the priest, and his sons' garments for priestly service. uye jasi rakarukwa rinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene dzaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.
42 The people of Israel had done all the work just as our Father had commanded Moses. VaIsraeri vakanga vaita basa rose sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
43 Moses inspected all the work: they had done it as our Father commanded—so they had done it. Moses blessed them. Mozisi akaongorora basa uye akaona kuti vakanga variita sokurayira kwakanga kwaita Jehovha. Saka Mozisi akavaropafadza.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]