Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the days of Ahaz son of Jotham, son of Uzziah, king of Judah, Rezin king of Aram and Pekah son of Remaliah king of Israel marched on Jerusalem to fight it, but could not overpower it. Zvino Ahazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUzia, paakanga ari mambo weJudha, Mambo Rezini weAramu naPeka mwanakomana waRamaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema, asi havana kugona kurikunda.
2 When the house of David heard, "Aram has joined forces with Ephraim," the hearts of Ahaz and his people shook like forest trees before the wind. Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo.
3 Then our Father told Isaiah, "Go meet Ahaz, you and your son Shear-jashub, at the end of the upper pool's channel, on the road to the Launderer's Field, Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, “Buda, iwe nomwanakomana wako Sheari-Jashubhi, unosangana naAhazi kumucheto womugero weDziva Rokumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki.
4 and tell him: Take care, stay calm, don't be afraid or lose heart over these two smoking stubs of firewood—over the fierce anger of Rezin, Aram, and Remaliah's son. Uti kwaari, ‘Chenjera, dzikama hako, uye usatya. Usaora mwoyo nokuda kwamatsiga maviri ehuni, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaRezini naAramu uye nekwomwanakomana waRemaria.
5 Because Aram, along with Ephraim and the son of Remaliah, has plotted evil against you, saying, Aramu naEfuremu nomwanakomana waRemaria vakarangana kukuparadza vachiti,
6 'Let us march up against Judah, terrify it, split it open for ourselves, and set the son of Tabeel as king over it,' “Handei tindorwa neJudha; ngatiribvarurei tigorigovana pakati pedu, tigogadza Tabheeri kuti ave mambo pamusoro paro.”
7 this is what the Sovereign Father says: It will not stand, and it will not happen. Asi zvanzi naIshe Jehovha: “ ‘Izvi hazvingamiri, hazvingaitiki, nokuti musoro weAramu iDhamasiko,
8 For the head of Aram is Damascus, and the head of Damascus is Rezin. Within sixty-five years Ephraim will be shattered—no longer a people. uye musoro weDhamasiko iRezini bedzi. Makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa-putswa zvokusazova rudzizve.
9 The head of Ephraim is Samaria, and the head of Samaria is the son of Remaliah. If you do not stand firm in faith, you will not stand at all." Musoro weEfuremu iSamaria, uye musoro weSamaria mwanakomana waRamaria bedzi. Kana usingamiri zvakasimba mukutenda kwako, hauchazomiri zvachose.’ ”
10 Our Father spoke to Ahaz again, saying, Jehovha akataurazve kuna Ahazi akati,
11 "Ask your Father for a sign; make it deep as the grave or high as the heavens." “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako, kunyange pakadzikadzika kana pamusoro-soro.”
12 But Ahaz said, "I will not ask, and I will not put our Father to the test." Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.”
13 Isaiah said, "Listen, house of David! Isn't it enough that you weary people? Must you weary my Father too? Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here?
14 So the Sovereign Father himself will give you a sign: Look, the virgin will conceive, bear a son, and name him Immanuel. Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri.
15 He will eat curds and honey by the time he knows to reject evil and choose good. Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama.
16 Before the boy knows to reject evil and choose good, the land whose two kings you dread will be abandoned. Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo.
17 Our Father will bring on you, your people, and your father's house days unlike any since Ephraim broke from Judah—the king of Assyria. Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.”
18 In that day our Father will whistle for the fly from Egypt's distant streams and for the bee in the land of Assyria, Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria.
19 and they will all come and settle in the steep ravines and in the clefts of the rocks, on all the thornbushes and at all the watering holes. Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose.
20 In that day the Sovereign Father will shave—with a razor hired from beyond the Euphrates, the king of Assyria—the head and leg hair, and sweep the beard away too. Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti aveure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu.
21 In that day a man will keep alive a young cow and two sheep, Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri.
22 and because of the abundance of milk, he will eat curds; all left in the land will eat curds and honey. Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi.
23 That day, every place with 1,000 vines worth 1,000 silver pieces will become thorns and thornbushes. Pazuva iro munzvimbo imwe neimwe maimbova nemizambiringa inokwana chiuru yaitengwa namashekeri anokwana chiuru esirivha, pachazova norukato neminzwa chete.
24 People come there with arrows and bow, for all the land will be thornbushes and thorns. Varume vachaendako neuta nemiseve, nokuti nyika ichange yafukidzwa norukato neminzwa.
25 You will not go to the hills once worked with the hoe, for fear of the thornbushes and thorns; they become pasture for cattle and trampling ground for sheep." Kana zviri zvikomo zvose zvaichimbosakurirwa nebadza, hakuna achada kuendako nokuda kwokutya rukato neminzwa; dzichava nzvimbo dzokusundira mombe nokunomhanyirwa namakwai.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]