Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Lamentations 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 How lonely sits the city that once was full of people! She has become like a widow, she who was great among the nations. She who was a princess among the provinces has become a forced laborer. Ko, muguta zvamusisina vanhu, iro rakanga rizere navanhu! Zvarangova sechirikadzi, iro rakanga riri guru pakati pendudzi! Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika, zvino rava nhapwa.
2 Bitterly she weeps in the night, tears on her cheeks. Among all her lovers she has no one to comfort her; all her friends have betrayed her, they have become her enemies. Rinochema zvikuru usiku, misodzi iri pamatama aro. Pakati pavadiwa varo vose hakuna anorivaraidza. Shamwari dzaro dzose dzarimukira; dzava vavengi varo.
3 Judah has gone into exile under affliction and harsh servitude; she lives among the nations but finds no resting place. All her pursuers have overtaken her in the midst of her distress. Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara, Judha akaenda kuutapwa. Anogara pakati pendudzi; haawani nzvimbo yokuzorora. Vose vaimudzinganisa vakamubata ari pakati pokutambudzika kwake.
4 The roads to Zion mourn, for no one comes to the appointed feasts. All her gates are desolate, her priests groan, her young women grieve, and she herself is in bitter anguish. Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa. Masuo aro ose haasisina vanhu, vaprista varo vanogomera, varandakadzi varo vanochema, uye iro riri pakurwadziwa kukuru.
5 Her foes have become her masters, her enemies are at ease, for our Father has afflicted her because of her many rebellions. Her children have gone away, led captive before the enemy. Vavengi varo ndivo vava vatongi varo; vavengi varo vagere zvakanaka, Jehovha akarivigira kutambudzika nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji. Vana varo vakaenda kuutapwa, vava nhapwa pamberi pavavengi.
6 All her majesty has departed from the daughter of Zion. Her princes have become like deer that find no pasture; they flee without strength before their pursuers. Kuyevedza kwose kwabva paMwanasikana weZioni. Machinda aro aita senondo dzashayiwa mafuro. Mukushayiwa simba vakatiza pamberi peanovadzinganisa.
7 In the days of her affliction and wandering, Jerusalem remembers all the precious things that were hers from days of old. When her people fell into the hands of the enemy, with no one to help her, the enemies looked on and mocked her downfall. Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusarema rinorangarira pfuma yose yakanga iri yaro pamazuva akare. Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi, rakashaya anoribatsira. Vavengi varo vakaritarisa, vakariseka pakuparadzwa kwaro.
8 Jerusalem has sinned grievously; therefore she has become an object of scorn. All who honored her despise her, for they have seen her nakedness; she herself groans and turns away. Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo rasvibiswa. Vose vairikudza vorizvidza, nokuti vakaona kushama kwaro; iro pacharo rinogomera, richidzokera shure.
9 Her uncleanness clung to her skirts; she gave no thought to her future. Her fall is astounding, with no one to comfort her. "Look, my Father, on my affliction, for the enemy has triumphed!" Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro; harina kurangarira ramangwana raro. Kuwa kwaro kwakashamisa; hakuna akarinyaradza. “Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu, nokuti muvengi akunda.”
10 The enemy has stretched out his hand over all her precious things; she has watched the nations enter her sanctuary—those you had forbidden to enter your assembly. Muvengi akatora pfuma yaro yose; rakaona ndudzi dzechihedheni dzichipinda panzvimbo yaro tsvene, avo vamakanga madzivisa kupinda paungano yenyu.
11 All her people groan as they search for bread; they trade their treasures for food just to stay alive. "Look, my Father, and see, for I have become despised. Vanhu varo vose vanogomera pavanotsvaka chingwa; vanotsinhanisa pfuma yavo nezvokudya kuti vazviraramise. “Tarirai, imi Jehovha, uye murangarire, nokuti ndava munhu akazvidzwa.”
12 Is it nothing to you, all you who pass by? Look and see if there is any sorrow like my sorrow, which was brought upon me, which our Father inflicted on the day of his fierce anger. “Hamuna hanya here, imi mose munopfuura? Tarirai pose pose muone. Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here, kwakaiswa pamusoro pangu, kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangu pazuva rokutsamwa kwake kunotyisa?
13 From on high he sent fire into my bones, and it overcame them. He spread a net for my feet and turned me back; he has left me desolate, faint all the day long. “Akatuma moto kubva kumusoro-soro, akautumira mumapfupa angu. Akateya makumbo angu nomumbure uye akandidzosera shure. Akandisiya ndisina chinhu, ndikapera simba zuva rose.
14 My rebellions were bound into a yoke; knit together by his hand, they were laid upon my neck, and he sapped my strength. The Sovereign Father handed me over to those I cannot withstand. “Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko; namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete, zvauya pamutsipa wangu uye Ishe apedza simba rangu. Akandiisa mumaoko avanhu vandisingagoni kukunda.
15 The Sovereign Father has rejected all the mighty men in my midst; he summoned an assembly against me to crush my young men. The Sovereign Father has trampled the virgin daughter of Judah as in a winepress. “Ishe akaramba mhare dzose dziri pakati pangu; akakokera hondo kuzondirwisa kuzopwanya majaya angu. Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudha muchisviniro chake chewaini.
16 For these things I weep; my eyes, my eyes flow with tears, for a comforter who could revive my spirit is far from me. My children are desolate, for the enemy has prevailed." “Ndokusaka ndichichema uye maziso angu achierera misodzi. Hapana ari pedyo kuti andinyaradze, hakuna anovandudza mweya wangu. Vana vangu vari kutambudzika nokuti muvengi akunda.”
17 Zion stretches out her hands, but there is no one to comfort her. Our Father has decreed that Jacob's neighbors would become his enemies; Jerusalem has become a filthy thing among them. Zioni rinotambanudza maoko aro, asi hakuna munhu anorinyaradza. Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho, kuti vavakidzani vake vave vavengi vake; Jerusarema rava chinhu chisina kunatswa pakati pavo.
18 Our Father is righteous, for I have rebelled against his word. Hear, all you peoples, and look on my suffering; my young women and my young men have gone into captivity. “Jehovha akarurama, asi ini ndakamukira murayiro wake. Inzwai, imi vanhu mose; onai kutambudzika kwangu. Majaya angu navarandakadzi vangu vakaenda kuutapwa.
19 I called to my lovers, but they deceived me. My priests and my elders perished in the city while they searched for food just to stay alive. “Ndakadana kushamwari dzangu asi vakandipandukira. Vaprista vangu navakuru vangu vakafira muguta, pavakanga vachitsvaka zvokudya kuti vazviraramise.
20 Look, my Father, for I am in distress; my stomach churns, my heart is overturned within me, for I have been very rebellious. In the street the sword cuts people down; in the house it is like death. “Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu! Ndiri kurwadziwa mukati mangu, uye ndakakanganisika mumwoyo mangu, nokuti ndakakumukirai zvikuru. Kunze, munondo unondiurayira hama; mukati, munongova norufu.
21 They have heard how I groan, with no one to comfort me. All my enemies have heard of my trouble; they are glad that you have done it. Bring on the day you have declared, that they may become like me. “Vanhu vakanzwa kugomera kwangu, asi hakuna anondinyaradza. Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu; vanofara nezvamakaita. Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisa kuti vagofanana nemi.
22 Let all their evil come before you, and deal with them as you have dealt with me for all my rebellions; for my groans are many, and my heart is faint. “Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire sezvamakaita kwandiri nokuda kwezvivi zvangu zvose. Kugomera kwangu kwawanda, uye mwoyo wangu wapera simba.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]