Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Let me sing now for the one I love a song of my beloved about his vineyard. My beloved had a vineyard on a very fertile hillside. Ndichaimbira mudiwa wangu rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa: Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa, pachikomo chakaorera.
2 He dug it and cleared it of stones and planted it with the choicest vines. He built a watchtower in the middle of it and also carved out a winepress in it. Then he waited for it to yield good grapes, but it yielded only wild ones. Akautimbira akabvisa mabwe akasimamo mazambiringa akaisvonaka. Akavaka shongwe mukati mawo uye akauchererawo chisviniro chewaini. Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka, asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete.
3 "And now, you who live in Jerusalem and you people of Judah, judge between me and my vineyard. “Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi varume veJudha, chitongai pakati pangu nomunda wemizambiringa wangu.
4 What more was there to do for my vineyard that I have not done in it? Why, when I waited for it to yield good grapes, did it yield only wild ones? Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Pandakatsvaka mazambiringa akanaka, wakagoberekerei akaipa oga?
5 And now let me tell you what I am about to do to my vineyard: I will take away its hedge, and it will be devoured; I will break down its wall, and it will be trampled. Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, ugoparadzwa; ndichaputsa rusvingo rwawo, ugochatsikwa-tsikwa.
6 I will make it a wasteland; it will not be pruned or hoed, and briers and thorns will grow up over it. And I will command the clouds to send no rain upon it." Ndichauita nzvimbo yamarara, hauzochekererwi kana kusakurirwa, uye minzwa norukato zvichakuramo. Ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.”
7 For the vineyard of the Father of heaven's armies is the house of Israel, and the people of Judah are his cherished planting. He looked for justice, but found only bloodshed; for righteousness, but heard only an outcry. Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose ndiwo imba yaIsraeri, uye varume veJudha ndivo bindu rake rinomufadza. Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa; akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika.
8 Woe to those who add house to house and join field to field, until there is no room left and you live alone in the middle of the land. Mune nhamo imi munowedzera dzimba nedzimba uye munobatanidza munda nomunda, kusvikira pasisina nzvimbo yasara, mugogara moga munyika.
9 With my own ears I heard the Father of heaven's armies swear: "Surely many houses will become desolate, great and beautiful ones left without anyone to live in them. Jehovha Wamasimba Ose akataura ndichinzwa akati, “Zvirokwazvo dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru dzakanaka dzichashaya vanogaramo.
10 For ten acres of vineyard will yield only about six gallons of wine, and ten baskets of seed will yield only one basket of grain." Maeka gumi omunda wemizambiringa achabereka bhati rimwe chete rewaini, uye homeri rembeu richabereka efa imwe chete rezviyo.”
11 Woe to those who rise early in the morning to chase strong drink, who linger late into the evening till wine inflames them. Vane nhamo avo vanomuka mangwanani kuti vatsvake doro rinodhaka, vanogara kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa newaini.
12 At their feasts there are lyre and harp, tambourine and flute and wine, but they pay no regard to the deeds of our Father, and they do not see the work of his hands. Vanenge vane rudimbwa, nemitengeranwa pamabiko avo, namatambureni, nenyere newaini, asi havana hanya namabasa aJehovha, havana rukudzo nebasa ramaoko ake.
13 Therefore my people go into exile for lack of knowledge; their honored men are starved, and the common people are parched with thirst. Naizvozvo vanhu vangu vachapinda muutapwa, nokuda kwokushayiwa zivo; vanokudzwa vavo vachafa nenzara, uye vazhinji vavo vachafa nenyota.
14 Therefore the grave has enlarged its appetite and opened its mouth wide, and down go her splendor and her crowds, her uproar and all who rejoice in her. Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo.
15 So mankind is humbled, and each person is brought low, and the proud eyes of the arrogant are cast down. Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa, marudzi avanhu achaninipiswa, nameso avanozvikudza achaninipiswa.
16 But the Father of heaven's armies is exalted in justice, and our holy Father shows himself holy in righteousness. Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake.
17 Then lambs will graze as in their own pasture, and strangers will feed among the ruins of the rich. Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo; makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi.
18 Woe to those who drag their wickedness along with cords of lies, and sin as with cart ropes, Vane nhamo avo vanokweva chivi nerwodzi rwokunyengera, uye zvakaipa sezvinenge mabote engoro,
19 who say, "Let him hurry; let him speed his work, so we may see it. Let the plan of the Holy One of Israel draw near and come, so we may know it." uye nevanoti, “Mwari ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake kuti tirione. Ngarisvike, urongwa hwoMutsvene waIsraeri ngahuuye, kuti tihuzive.”
20 Woe to those who call evil good and good evil, who call darkness light and light darkness, who call bitter sweet and sweet bitter. Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.
21 Woe to those who are wise in their own eyes and clever in their own sight. Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo, uye vakangwara pakuona kwavo.
22 Woe to those who are heroes at drinking wine and champions at mixing strong drink, Vane nhamo avo vanova mhare pakunwa waini, uye shasha pakuvhenganisa zvokunwa zvinodhaka,
23 who acquit the guilty for a bribe and strip away the rights of the innocent. vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro, asi vanoramba kururamisira vasina mhosva.
24 Therefore, as a tongue of fire devours the stubble and dry grass shrivels in the flame, so their roots will rot and their blossom go up like dust; for they have rejected the instruction of the Father of heaven's armies, and despised the word of the Holy One of Israel. Naizvozvo, samarimi omoto anonanzva mashanga, uye souswa hwakaoma hunomedzwa nemirazvo yemoto, naizvozvo midzi yavo ichaora uye maruva avo achapeperetswa seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha Wamasimba Ose, uye vakazvidza shoko roMutsvene waIsraeri.
25 Therefore the anger of our Father burned against his people, and he stretched out his hand against them and struck them. The mountains quaked, and their corpses lay like garbage in the streets. For all this his anger has not turned away, and his hand is still stretched out. Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa. Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.
26 He will raise a signal for the nations far away and whistle for them from the ends of the earth, and swiftly, speedily they come. Anosimudzira ndudzi dziri kure mureza, anoridzira muridzo kuna avo vari kumigumo yenyika. Havo vouya, nokukurumidza uye nokuchimbidzika!
27 Not one of them is weary or stumbles, not one drowses or sleeps; not a belt is loosened at the waist, not a sandal strap is broken. Hapana kana mumwe wavo anoneta kana kugumburwa, hapana kana mumwe wavo achakotsira kana kuvata; hapana kana bhanhire richasunungurwa pachiuno, hapana kana rukanda rweshangu ruchadambuka.
28 Their arrows are sharpened and all their bows are drawn; their horses' hooves seem like flint and their wheels like a whirlwind. Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mahwanda amabhiza avo anenge omusarasara, mavhiri engoro dzavo akaita sechamupupuri.
29 Their roar is like a lion; they roar like young lions. They growl and seize the prey and carry it off, with no one to rescue the victims. Kuomba kwavo kwakaita sokweshumba, vanoomba kufanana neshumba diki; vanodzvova pavanobata mhuka yavo vagoitakura pasina kana angairwira.
30 On that day they will growl over it like the growling of the sea. And if anyone looks across the land, there is only darkness and distress; even the light is darkened by its clouds. Pazuva iro vachaomba pamusoro payo, sokutinhira kwegungwa. Uye kana mumwe akatarisa panyika, achaona rima nokutambudzika; kunyange chiedza chichasvibiswa namakore.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]