Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 59 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Look, our Father's hand is not too short to save, nor his ear too dull to hear. Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa, uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa.
2 But your wrongs have separated you from your Father, and your sins have hidden his face from you, so that he does not hear. Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa.
3 For your hands are defiled with blood, and your fingers with sin; your lips have spoken lies, your tongue mutters wickedness. Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, minwe yenyu nezvakaipa. Miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa.
4 No one calls for justice, and no one pleads with honesty. They trust in emptiness and speak lies; they conceive trouble and give birth to evil. Hapana anochemera kururamisira; hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka. Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema; vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa.
5 They hatch the eggs of vipers and weave the spider's web; whoever eats their eggs dies, and when one is crushed, a viper breaks out. Vanochochonya mazai emvumbi, uye vanoruka dandira redandemutande. Ani naani anodya mazai avo achafa, uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka.
6 Their webs cannot become clothing, and they cannot cover themselves with what they make. Their works are works of wrongdoing, and their hands are full of violence. Matandira avo haabatsiri pakupfeka; havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira. Mabasa avo mabasa akaipa, uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.
7 Their feet run to evil, and they hurry to shed innocent blood. Their thoughts are thoughts of wrongdoing; ruin and destruction lie along their every road. Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi; vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva. Mirangariro yavo mirangariro yakaipa; kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo.
8 The way of peace they do not know, and there is no justice in their ways. They have made their paths crooked; no one who walks in them knows peace. Nzira yorugare havaizivi; hapana kururamisira pamakwara avo. Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama; hakuna anofamba madziri achaziva rugare.
9 Therefore justice is far from us, and righteousness does not reach us. We wait for light, but there is only darkness; for brightness, but we walk in gloom. Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu, uye kururama hakusviki kwatiri. Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima; tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima.
10 We grope along the wall like the blind; like those without eyes we grope. We stumble at noon as if in twilight; among the strong we are like the dead. Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro, tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso. Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni; pakati pavane simba, tangoita savakafa.
11 We all growl like bears and moan mournfully like doves. We wait for justice, but there is none; for salvation, but it stays far from us. Tose tiri kuomba samapere; tinorira nokurira kukuru senjiva. Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani; tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure.
12 For our rebellions are many before you, and our sins testify against us. Our rebellions are with us, and our wrongdoing we know: Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu, uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa. Kudarika kwedu kunogara nesu, uye tinobvuma kutadza kwedu:
13 rebelling and denying our Father, turning back from following our Father, speaking oppression and revolt, conceiving and muttering lying words from the heart. kumukira nokunyengera Jehovha, kufuratira Mwari wedu, kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka, nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu.
14 So justice is driven back, and righteousness stands far off; for truth has stumbled in the public square, and integrity cannot enter. Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure, uye kururama kwamira kure; chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha, kutendeka hakuchagoni kupinda.
15 Truth is missing, and whoever turns from evil is plundered. Our Father saw it and was displeased that there was no justice. Zvokwadi haichawanikwi uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa. Jehovha akatarisa akasafara kuti pakanga pasisina kururamisira.
16 He saw that there was no one, and was appalled that no one would intervene; so his own arm brought salvation, and his righteousness upheld him. Akaona kuti pakanga pasina munhu, akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, uye kururama kwake kwakamuraramisa.
17 He put on righteousness like a breastplate, and a helmet of salvation on his head; he clothed himself in garments of vindication and wrapped himself in zeal like a cloak. Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso mumusoro make; akashonga nguo dzokutsiva akazviputira mukushingaira kwake seanozviputira nejasi.
18 According to their deeds, so he will repay: wrath to his adversaries, repayment to his enemies; to the distant coastlands he will give them what they deserve. Sezvavakaita, saizvozvo acharipira hasha kuvavengi vake nokutsiva kuvadzivisi vake; acharipira zvakafanira kuzviwi.
19 So they will fear the name of our Father from the west, and his glory from the rising of the sun; for he will come like a rushing river, driven by the wind of our Father. Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha.
20 Then the Redeemer will come to Zion, to those in Jacob who turn from their sins, declares our Father. “Mudzikinuri achauya kuZioni, kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 "As for me, this is my covenant with them," says our Father: "My Spirit who is upon you, and my words that I have put in your mouth, will not depart from your mouth, or from the mouth of your children, or from the mouth of your children's children," says our Father, "from now on and forever." “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]