Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 58 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "Shout aloud, do not hold back; raise your voice like a trumpet. Declare to my people their rebellion, to the house of Jacob their sins. “Danidzira nesimba, usanyarara. Simudza inzwi rako sehwamanda. Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo.
2 "Yet day after day they seek me and delight to know my ways, like a nation that does what is right and has not forsaken the justice of their Father. They ask me for righteous judgments; they delight to draw near to our Father. Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka; vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu, kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo. Vanondikumbira kutonga kwakarurama sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo.
3 Why have we fasted, and you have not seen it? Why have we humbled ourselves, and you take no notice?' Look—on the day of your fast you pursue your own desire, and you drive all your workers hard. Vanoti, ‘Takatsanyireiko, uye imi mukasazviona? Takazvininipisireiko, imi mukasazviona?’ “Asi pazuva rokutsanya kwenyu munoita zvamunoda muchimanikidza vashandi venyu.
4 "Look—you fast only to quarrel and to fight and to strike with a wicked fist. You cannot fast as you do today and expect your voice to be heard in heaven. Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga, uye kurovana netsiva dzakaipisisa. Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano, mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro.
5 Is this the kind of fast I choose, a day for a person to humble himself? Is it only to bow the head like a reed, and to spread coarse cloth and ashes beneath him? Is this what you call a fast, a day pleasing to your Father? Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza, zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise? Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here, nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota? Ndiko kwamunoti kutsanya here, pazuva rinodikanwa naJehovha?
6 "Is not this the fast I choose: to loosen the chains of wickedness, to untie the cords of the yoke, to set the oppressed free, and to break every yoke? “Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here: Kusunungura ngetani dzokusaruramisira nokusunungura zvitirobho zvejoko, kusunungura vakamanikidzwa nokuvhuna joko rimwe nerimwe?
7 Is it not to share your bread with the hungry, and to bring the homeless poor into your house; when you see the naked, to clothe him, and not to hide yourself from your own flesh and blood? Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara, nokupa varombo vanodzungaira pokugara here, paunoona vakashama, kuvapfekedza, uye kusafuratira venyama neropa rako?
8 "Then your light will break forth like the dawn, and your healing will spring up quickly; your righteousness will go before you, and my glory will be your rear guard." Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza, uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza; ipapo kururama kwako kuchakutungamirira, uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.
9 Then you will call, and I will answer; you will cry for help, and I will say, 'Here I am.' If you remove the yoke from among you, the pointing finger and malicious talk, Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura; uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano. “Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri, kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa,
10 "if you pour yourself out for the hungry and satisfy the desire of the afflicted, then your light will rise in the darkness, and your night will become like noonday. uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo, ipapo chiedza chako chichabuda murima, uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati.
11 I will guide you continually, and satisfy you in scorched places; I will strengthen your bones. You will be like a watered garden, like a spring of water whose waters never fail. Jehovha achakutungamirira nguva dzose; achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva uye achasimbisa mapfupa ako. Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime, sechitubu chine mvura isingapwi.
12 Your people will rebuild the ancient ruins; you will raise up the age-old foundations. You will be called Repairer of the Breach, Restorer of Streets to Live In. Vanhu vako vachavakazve matongo akare vachasimudza nheyo dzakare; iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka, Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba.
13 "If you keep your foot from breaking the Sabbath, from pursuing your own desire on my holy day; if you call the Sabbath a delight and honor my holy day; if you honor it by not going your own way, not pursuing your own desire or speaking idle words, “Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata, uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene, kana ukati Sabata izuva rinofadza, uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa, uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako, uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo,
14 then you will find your delight in me, and I will make you ride on the heights of the land and feed you with the heritage of your father Jacob—for the mouth of your Father has spoken." ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha, uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika, uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.” Muromo waJehovha wazvitaura.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]