Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 47 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Joseph came and told Pharaoh, "My father and my brothers, with their flocks, herds, and all they own, have come from Canaan. They are now in Goshen." Josefa akaenda akandoudza Faro akati, “Baba vangu namadzikoma angu, pamwe chete nezvipfuwo zvavo uye nemombe dzavo nezvavo zvose, vauya vachibva kunyika yeKenani uye vava muGosheni zvino.”
2 From among his brothers he took five men and presented them to Pharaoh. Akasarudza vashanu pamadzikoma ake akavaendesa pamberi paFaro.
3 Pharaoh asked Joseph's brothers, "What is your work?" They told Pharaoh, "Your servants tend sheep, we and our fathers alike." Faro akabvunza madzikoma aJosefa akati, “Basa renyu ndereiko?” Ivo vakapindura Faro vakati, “Varanda venyu vafudzi, sezvakanga zvakangoita madzibaba edu.”
4 They said to Pharaoh, "We came to live in this land as foreigners, since there's no pasture for your servants' flocks—the famine is severe in Canaan. Now please let your servants settle in Goshen." Vakatizve kwaari, “Tauya kuzogara kuno kwechinguva, nokuti nzara yakanyanya muKenani uye zvipfuwo zvavaranda venyu hazvisisina mafuro. Saka zvino, tapota regai varanda venyu vagare muGosheni.”
5 Pharaoh said to Joseph, "Your father and your brothers have come to you. Faro akati kuna Josefa, “Baba vako namadzikoma ako vauya kwauri,
6 Egypt lies before you. Settle your father and brothers in the best of the land—let them live in Goshen. If you know capable men among them, put them in charge of my livestock." uye nyika yeIjipiti iri pamberi pako; garisa baba vako namadzikoma ako panzvimbo yakanakisisa munyika ino. Ngavagare muGosheni. Uye kana uchiziva kuti pakati pavo pane vamwe vane zvavanokwanisa kuita, uvaite kuti vave vatariri vezvipfuwo zvangu.”
7 Then Joseph brought his father Jacob in and presented him to Pharaoh, and Jacob blessed Pharaoh. Ipapo akapinza baba vake Jakobho akavaendesa pamberi paFaro. Shure kwokuropafadzwa kwaFaro naJakobho,
8 Pharaoh asked Jacob, "How many years have you lived?" Faro akavabvunza akati, “Mava namakore manganiko?”
9 Jacob answered Pharaoh, "My years as a wanderer are 130. Few and hard, they haven't reached my fathers' years of wandering." Uye Jakobho akati kuna Faro, “Makore okufamba kwangu panyika izana namakumi matatu. Makore angu akanga ari mashoma uye akaoma, uye haaenzani namakore okufamba kwamadzibaba angu.”
10 Then Jacob blessed Pharaoh and went out from his presence. Ipapo Jakobho akaropafadza Faro akabva pamberi pake.
11 So Joseph settled his father and brothers, giving them land in Egypt's best territory, the region of Rameses, as Pharaoh had ordered. Saka Josefa akagarisa baba vake namadzikoma ake munyika yeIjipiti uye akavapa nzvimbo mudunhu rakanakisisa munyika, dunhu reRamasesi, sokurayira kwaFaro.
12 Joseph fed his father, his brothers, and all his father's household, by the number of their children. Josefa akapa baba vake namadzikoma ake navose veimba yababa vake zvokudya, zvakaenzana nouwandu hwavana vavo.
13 No food remained in all the land, for the famine was very severe, and the land of Egypt and land of Canaan wasted from the famine. Kunyange zvakadaro, kwakanga kusina zvokudya munyika yose nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzakaziya nokuda kwenzara.
14 Joseph gathered all the silver found in the land of Egypt and the land of Canaan for the grain they were buying, and Joseph brought the silver into Pharaoh's house. Josefa akaunganidza mari yose yaiwanikwa muIjipiti neKenani yomuripo wezviyo zvavaitenga, uye akaenda nayo kumuzinda waFaro.
15 When the silver ran out in the land of Egypt and land of Canaan, all the Egyptians came to Joseph, saying, "Give us food! Why should we die before you? Since silver is gone." Mari yavanhu veIjipiti nevokuKenani yakati yapera, vanhu veIjipiti yose vakauya kuna Josefa vakati, “Tipei zvokudya. Tofireiko pamberi penyu? Mari yedu yapera.”
16 Joseph answered, "Turn over your livestock; I'll give you food in exchange for your livestock, since your silver's gone." Ipapo Josefa akati, “Uyai nezvipfuwo zvenyu. Ndichakutengeserai zvokudya ndichitsinhanisa nezvipfuwo zvenyu, sezvo mari yenyu yapera.”
17 They brought their livestock to Joseph, and he gave them bread for the horses, flocks, herds, and donkeys. He provided them bread that year for all their livestock. Saka vakauya nezvipfuwo zvavo kuna Josefa, uye akavapa zvokudya achitsinhanisa namabhiza avo, makwai nembudzi dzavo, mombe nembongoro dzavo. Uye akavabudisa mugore iro nezvokudya zvokutsinhana nezvipfuwo zvavo zvose.
