Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 46 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So Israel set out with all he had, came to Beersheba, and sacrificed to our Father, whom his father Isaac had worshiped. Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.
2 And our Father spoke to Israel in visions of the night, "Jacob, Jacob." He said, "Here I am." Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.”
3 He said, "I am your Father, whom your father worshiped. Do not be afraid to go down to Egypt, for there I will make you a great nation. Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko.
4 I myself will go down with you to Egypt, and I will surely bring you back; and Joseph's own hand will close your eyes." Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.”
5 Jacob set out from Beersheba. Israel's sons carried their father Jacob, their little ones, and their wives in the wagons Pharaoh had sent for him. Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure.
6 They took their livestock and the goods they had acquired in the land of Canaan, and came to Egypt—Jacob and all his offspring with him. Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti.
7 His sons and grandsons, daughters and granddaughters—all his offspring he brought with him to Egypt. Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose.
8 These are the names of Israel's sons who came into Egypt—Jacob and his sons: Reuben, Jacob's firstborn. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho.
9 The sons of Reuben: Hanoch, Pallu, Hezron, and Carmi. Vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKami.
10 The sons of Simeon: Jemuel, Jamin, Ohad, Jachin, Zohar, and Shaul the son of a Canaanite woman. Vanakomana vaSimeoni vaiva: Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani.
11 The sons of Levi: Gershon, Kohath, and Merari. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.
12 Judah's sons: Er, Onan, Shelah, Perez, Zerah; but Er and Onan died in Canaan. Perez's sons: Hezron and Hamul. Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.
13 The sons of Issachar: Tola, Puvah, Iob, and Shimron. Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi.
14 The sons of Zebulun: Sered, Elon, and Jahleel. Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri.
15 These are Leah's sons, born to Jacob in Paddan-aram, with his daughter Dinah; his sons and daughters numbered thirty-three. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.
16 The sons of Gad: Ziphion, Haggi, Shuni, Ezbon, Eri, Arodi, and Areli. Vanakomana vaGadhi vaiva: Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri.
17 Asher's sons: Imnah, Ishvah, Ishvi, Beriah, and their sister Serah. Beriah's sons: Heber and Malchiel. Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yakanga iri Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri.
18 These are the sons of Zilpah, whom Laban gave to his daughter Leah; she bore these to Jacob—sixteen in all. Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete.
19 The sons of Rachel, Jacob's wife: Joseph and Benjamin. Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva: Josefa naBhenjamini.
20 Manasseh and Ephraim were born to Joseph in Egypt by Asenath, daughter of Potiphera, priest of On. MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni.
21 The sons of Benjamin: Bela, Becher, Ashbel, Gera, Naaman, Ehi, Rosh, Muppim, Huppim, and Ard. Vanakomana vaBhenjamini vaiva: Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi.
22 These are the sons of Rachel who were born to Jacob—fourteen persons in all. Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaRakeri vakanga vaberekerwa Jakobho, gumi navana pamwe chete.
23 The sons of Dan: Hushim. Mwanakomana waDhani aiva: Hushimi.
24 The sons of Naphtali: Jahzeel, Guni, Jezer, and Shillem. Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi.
25 These are Bilhah's sons, whom Laban gave to his daughter Rachel; she bore these to Jacob—seven in all. Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete.
26 Jacob's direct descendants who came to Egypt—excluding his sons' wives—totaled sixty-six. Vose vakaenda naJakobho kuIjipiti, vaya vakanga vari zvizvarwa zvake chaizvo, tisingaverengi vakadzi vavanakomana vake, vaiva vanhu makumi matanhatu navatanhatu pakuwanda.
27 Joseph had two sons born in Egypt. Jacob's household that came to Egypt numbered seventy in all. Pamwe chete navanakomana vaviri vakaberekerwa Josefa muIjipiti, vose vemhuri yaJakobho, avo vakaenda kuIjipiti, vakanga vari makumi manomwe pamwe chete.
28 Jacob sent Judah ahead to Joseph to lead the way to Goshen; they reached the land of Goshen. Zvino Jakobho akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti aratidzwe nzira yokuenda nayo kuGosheni. Vakati vasvika mudunhu reGosheni,
29 Joseph readied his chariot and went up to Goshen to meet his father Israel. He appeared to him, fell on his neck, and wept on his neck a long time. Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu.
30 Israel said to Joseph, "Now let me die, since I've seen your face and you're still alive." Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.”
31 Joseph told his brothers and his father's household, "I will go up and tell Pharaoh, and say to him, 'My brothers and my father's household, who were in Canaan, have come to me. Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri.
32 The men are shepherds, for they have been keepers of livestock; they've brought their flocks, herds, and all they have.' Vanhu ava vafudzi; vanochengeta zvipfuwo, uye vauya namakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo.’
33 When Pharaoh calls you and says, 'What is your occupation?' Pamunodanwa naFaro uye akakubvunzai achiti, ‘Basa renyu ndereiko?’
34 you will say, 'Your servants have raised livestock from our youth until now, we and our fathers,' so you may settle in Goshen; for every shepherd is detestable to the Egyptians." imi munofanira kupindura muchiti, ‘Varanda venyu vaiva vachengeti vezvipfuwo kubvira pauduku hwavo, sezvakanga zvichiitawo madzibaba edu.’ Ipapo muchatenderwa kugara munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza kuvaIjipita.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]