Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the year King Uzziah died, I saw the Lord Jesus seated on a throne, high and lifted up, and the hem of his robe filled the temple. Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi.
2 Above him stood seraphim, each with six wings: two covered the face, two covered the feet, two flew. Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka.
3 They called to one another: "Holy, holy, holy is our Father, Son, and Holy Spirit, the Lord of heaven's armies; the whole earth is full of his glory." Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”
4 At the sound of their voices the thresholds' foundations shook, and the house filled with smoke. Nokutinhira kwamanzwi adzo, nheyo dzezvikumbaridzo dzakazungunuka uye temberi yakazadzwa noutsi.
5 Then I said: "Woe to me! I'm ruined! I'm a man of unclean lips living among people of unclean lips—and my eyes have seen the King, Jesus, the Lord of all heaven's armies!" Ipapo ndakachema ndichiti, “Ndine nhamo! Ndaparara! Nokuti ndiri munhu ane miromo ine tsvina uye ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina uye meso angu aona Mambo, Jehovha Wamasimba Ose.”
6 Then one of the seraphim flew to me with a glowing coal in his hand, taken with tongs from the altar. Ipapo imwe yesarafimi yakabhururukira kwandiri ine zimbe romoto muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato kubva paaritari.
7 He touched my mouth with it and said, "See, this touched your lips; your guilt is removed, your sin atoned for." Yakagunzva muromo wangu naro ikati, “Tarira, zimbe iri ragunzva miromo yako; mhosva yako yabviswa uye chivi chako chadzikinurwa.”
8 Then I heard the voice of our Lord Jesus saying, "Whom should I send? Who will go for us?" I said, "Here I am. Send me." Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?” Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!”
9 He said, "Go, tell this people: 'Keep hearing, but never understand; keep seeing, but never perceive.' Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti, “ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi; munogara muchiona, asi hamuonesesi.’
10 Make the heart of this people calloused; make their ears dull and their eyes blind—so they will not see with their eyes, hear with their ears, understand with their hearts, and turn and be healed." Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare; ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise uye vatsinzine meso avo. Nokuti vangaona nameso avo, nokunzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakadzoka vakaporeswa.”
11 Then I said, "How long, Lord Jesus?" He answered: "Until cities lie ruined and empty, houses without people, the land left utterly desolate, Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?” Iye akapindura achiti, “Kusvikira maguta ava matongo uye pasisina anogaramo, kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu, neminda yaparadzwa zvachose,
12 "Until our Father has sent the people far away, and vast emptiness covers the land. kusvikira Jehovha adzingira vanhu kure, uye nyika yasiyiwa zvachose.
13 And though a tenth remains in it, it will be burned again—like a terebinth or an oak whose stump remains when it is felled. The holy seed is its stump." Uye kunyange kukasara chegumi munyika, naichowo chichaparadzwa. Asi somuterabhiniti nomuouki zvichasara zvava zvigutsa pazvinotemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ruchavawo sechigutsa munyika.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]