Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Joshua 16 OSCB

Side by side with the Father's Heart Bible™

Mugove waEfuremu naManase

1Mugove waJosefa waitangira paJorodhani paJeriko kumabvazuva kwemvura zhinji yeJeriko, ndokukwidza uchibva ikoko nomugwenga uchienda kunyika yezvikomo yeBheteri. 2Waienderera mberi uchibva paBheteri (iro Ruzi), ndokuyambukira kunyika yavaAriki muAtaroti, 3ndokuburukira kumabvazuva kunyika yavaJafereti uchindosvika kunyika yeBheti Horoni reZasi nokuGezeri, uchigumira pagungwa.

4Saka Manase naEfuremu zvizvarwa zvaJosefa, vakagamuchira nhaka yavo.

5Iyi ndiyo yaiva nyika yaEfuremu, mhuri nemhuri: Muganhu wenhaka yavo waibvira paAtaroti Adhari kumabvazuva uchisvika kuBheti Horoni yoKumusoro

6uye uchindosvika kugungwa, kubva kuMikimetati nechokumusoro waikombamira kumabvazuva uchindosvika paTaanati Shiro, ndokupfuura ipapo wakananga kuJanoa nechokumabvazuva. 7Ipapo wakadzika uchibva kuJanoa uchienda kuAtaroti nokuNaara, ndokundobata Jeriko, ndokubudira paJorodhani. 8Kubva paTapuwa muganhu waienda kumavirazuva kuRwizi rweKana uchindogumira pagungwa. Iyi ndiyo yaiva nhaka yorudzi rwavaEfuremu mhuri nemhuri. 9Waisanganisirawo maguta ose nemisha yawo yakanga yakatsaurirwa vaEfuremu pakati penhaka yavaManase.

10Havana kudzinga vaKenani vakanga vagere muGezeri; nanhasi vaKenani vagere pakati pavaEfuremu asi vanoshandiswa mabasa echibharo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]