Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 An oracle concerning the Valley of Vision. What is the matter with you now, that you have all gone up to the rooftops, Chirevo pamusoro poMupata weChiratidzo: Chii chinokutambudzai zvino, zvokuti mose makwira pamusoro pamatenga edzimba?
2 you town full of noise, you wild, chaotic city, you reveling town? Your dead were not killed by the sword, nor did they die in battle. Haiwa guta rizere nemheremhere, haiwa guta renyonganyonga nokupembera? Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo, kana kufira muhondo.
3 All your rulers fled together; they were captured without a bow being drawn. All of you who were found were taken captive together, though you had fled far away. Vatungamiri vako vose vatiza pamwe chete; vabatwa pasina kushandiswa uta. Mose imi makabatwa mukaitwa vasungwa pamwe chete, kunyange makanga matiza muvengi achiri kure.
4 So I said, "Look away from me; let me weep bitterly. Do not try to comfort me over the ruin of the daughter of my people." Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni; regai ndicheme kwazvo. Musaedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.”
5 For the Father of heaven's armies has a day of tumult and trampling and confusion in the Valley of Vision—walls battered down and a cry for help echoing to the mountains. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, ane zuva renyonganyonga nerokutsikira pasi nokutyisa muMupata woKuratidza, zuva rokukoromorera masvingo pasi nerokudanidzira kumakomo.
6 Elam took up the quiver with chariots and horsemen, and Kir bared their shields. Eramu anotora goba, pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro; Kiri anofudugura nhoo.
7 Your choicest valleys were full of chariots, and the horsemen took their positions at the gates. Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro, uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta;
8 Our Father stripped away the defenses of Judah. And in that day you looked to the weapons in the House of the Forest, kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa. Uye pazuva iro makatarira, kuzvombo muMuzinda weSango;
9 and you saw how many breaches there were in the city of David. You collected the water of the lower pool, makaona kuti Guta raDhavhidhi raiva napakakoromoka pakawanda munzvimbo dzokudzivirira; makazvichengetera mvura muDziva reZasi.
10 and you counted the houses of Jerusalem and tore some down to fortify the wall. Makaverenga dzimba muJerusarema, mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo.
11 You built a reservoir between the two walls for the water of the old pool, but you did not look to the One who made it, nor consider our Father who planned it long ago. Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri, kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare, asi hamuna kutarira kuna Iye akariita, kana kuva nehanya naIye akazvironga kare.
12 In that day the Father of heaven's armies called for weeping and mourning, for shaved heads and mourning clothes. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, akakudaidzai pazuva iro kuti mucheme uye muungudze, kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga.
13 But instead there was joy and celebration, slaughtering cattle and killing sheep, eating meat and drinking wine: "Let us eat and drink, for tomorrow we die!" Asi tarirai, kune mufaro nokupembera, kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai, kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini! Munoti, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa!”
14 The Father of heaven's armies has revealed this to me: "Surely this sin will not be wiped away from you until you die," says the Father of heaven's armies. Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
15 This is what the Father of heaven's armies says: Go to this steward, Shebna, who is over the household, and say to him: Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose: “Enda, undoti kumutariri uyu, kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari:
16 What are you doing here, and who gave you the right to be here, that you have cut out a tomb for yourself here—carving your grave high up on the heights, chiseling your resting place in the rock? Uri kuitei pano uye ndiani akakupa mvumo yokuti uzvicherere rinda pano, uchizvivezera rinda rako pakakwirira nokuzvivezera nzvimbo yako yokuzorora mudombo?
17 Look, our Father is about to hurl you away violently, you strong man; he will seize firm hold of you. “Hokoyo, Jehovha ava kuda kukuti dzvi, agokurasira kure, iwe murume wesimba.
18 He will wind you up tightly and fling you like a ball into a vast open land. There you will die, and there your splendid chariots will lie—you disgrace to your master's house. Achakupomba-pomba sebhora agokukanda munyika yakakura. Ndimo mauchafira, uye ngoro dzako dzine mbiri dzichasara imomo, iwe wokunyadzisa imba yatenzi wako!
19 I will depose you from your office, and you will be pulled down from your post. Ndichakudzinga pabasa rako, uye uchatandaniswa panzvimbo yako.
20 In that day I will summon my servant Eliakim son of Hilkiah, “Pazuva iro ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikia.
21 I will clothe him with your robe and fasten your sash on him, and I will hand your authority over to him. He will be a father to the people of Jerusalem and to the house of Judah. Ndichamupfekedza nguo yako ndigomusimbisa nebhanhire rako uye ndigoisa masimba ako pamusoro pake. Achava baba kuna vagere muJerusarema nokuimba yaJudha.
22 I will place the key of the house of David on his shoulder; what he opens no one will shut, and what he shuts no one will open. Ndichaisa papfudzi rake kiyi yeimba yaDhavhidhi; chaanenge azarura hapana angapfiga, uye chaanenge apfiga hapana angazarura.
23 I will drive him in like a peg in a firm place, and he will become a seat of honor for his father's house. Ndichamuroverera sembambo panzvimbo yakasimba; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.
24 They will hang on him the whole weight of his father's house—the offspring and the offshoots, every small vessel, from the bowls to all the jars. Mbiri yeimba yababa vake ichaturikwa paari; matavi namabukira, nemidziyo midiki yose, kubva pamikombe kusvikira pamakate ose.
25 In that day, declares the Father of heaven's armies, the peg driven into the firm place will give way; it will be cut down and fall, and the load hanging on it will be cut off—for our Father has spoken. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]