Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Hosea 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Whenever I try to heal Israel, the sin of Ephraim is uncovered, and the evils of Samaria; for they practice falsehood—the thief breaks in, the raiders plunder outside. Pose pandinoda kuporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvinoiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzinobudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira;
2 But they do not say in their hearts that I remember all their evil. Now their deeds surround them; they are before my face. asi havazivi kuti ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita. Zvivi zvavo zvinovakomberedza; zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose.
3 By their evil they make the king glad, and the princes by their lies. “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, machinda nenhema dzavo.
4 They are all adulterers, like an oven heated by the baker, who stops stirring the fire from the kneading of the dough until it is leavened. Vose imhombwe, vanopisa sechoto, moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira, kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta.
5 On the day of our king the princes made themselves sick with the heat of wine; he joined hands with mockers. Pazuva romutambo wamambo wedu machinda anorwara nokuda kwewaini, uye iye akabatana navaseki.
6 For they draw near with hearts burning like an oven as they lie in wait; all night their anger smolders, and in the morning it blazes like a flaming fire. Mwoyo yavo yakafanana nechoto; vanouya kwaari nounyengeri, ruchiva rwavo runonyeketa somoto usiku hwose; mangwanani ruchizopfuta serimi romoto.
7 They are all hot as an oven, and they devour their rulers. All their kings have fallen; none of them calls upon me. Vose zvavo vanopisa sechoto; vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose anowira pasi, uye hapana kana mumwe wavo anodana kwandiri.
8 Ephraim mixes himself among the peoples; Ephraim is a flat cake not turned over. “Efuremu anovhengana namarudzi; Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa.
9 Strangers devour his strength, and he does not know it; gray hairs are sprinkled upon him, and he does not know it. Vatorwa vakamusveta simba rake, asi iye haazvizivi. Bvudzi rake rava kuchena, asi iye haazvicherechedzi.
10 The pride of Israel testifies to his face, yet they do not return to their Father, nor seek him, in all of this. Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa, asi kunyange zvakadaro haadzoki kuna Jehovha Mwari wake kana kumutsvaka.
11 Ephraim has become like a dove, silly and without sense, calling to Egypt, going to Assyria. “Efuremu akaita senjiva, inonyengereka zviri nyore uye isina njere, zvino anodana kuIjipiti, mushure anoenda kuAsiria.
12 As they go, I will spread my net over them; I will bring them down like the birds of the sky. I will discipline them as their assembly was warned. Pavachaenda, ndichakandira mumbure pamusoro pavo; ndichavakwevera pasi seshiri dzedenga. Pandichavanzwa vachibhururuka pamwe chete, ndichavabata.
13 Woe to them, for they have strayed from me! Destruction to them, for they have rebelled against me! I would redeem them, but they speak lies against me. Vane nhamo, nokuti vakarasika vachibva kwandiri! Ngavaparadzwe, nokuti vakandipandukira! Ndinoshuva kuvadzikinura, asi vanondirevera nhema.
14 They do not cry to me from their heart, but they wail upon their beds; for grain and new wine they gash themselves; they turn away from me. Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo, asi vanoungudza vari panhoo dzavo. Vanounganira zviyo newaini itsva asi vanondifuratira.
15 Although I trained and strengthened their arms, yet they devise evil against me. Ndakavadzidzisa ndikavasimbisa, asi vanorangana kundiitira zvakaipa.
16 They turn, but not upward; they have become like a slack bow. Their princes will fall by the sword for the insolence of their tongue; this will make them a laughingstock in the land of Egypt. Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro; vakafanana nouta hunonyengera. Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo, nokuda kwamashoko avo ounhubu. Nokuda kwaizvozvi vachasekwa munyika yeIjipiti.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]