Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 23 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The oracle concerning Tyre: Wail, you ships of Tarshish, for your harbor is destroyed, left without house or haven. From the land of Cyprus the news has reached them. Chirevo pamusoro peTire: Ungudzai imi zvikepe zveTashishi! Nokuti Tire raparadzwa uye rasiyiwa risina imba kana pangamira zvikepe. Shoko rakasvika kwavari richibva kunyika yeSaipurasi.
2 Be silent, you who live on the coast, you merchants of Sidon, whose messengers cross the sea. Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi nemi vatengesi veSidhoni, imi makapfumiswa navashambadzi vomunyanza.
3 Across the great waters came the grain of Shihor, the harvest of the Nile—this was her revenue; and she became the marketplace of the nations. Pamusoro pemvura zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa; mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire, uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi.
4 Be ashamed, Sidon, for the sea has spoken, the stronghold of the sea, saying: "I have not labored nor given birth, I have not raised young men nor brought up young women." Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”
5 When the report reaches Egypt, they will writhe in anguish at the news about Tyre. Panosvika shoko kuIjipiti, vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire.
6 Cross over to Tarshish; wail, you who live on the coast. Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.
7 Is this your jubilant city, whose origins go back to ancient times, whose feet carried her to settle in distant lands? Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here, guta rakare kare, rakaendeswa kure kure netsoka dzaro kundogara kunyika iri kure?
8 Who has planned this against Tyre, the bestower of crowns, whose merchants were princes, whose traders were the honored of the earth? Ndianiko akarongera Tire izvozvi, iro raipa korona, vatengesi varo vari machinda, vashambadziri varo vane mukurumbira munyika?
9 The Father of heaven's armies has planned it—to defile all glorious pride, to humble all the honored of the earth. Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo, kuti adzikise kuzvikudza kwekukudzwa kwose, uye kuti aninipise vose vane mukurumbira panyika.
10 Flow over your land like the Nile, daughter of Tarshish; there is no harbor any longer. Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi, iwe mwanasikana weTashishi, nokuti hauchina panomira zvikepe.
11 He has stretched out his hand over the sea; he has shaken the kingdoms. Our Father has given the command concerning Canaan to destroy her strongholds. Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye akaita kuti ushe hwaro hudedere. Akarayira pamusoro peKenani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.
12 He said, "You will no longer rejoice, violated virgin daughter of Sidon. Arise, cross over to Cyprus; even there you will find no rest." Akati, “Mafaro ako haachazovapozve, iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa! “Simuka uyambukire kuSaipurasi; Kunyange naikoko haundowani zororo.”
13 Look at the land of the Babylonians! This is the people who are no more; Assyria gave it over to desert creatures. They raised their siege towers, they stripped its palaces bare, they made it a ruin. Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo.
14 Wail, you ships of Tarshish, for your stronghold is destroyed. Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa!
15 In that day Tyre will be forgotten for seventy years, like the lifetime of one king. At the end of seventy years, Tyre's fate will be like the song of the prostitute: Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:
16 "Take a harp, go about the city, forgotten prostitute; play sweetly, sing many songs, so that you may be remembered." “Tora rudimbwa, ufambe nomuguta, iwe chifeve chakakanganikwa; ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji, kuitira kuti ugorangarirwa.”
17 At the end of seventy years, our Father will turn his attention to Tyre, and she will return to her earnings, prostituting herself with all the kingdoms of the world across the earth. Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzokerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika.
18 But her profit and her earnings will be set apart as holy to our Father. It will not be stored up or hoarded; her profit will go to those who live before our Father, for abundant food and fine clothing. Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]