18 That year ended, and they came to him the second year and said, "We can't hide from my lord that our silver is gone and the livestock belong to my lord; nothing is left for my lord but our bodies and our land. Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari mugore rakatevera vakati, “Hatingavanziri ishe wedu chokwadi chokuti sezvo mari yedu yakapera uye zvipfuwo zvedu zvava zvenyu, hapasisina chasara chatingapa ishe wedu kunze kwemiviri yedu nenyika yedu.
19 Why die before your eyes—we and our land? Buy us and our land for food; we and our land will serve Pharaoh. Give us seed to live, not die, and keep the land from turning desolate." Tichafireiko pamberi penyu, isu nenyika yeduwo? Titengei isu nenyika yedu titsinhane nezvokudya, uye isu nenyika yedu tichava varanda vaFaro. Tipeiwo mbeu kuitira kuti tirarame uye tirege kufa, uye kuti nyika irege kuparara.”
20 So Joseph bought all Egypt's land for Pharaoh, because each Egyptian sold his field—the famine was too severe for them. The land became Pharaoh's. Saka Josefa akatengera Faro nyika yose iri muIjipiti. VaIjipita vakatengesa, mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo. Nyika yakava yaFaro,
21 He moved the people into the cities, from one end of Egypt to the other. uye Josefa akaita kuti vanhu vave varanda kubva kuna mamwe magumo eIjipiti kusvikira kuna mamwe.
22 Only he did not buy the priests' land, since Pharaoh gave them a fixed portion they lived on; so they did not sell their land. Kunyange zvakadaro hazvo, haana kutenga nyika yavaprista, nokuti ivo vaigamuchira migove nguva dzose kubva kuna Faro uye vakanga vane zvokudya zvakakwana kubva pamugove wavaipiwa naFaro. Ndokusaka vasina kutengesa nyika yavo.
23 Joseph told the people, "Look, I have bought you and your land for Pharaoh today. Here's seed—sow the land. Josefa akati kuvanhu, “Zvino zvandakutengai nhasi imi nenyika yenyu kuti muve vaFaro, heyi mbeu yokuti mudyare muminda.
24 At harvest, give Pharaoh a fifth; keep four parts as seed for the field and food for you, your households, and your children." Asi pamunokohwa, mupe chikamu chimwe chete kubva muzvishanu chazvo kuna Faro. Zvimwe zvikamu zvina kubva muzvishanu mungazvichengeta henyu sembeu dzomuminda nezvokudya zvenyu navari mudzimba dzenyu navana venyu.”
25 They said, "You saved our lives. May we find favor in my lord's eyes, and we will be Pharaoh's slaves." Ivo vakati, “Makaponesa upenyu hwedu. Ngatiwanei hedu nyasha pamberi penyu ishe wedu; tichava varanda kuna Faro.”
26 So Joseph made it law in Egypt—still in force today—that a fifth goes to Pharaoh. Only the priests' land did not become Pharaoh's. Saka Josefa akasimbisa izvi somurayiro pamusoro penyika muIjipiti, murayiro uyu uchiri kushanda nanhasi, kuti chikamu chimwe chete kubva muzvishanu chezvibereko ndechaFaro. Nyika yavaprista bedzi ndiyo yakanga isiri yaFaro.
27 Israel lived in Egypt's land, in Goshen's land. They gained property there, and were fruitful and multiplied greatly. Zvino vaIsraeri vakagara muIjipiti mudunhu reGosheni. Vakawana pfuma ikoko, vakabereka vana uye vakawanda zvikuru.
28 Jacob lived in Egypt seventeen years; his life totaled 147 years. Jakobho akagara muIjipiti kwamakore gumi namanomwe, uye akararama kwamakore zana namakumi mana namanomwe.
29 When Israel's time to die drew near, he called his son Joseph and said, "If I have found favor with you, please put your hand under my thigh and show me faithful love and loyalty. Please don't bury me in Egypt, Nguva yokufa kwaIsraeri yakati yaswedera, akadana mwanakomana wake Josefa uye akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, isa ruoko rwako pasi pechidya changu uye ugovimbisa kuti uchandinzwira ngoni uye uchava wakatendeka. Usandiviga muIjipiti,
30 but let me lie with my fathers. Carry me out of Egypt and bury me in their tomb." Joseph said, "I will do as you say." asi pandinozorora namadzibaba angu, mundibudise muIjipiti munondiviga pavakavigwa.” Iye akati, “Ndichaita sezvamareva.”
31 Jacob said, "Swear to me." Joseph swore to him. Then Israel bowed at the head of his bed. Ivo vakati, “Ndipikire.” Ipapo Josefa akapika kwaari, uye Israeri akanamata akasendamira pamusoro wetsvimbo yake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]