Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 52 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Wake up, wake up, put on your strength, Zion; put on your beautiful garments, Jerusalem, the holy city; for the uncircumcised and the unclean will never enter you again. Muka, muka iwe Zioni, zvifukidze nesimba. Fuka nguo dzako dzakanakisa, iwe Jerusarema, guta dzvene. Vasina kudzingiswa navakasvibiswa havachapindizve mauri.
2 Shake yourself from the dust and arise; take your throne, Jerusalem; free yourself from the bonds around your neck, captive daughter of Zion. Zunza guruva rako: simuka, ugare paushe, iwe Jerusarema. Zvisunungure pangetani dziri pamutsipa wako, iwe nhapwa, Mwanasikana weZioni.
3 For this is what our Father says: "You were sold for nothing, and you will be redeemed without money." Nokuti zvanzi naJehovha, “Wakatengeswa pasina mutengo, uye uchadzikinurwa pasina mari.”
4 For this is what the Sovereign Father says: "At first my people went down to Egypt to live there as foreigners, and Assyria oppressed them for nothing. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Pakutanga vanhu vangu vakaenda kuIjipiti kundogarako; iye zvino Asiria inovamanikidza.
5 "And now, what is this?" declares our Father, "seeing that my people are taken away for nothing? Their rulers wail," declares our Father, "and continually, all day long, my name is despised. “Uye zvino ndinei pano?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vanhu vangu vakabviswa pasina, uye avo vanovatonga vanovaseka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye zuva rose zita rangu rinogara richimhurwa.
6 Therefore my people will know my name; therefore in that day they will know that it is I who speak; here I am." Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu; naizvozvo pazuva iro vachaziva kuti ndini ndakazvitaura. Hongu, ndini iye.”
7 How beautiful on the mountains are the feet of the messenger who brings good news, who proclaims peace, who brings good news of good things, who proclaims salvation, who says to Zion, "Your Father reigns!" Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!”
8 Listen! Your watchmen lift up their voices; together they shout for joy, for with their own eyes they will see our Father returning to Zion. Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo; vanopembera nomufaro pamwe chete. Panodzokera Jehovha kuZioni, vachazviona nameso avo pachavo.
9 Burst into song together, you ruins of Jerusalem, for our Father has comforted his people; he has redeemed Jerusalem. Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake, akadzikinura Jerusarema.
10 Our Father has bared his holy arm in the sight of all the nations, and all the ends of the earth will see the salvation of our Father. Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene pamberi pendudzi dzose, uye magumo ose enyika achaona ruponeso rwaMwari wedu.
11 Leave! Leave! Go out from there; touch no unclean thing; go out from among them; purify yourselves, you who carry the vessels of our Father. Ibvai, ibvai, budai ikoko! Musabata chinhu chine tsvina! Budaimo mugova vakachena, imi munotakura midziyo yaJehovha.
12 For you will not go out in haste, nor will you flee; for our Father will go before you, and our Father will be your rear guard. Asi hamungazobudi nokukurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai, Mwari waIsraeri achakurindai mushure.
13 See, my servant will act wisely; he will be raised and lifted up and highly exalted. Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri; achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo.
14 Just as many were appalled at him—his appearance was so disfigured beyond that of any man, and his form beyond that of any human being, Sezvo vazhinji vakashamiswa naye, chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake, uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu,
15 so he will sprinkle many nations; kings will shut their mouths because of him. For what they were not told, they will see, and what they had not heard, they will understand. saka iye achasasa ndudzi zhinji, uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake. Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona, uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]