Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 48 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After this, Joseph was told, "Look, your father is sick." So he took his two sons, Manasseh and Ephraim. Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa kuti, “Baba vako vanorwara.” Saka akatora vanakomana vake vaviri Manase naEfuremu pamwe chete naye.
2 Jacob was told, "Look, your son Joseph has come to you." Israel mustered his strength and sat up on the bed. Jakobho akati audzwa kuti, “Mwanakomana wako Josefa auya,” Israeri akazvisimbaradza uye akagara panhoo.
3 Jacob told Joseph, "El Shaddai—our Father Almighty—appeared to me at Luz in the land of Canaan and blessed me. Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari Wamasimba Ose akazviratidza kwandiri paRuzi munyika yeKenani, uye akandiropafadza ipapo,
4 He said to me, 'I will make you fruitful, multiply you, and make you into a group of peoples; I will give this land to your offspring after you as an everlasting possession.' uye akati kwandiri, ‘Ndichakuita kuti ubereke vana uye ndichaita kuti muwande. Ndichakuita vanhu vazhinji, uye ndichakupa nyika ino kuti ive yako nokuzvizvarwa zvako nokusingaperi.’
5 Now, your two sons born to you in Egypt before I came to you here are mine. Ephraim and Manasseh will be mine, like Reuben and Simeon. “Ipapo zvino, vanakomana vako vaviri vawakaberekerwa muIjipiti ndisati ndasvika kwauri kuno vachanzi ndevangu; Efuremu naManase vachava vangu, saRubheni naSimeoni vari vangu.
6 But children you father after them are yours; they'll be called under their brothers' names in their inheritance. Vana vose vawakaberekerwa mumashure mavo vachava vako; munyika yavo yenhaka vachazivikanwa pasi pamazita amadzikoma avo.
7 As for me, when I came from Paddan, Rachel died beside me in the land of Canaan, on the way, still some distance from Ephrath; I buried her there on the way to Ephrath" (that is, Bethlehem). Pandakanga ndichibva kuPadhani, ndakasuwa nokuti Rakeri akafira munyika yeKenani patakanga tichiri munzira, nhambwe pfupi kubva kuEfurati. Saka ndakamuviga ipapo parutivi rwomugwagwa unoenda kuEfurati” (ndiro Bheterehema).
8 When Israel saw Joseph's sons, he said, "Who are these?" Israeri akati aona vanakomana vaJosefa, akabvunza akati, “Ndivanaani ava?”
9 Joseph said to his father, "These are my sons, whom our Father gave me here." He said, "Please bring them to me, so I may bless them." Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vandakapiwa kuno naMwari.” Ipapo Israeri akati, “Uya navo pano ndivaropafadze.”
10 Israel's eyes were dim with age—he couldn't see well. So Joseph brought them close to him, and he kissed and embraced them. Zvino meso aIsraeri akanga aneta nokuda kwokukwegura, uye akanga asisagoni kuona zvakanaka. Saka Josefa akauya navanakomana vake pedyo naye, baba vake vakavatsvoda uye vakavambundikira.
11 Israel told Joseph, "I never expected to see your face—now our Father has even let me see your offspring." Israeri akati kuna Josefa, “Handina kumbofunga kuti ndichaona chiso chakozve, uye zvino Mwari anditendera kuti ndione vana vakowo.”
12 Then Joseph took them from between his father's knees and bowed with his face to the ground. Ipapo Josefa akavabvisa pamabvi aIsraeri akakotama pasi nechiso chake.
13 Joseph took both—Ephraim in his right hand, toward Israel's left, Manasseh in his left, toward Israel's right—and brought them near him. Uye Josefa akavatora vose vari vaviri, Efuremu kurudyi kwake akatarira kuruoko rworuboshwe rwaIsraeri, uye Manase kuruboshwe, akatarira kuruoko rworudyi rwaIsraeri, uye akavaswededza pedyo navo.
14 Israel reached out his right hand and put it on Ephraim's head—the younger—then his left hand on Manasseh's head, crossing his hands—for Manasseh was the firstborn. Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi akaruisa pamusoro waEfuremu, kunyange zvake akanga ari muduku, uye akachinjika maoko ake, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, kunyange hazvo Manase akanga ari iye dangwe.
15 Then he blessed Joseph and said, "Our Father, before whom my fathers Abraham and Isaac walked—our Father who has been my shepherd all my life long to this day, Ipapo akaropafadza Josefa akati, “Mwari uyo madzibaba angu, ivo Abhurahama naIsaka, vakafamba pamberi pake, iye Mwari akanga ari mufudzi wangu upenyu hwangu hwose kusvikira nhasi,
16 the Messenger who has redeemed me from all evil—bless the boys. May my name live on in them, and the names of my fathers Abraham and Isaac; and may they grow into a multitude in the midst of the earth." Mutumwa akandisunungura kubva pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vakomana ava. Ngavadanwe nezita rangu uye namazita amadzibaba angu Abhurahama naIsaka, uye ngavawande zvikuru pamusoro penyika.”
17 Joseph saw his father's right hand on Ephraim's head; it upset him, so he grasped his father's hand to move it from Ephraim's head to Manasseh's head. Josefa paakaona baba vake vachiisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu haana kufadzwa nazvo; saka akabata ruoko rwababa vake kuti arubvise pamusoro waEfuremu aruise pamusoro waManase.
18 Joseph said to his father, "No, my father, for this is the firstborn—put your right hand on his head." Josefa akati kwavari, “Kwete, baba vangu, uyu ndiye dangwe; isai ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.”
19 But his father refused and said, "I know, my son, I know. He too will become a people, he too will be great. Yet his younger brother will be greater than him, and his descendants will become many nations." Asi baba vakaramba vakati, “Ndinozviziva, mwana wangu, ndinozviziva. Naiyewo achava rudzi, uye naiyewo achava mukuru. Kunyange zvakadaro hazvo muduku achava mukuru kupfuura iye, uye zvizvarwa zvake zvichava boka rendudzi zhinji.”
20 That day he blessed them, saying, "Israel will bless through you, saying, 'May our Father make you like Ephraim and like Manasseh.'" And he put Ephraim before Manasseh. Akavaropafadza pazuva iro akati, “Muzita rako, Israeri achataura ropafadzo iyi achiti: ‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’ ” Saka akaisa Efuremu pamberi paManase.
21 Israel said to Joseph, "Look, I am about to die, but our Father will be with you and bring you back to your fathers' land. Ipapo Israeri akati kuna Josefa, “Ndava pedyo nokufa, asi Mwari achava newe uye achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.
22 And to you, rather than to your brothers, I have given one mountain slope that I took from the hand of the Amorites with my sword and with my bow." Uye kwauri, sezvo uri munhu ari pamusoro pamadzikoma ako, ndinokupa mugove wenyika yandakatorera vaAmori nomunondo wangu uye nouta hwangu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]