Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 60 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Arise, shine, for your light has come, and the glory of our Father has risen upon you. “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
2 For darkness will cover the earth, and thick darkness the peoples; but our Father will rise upon you, and his glory will be seen upon you. Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.
3 Nations will come to your light, and kings to the brightness of your dawning. Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.
4 Lift up your eyes all around and see: they all gather together, they come to you; your sons come from far away, and your daughters are carried on the hip. “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana uye vanouya kwauri, vanakomana vako vanobva kure, uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.
5 Then you will see and be radiant; your heart will throb and swell, because the abundance of the sea will turn toward you, the wealth of the nations will come to you. Ipapo uchatarisa ugopenya, mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro; upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri, pfuma yendudzi ichauya kwauri.
6 A multitude of camels will cover you, the young camels of Midian and Ephah; all those from Sheba will come, bearing gold and frankincense, and they will proclaim the praises of our Father. Mapoka engamera achazadza nyika yako, mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa. Uye vose vanobva kuShebha vachauya, vakatakura goridhe nezvinonhuhwira vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha.
7 All the flocks of Kedar will be gathered to you, the rams of Nebaioth will minister to you; they will be offered on my altar and accepted, and I will glorify my glorious house. Mapoka eKedhari achaunganidzirwa kwauri makondobwe eNebhayoti achakushumira: achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu, uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa.
8 Who are these that fly like a cloud, and like doves to their windows? “Ndivanaani ava vanobhururuka samakore, senjiva dzinoenda kumatendere adzo?
9 Surely the coastlands wait for me, the ships of Tarshish first, to bring your sons from far away, with their silver and gold, for the name of your Father, the Holy One of Israel, because he has glorified you. Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri; zvikepe zveTashishi zvinotungamira zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure, nesirivha yavo negoridhe, kuzokudza Jehovha Mwari wako, iye Mutsvene waIsraeri, nokuti akakushongedza nokubwinya.
10 Foreigners will build up your walls, and their kings will serve you; for in my wrath I struck you, but in my favor my heart was moved with compassion for you. “Vatorwa vachavakazve masvingo ako, uye madzimambo avo achakushandira. Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu, munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi.
11 Your gates will stand open continually; day and night they will not be shut, so that the wealth of the nations may be brought to you, with their kings led in procession. Masuo ako achagara akashama haachazombozarirwi, masikati kana usiku kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi, madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa.
12 For the nation and kingdom that will not serve you will perish; those nations will be utterly laid waste. Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa; huchaparadzwa zvachose.
13 The glory of Lebanon will come to you—the cypress, the plane, and the pine together—to beautify the place of my sanctuary; and I will glorify the place of my feet. “Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri, mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete, kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
14 The children of those who oppressed you will come bowing before you; all who despised you will bow down at your feet. They will call you the City of our Father, the Zion of the Holy One of Israel. Vanakomana vavamanikidzi venyu vachauya vachikotama pamberi penyu; vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsraeri.
15 Though you have been forsaken and hated, with no one passing through, I will make you an everlasting pride, a joy from generation to generation. “Kunyange wanga wasiyiwa uye uchivengwa, pasina munhu anopfuura nemauri, ndichakuita kuti ukudzwe nokusingaperi uye uve mufaro wezvizvarwa zvinotevera.
16 You will drink the milk of nations, and nurse at the breast of kings; and you will know that I, your Father, am your Savior and your Redeemer, the Mighty One of Jacob—your Father. Uchanwa mukaka wendudzi uye ucharerwa pamazamu oumambo. Ipapo uchaziva kuti ini, iyeni Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.
17 Instead of bronze I will bring gold, instead of iron I will bring silver, instead of wood, bronze, and instead of stones, iron. I will make peace your governor and righteousness your taskmaster. Ndichakuvigira goridhe pachinzvimbo chendarira, nesirivha pachinzvimbo chesimbi. Ndichakuvigira ndarira pachinzvimbo chamatanda, nesimbi pachinzvimbo chamabwe. Ndichaita rugare mubati wako nekururama mutongi wako.
18 Violence will no longer be heard in your land, nor ruin and destruction within your borders; but you will call your walls Salvation and your gates Praise. Kuita nechisimba hakuchazonzwikwa munyika yako, kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako, asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo.
19 The sun will no longer be your light by day, nor will the moon give you its light; but our Father will be your everlasting light, and your Father your glory. Zuva harichazovi chiedza chako masikati, uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako, nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi, uye Mwari wako achava kubwinya kwako.
20 Your sun will no longer set, and your moon will not wane; for our Father will be your everlasting light, and the days of your mourning will be ended. Zuva rako harichazovirizve, uye mwedzi wako hauchazoperizve; Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, uye mazuva okuchema kwako achaguma.
21 Your people will all be righteous; they will possess the land forever—the branch of my planting, the work of my hands, that I may be glorified. Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama, uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi. Ndivo mabukira andakadyara, basa ramaoko angu, kuti ndiratidze kubwinya kwangu.
22 The least one will become 1,000, and the smallest a mighty nation. I am your Father; when the time is right, I will make it happen quickly. Mudikisa wako achava chiuru, mudiki achava rudzi rune simba. Ndini Jehovha, munguva yacho ndichazviita nokukurumidza.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]