Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father said to me, "Take a large tablet and write on it plainly: 'Belonging to Maher-shalal-hash-baz.'" Jehovha akati kwandiri, “Tora bhuku guru unyore pamusoro paro nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi.
2 So I called reliable witnesses to attest for me—Uriah the priest and Zechariah son of Jeberechiah. Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.”
3 Then I went to the prophetess; she conceived and bore a son, and our Father said to me, "Name him Maher-shalal-hash-baz. Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi;
4 Before the boy knows how to cry 'My father' or 'My mother,' Damascus's wealth and Samaria's plunder will be carried off before Assyria's king." nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichatakurwa namambo weAsiria.”
5 Our Father spoke to me yet again: Jehovha akataurazve kwandiri akati,
6 "Because this people has refused the gently flowing waters of Shiloah and rejoices over Rezin and the son of Remaliah, “Nokuti vanhu ava vakaramba mvura inoyerera zvinyoronyoro yeShiroa, uye vanofarira Rezini nomwanakomana waRemaria,
7 therefore the Sovereign Father is about to bring up against them the mighty floodwaters of the River—the king of Assyria and all his glory. It will rise over all its channels and overflow all its banks, naizvozvo Jehovha ava kuda kuuyisa pamusoro pavo mafashamu makuru oRwizi, mambo weAsiria nokukudzwa kwake kwose. Ruchapfachukira hova dzarwo dzose, uye rugopfachukira kumahombekombe arwo ose,
8 and it will sweep on into Judah, flooding and passing through, reaching up to the neck; and its outstretched wings will fill the breadth of your land, Immanuel." ruchakukura kusvikira kuJudha, ruchipafuma nomukati mayo, rugopfuura nomairi ruchisvika muhuro. Kutandavara kwamapapiro arwo kuchafukidza upamhi hwenyika yako, iwe Imanueri!”
9 Be shattered, you peoples, and be broken! Listen, all you distant lands! Strap on your armor and be broken; strap on your armor and be broken! Ridzai mhere yehondo, imi ndudzi, mugoputswa-putswa! Teererai, imi nyika dzose dziri kure. Gadzirirai kurwa, mugoputswa-putswa!
10 Devise your plan, but it will come to nothing; speak your word, but it will not stand—for our Father is with us. Gadzirirai urongwa hwenyu, asi huchakona; Taurai zvourongwa hwenyu, asi hauzomiri, nokuti Mwari anesu.
11 For this is what our Father told me, his strong hand on me, warning me not to walk this people's way: Jehovha akataura kwandiri ruoko rwake rune simba rwuri pamusoro pangu, achindiyambira kuti ndirege kutevera nzira yavanhu ava, akati:
12 "Do not call conspiracy everything this people calls conspiracy; do not fear what they fear, and do not be terrified. “Musati irangano zvinhu zvose zvinonzi navanhu ava irangano; musatya zvavanotya, musazvivhunduka.
13 The Father of heaven's armies—he is the one you should regard as holy. Let him be your fear; let him be your dread. Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene, ndiye wamunofanira kuvhunduka,
14 He will become a sanctuary; but to both houses of Israel he will be a stone that makes them stumble and a rock that makes them fall, and to the inhabitants of Jerusalem a trap and a snare. ndiye achava nzvimbo tsvene; asi padzimba dzose dzaIsraeri achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe; nedombo rinoita kuti vapunzike. Uye kuvanhu veJerusarema iye achava musungo norugombe.
15 Many among them will stumble; they will fall and be broken, they will be snared and captured." Vazhinji vavo vachagumburwa; vachawa vagovhunika, vachateyiwa vagobatwa.”
16 Preserve the testimony; seal the teaching among my disciples. Sungai chipupuriro mugosimbisa murayiro pakati pavadzidzi vangu.
17 I will wait for our Father, who is hiding his face from the house of Jacob; I will hope in him. Ndichamirira Jehovha, iye ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake. Ndichaisa ruvimbo rwangu maari.
18 Here am I, and the children our Father gave me—signs and wonders in Israel from the Father of heaven's armies, who lives on Mount Zion. Ndiri pano, navana vandakapiwa naJehovha. Tiri zviratidzo nemifananidzo muIsraeri inobva kuna Jehovha Wamasimba Ose paGomo reZioni.
19 When they tell you, "Ask the mediums and those who consult spirits, who whisper and mutter," should a people not ask their Father? Should they consult the dead for the living? Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu?
20 To the teaching and the testimony! If they don't speak according to this word, they have no light of dawn. Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza.
21 Distressed and hungry, they will roam the land; when famished, they will rage and curse their king and their Father, and look up. Vatambudzika, vava vane nzara vachafamba-famba nenyika; pavachatambudzika vachava neshungu, uye vachatarira kudenga, vagotuka mambo wavo naMwari wavo.
22 They will look to the earth and see only distress and darkness, the gloom of anguish; and they will be driven into thick darkness. Ipapo vachatarira pasi vagoona nhamo chete nerima nokusafara kunotyisa, uye vachakandirwa kurima guru.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]