Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 45 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Joseph could not control himself before everyone standing by him, so he cried out, "Send everyone away from me!" No one stayed with him when Joseph made himself known to his brothers. Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, “Munhu wose ngaabve pamberi pangu!” Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake.
2 He wept so loudly that the Egyptians heard it, and Pharaoh's household heard it. Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo.
3 Joseph said to his brothers, "I am Joseph! Is my father still alive?" His brothers could not answer him, for they were terrified at his presence. Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
4 Joseph said to his brothers, "Please, come close to me." They came close. He said, "I am your brother Joseph, whom you sold into Egypt. Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti!
5 Now don't be distressed or angry with yourselves for selling me here, since our Father sent me ahead of you to preserve life. Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu.
6 Famine has been in the land two years now; five more years remain with no plowing or harvest. Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa.
7 Our Father sent me ahead of you to preserve a remnant for you on earth, and keep you alive as a great band of survivors. Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru.
8 So now, it wasn't you who sent me here, but our Father—he made me father to Pharaoh, lord of all his household, and ruler over all the land of Egypt. “Saka zvino, hamusimi makandituma kuno, asi Mwari. Akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose.
9 Hurry, go up to my father, tell him: Your son Joseph says: Our Father has made me lord of all Egypt. Come down to me; don't delay. Zvino kurumidzai mudzokere kuna baba vangu mundoti kwavari, ‘Zvanzi nomwanakomana wenyu Josefa: Mwari akandiita ishe weIjipiti yose. Burukai muuye kwandiri; musanonoka.
10 You'll live in Goshen, near me—you, your children, your children's children, your flocks, your herds, all you own. Muchandogara munyika yeGosheni muve pedyo neni, imi, vana venyu navazukuru venyu, zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu nezvose zvamunazvo.
11 I will provide for you there—five years of famine remain—so you, your household, and all you own don't fall into poverty. Ndichakuriritirai ikoko, nokuti mamwe makore mashanu enzara ari kuuya. Kana zvikasadaro imi neveimba yenyu navose vamunavo mungazova varombo.’
12 Your eyes see, and my brother Benjamin's eyes see, that it is my own mouth speaking to you. “Muri kuzvionera pachenyu, uye kana mununʼuna wangu uyu Bhenjamini, kuti ndini chaiye ari kutaura nemi.
13 Tell my father all my honor in Egypt, and all you have seen. Hurry and bring my father down here. Muudze baba vangu pamusoro pokukudzwa kwangu muIjipiti uye napamusoro pezvinhu zvose zvamaona. Uye muuye nababa vangu kuno nokukurumidza.”
14 Then he threw his arms around his brother Benjamin and wept, and Benjamin wept on his neck." Ipapo akawira pamutsipa womununʼuna wake Bhenjamini akachema, uye Bhenjamini akamumbundikirawo achichema.
15 He kissed all his brothers and wept over them. After that his brothers talked with him. Uye akatsvoda madzikoma ake ose uye akachema pamusoro pavo. Shure kwaizvozvo, madzikoma ake akataura naye.
16 News reached Pharaoh's house: "Joseph's brothers have come." It pleased Pharaoh and his officials. Shoko rakati rasvika kumuzinda waFaro kuti madzikoma aJosefa akanga auya, Faro namachinda ake ose vakafara.
17 Pharaoh said to Joseph, "Say to your brothers: do this—load your animals, go, return to the land of Canaan. Faro akati kuna Josefa, “Taurira hama dzako uti, ‘Itai izvi: Takudzai zvipfuwo zvenyu mudzokere kunyika yeKenani,
18 Take your father and your households and come to me. I will give you the best of Egypt's land, and you will eat the richness of the land. mundouya nababa venyu uye nemhuri kuno kwandiri. Ndichakupai nyika yakaisvonaka yeIjipiti uye mugofara nezvakakora zvenyika.’
19 You are commanded: tell them, 'Do this—take wagons from Egypt for your children and wives, bring your father, and come. “Iwe unorayirwawo kuti uvaudze kuti, ‘Itai izvi: Torerai vana navakadzi venyu dzimwe ngoro dzinobva muIjipiti uye mundotora baba venyu mugodzoka.
20 Don't worry about your belongings—the best of all Egypt's land is yours.'" Musafunganya henyu nezvenhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvose zveIjipiti zvichava zvenyu.’ ”
21 The sons of Israel did so; Joseph gave them wagons per Pharaoh's order, and gave them provisions for the road. Saka vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvakanga zvarayirwa naFaro, uye akavapawo mbuva yorwendo rwavo.
22 He gave each a change of clothes, but Benjamin 300 pieces of silver and five changes of clothes. Akapa mumwe nomumwe wavo nguo itsva, asi akapa Bhenjamini mazana matatu amashekeri esirivha nenguo shanu dzokupfeka.
23 He sent his father ten donkeys loaded with Egypt's best, and ten female donkeys loaded with grain, bread, and food for his journey. Uye izvi ndizvo zvaakatumira kuna baba vake: Mbongoro hono gumi dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, nembongoro hadzi gumi dzakanga dzakatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvembuva yorwendo.
24 He sent his brothers off; as they left, he said, "Don't quarrel on the way." Ipapo akaendesa hama dzake uye pavakanga voenda akati kwavari, “Musakakavadzana munzira!”
25 So they left Egypt and came to their father Jacob in Canaan. Saka vakabuda muIjipiti uye vakaenda vakandosvika kuna baba vavo Jakobho kunyika yeKenani.
26 They told him, "Joseph is still alive—ruler over all Egypt!" But his heart went numb; he didn't believe them. Uye vakati kwavari, “Josefa mupenyu! Uye ndiye mutongi weIjipiti yose.” Jakobho akati rukutu; haana kuvatenda.
27 But when they told him all Joseph's words to them, and he saw the wagons Joseph sent to carry him, their father Jacob's spirit revived. Asi pavakavaudza zvose zvakanga zvarehwa naJosefa kwavari, uye paakaona ngoro dzakanga dzatumirwa kwavari naJosefa kuti dzizovatakura, mweya wababa wavo Jakobho wakamutsiridzwa.
28 Israel said, "Enough! Joseph my son is still alive. I will go and see him before I die." Uye Israeri akati, “Ndagutsikana! Mwana wangu Josefa achiri mupenyu. Ndichaenda kundomuona ndisati ndafa.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]