Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 49 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jacob called his sons and said, "Gather, so I can tell you what will happen to you in the days ahead. Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya.
2 Assemble and listen, sons of Jacob; listen to Israel your father. “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho; teererai kuna baba venyu Israeri.
3 Reuben, you are my firstborn, my might and the firstfruits of my strength, excelling in dignity and excelling in power. “Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, unokunda mukukudzwa, unokunda musimba.
4 Unstable as water, you will not excel, because you went up to your father's bed; then you defiled it—he went up to my couch. Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve, nokuti wakakwira panhoo yababa vako, panhoo yangu uye ukaisvibisa.
5 Simeon and Levi are brothers; weapons of violence are their swords. “Simeoni naRevhi mukoma nomununʼuna, minondo yavo zvombo zvokurwa.
6 May I never enter their council; may my honor not be joined to their assembly. For in their anger they killed men, and in their willfulness they hamstrung oxen. Ngandirege kupinda parangano yavo, ngandirege kuva paungano yavo, nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavo uye vakagura marunda enzombe sezvavaida.
7 Cursed be their anger, for it is fierce, and their wrath, for it is cruel! I will divide them throughout Jacob and scatter them throughout Israel. Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai, uye hasha dzavo, dzaiva noutsinye kudai! Ndichavaparadzira muna Jakobho uye ndigovatsaura muna Israeri.
8 Judah, your brothers will praise you; your hand will be on the neck of your enemies; your father's sons will bow down before you. “Judha, hama dzako dzichakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako; vanakomana vababa vako vachakotama kwauri.
9 Judah is a lion's cub; from the prey, my son, you have come back. He stooped down; he crouched as a lion and as a lioness—who dares rouse him? Uri mwana weshumba, iwe Judha; unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu. Seshumba anonyangira uye anovata pasi, seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa?
10 The scepter will not depart from Judah, nor the ruler's staff from between his feet, until he comes to whom it belongs, and to him will be the obedience of the peoples. Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake, kusvikira asvika kumuridzi wawo, uye kuteerera kwendudzi ndokwake.
11 Binding his foal to the vine and his donkey's colt to the choice vine, he has washed his garments in wine and his robes in the blood of grapes. Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa, nomwana wayo padavi rakaisvonaka; achasuka nguo dzake muwaini, zvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
12 His eyes are darker than wine, and his teeth whiter than milk. Meso ake achasviba kupfuura waini, meno ake achachena kupfuura mukaka.
13 Zebulun will dwell at the shore of the sea; he will become a haven for ships, and his border will be at Sidon. “Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa uye achava zororo rezvikepe; muganhu wake uchasvika paSidhoni.
14 Issachar is a strong donkey, crouching between the sheepfolds. “Isakari imbongoro ine simba, ivete pasi pakati pamatanga amakwai.
15 He saw that a resting place was good and that the land was pleasant, so he bent his shoulder to the load and became a servant at forced labor. Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei uye kuti nyika yake inofadza sei, acharerekera pfudzi rake kumutoro uye achava mubatiri wechibharo.
16 Dan will judge his people as one of the tribes of Israel. “Dhani acharuramisira vanhu vake somumwe wamarudzi aIsraeri.
17 Dan will be a serpent in the road, a viper by the path, that bites the horse's heels so that his rider falls backward. Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa, semhakure iri munzira, inoruma chitsitsinho chebhiza kuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure.
18 I wait for your salvation, my Father. “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha.
19 Gad—raiders will raid him, but he will raid at their heels. “Gadhi acharohwa neboka ravapambi, asi achavarova pazvitsitsinho zvavo.
20 Asher's food will be rich, and he will yield royal delicacies. “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora; achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo.
21 Naphtali is a doe let loose that bears beautiful fawns. “Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa, inobereka tsvana dzakaisvonaka.
22 Joseph is a fruitful branch, a fruitful branch by a spring; his branches run over the wall. “Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa, unobereka uri pedyo netsime, matavi awo anokwira pamadziro.
23 The archers bitterly attacked him, shot at him, and harassed him severely. Neshungu vapfuri vanomurwisa; vanomupfura noruvengo.
24 Yet his bow remained unmoved; his arms were made agile by the hands of the Mighty One of Jacob—our Father—from there comes the Shepherd, the Stone of Israel. Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba, maoko ake akasimba, akagwinya, nokuda kworuoko rwaIye Anesimba waJakobho, nokuda kwoMufudzi, iye Dombo raIsraeri,
25 By the God of your father who will help you, by El Shaddai—the Almighty, our Father—who will bless you with blessings of heaven above, blessings of the deep that crouches beneath, blessings of the breasts and of the womb. nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira, nokuda kwoWamasimba Ose anokuropafadza namaropafadzo okumatenga kumusoro, maropafadzo okwakadzika kuri pasi, maropafadzo amazamu neechizvaro.
26 The blessings of your father are mighty beyond the blessings of my ancestors, reaching to the riches of the everlasting hills. May they be on the head of Joseph, and on the brow of him who was set apart from his brothers. Maropafadzo ababa vako makuru kupfuura maropafadzo amakomo ekare, kupfuura zvakawanda zvezvikomo zvamakore ekare. Zvose izvi ngazvigare pamusoro waJosefa, pamusoro womuchinda ari pakati pehama dzake.
27 Benjamin is a ravenous wolf, in the morning devouring the prey and at evening dividing the spoil." “Bhenjamini ibere rinoparadza; mangwanani anodya nyama, madekwana anogovera zvaapamba.”
28 All these are the twelve tribes of Israel; this is what their father said as he blessed them, each with the blessing fitting him. Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira.
29 He commanded them: "I am being gathered to my people. Bury me with my fathers in the cave in Ephron the Hittite's field, Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti,
30 in the cave in the field at Machpelah, east of Mamre in Canaan, which Abraham bought along with the field from Ephron the Hittite as a burial place. bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamure muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda.
31 There they buried Abraham and Sarah his wife; there they buried Isaac and Rebekah his wife; and there I buried Leah, Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo.
32 the field and the cave that is in it were bought from the Hittites. Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.”
33 Jacob finished commanding his sons, drew his feet into the bed, breathed his last, and was gathered to his people." Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake akasanganiswa navanhu vokwake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]