Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Adam slept with his wife Eve; she conceived and bore Cain, saying, "With our Father's help I have gained a man." Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.”
2 Later she gave birth to his brother Abel. Abel kept flocks, and Cain worked the ground. Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu.
3 After some time, Cain brought our Father an offering of the ground's fruit. Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha.
4 Abel, too, brought the firstborn of his flock and their fat portions. Our Father favored Abel and his offering, Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake,
5 but not on Cain and his offering, so Cain burned with anger and his face fell. asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana.
6 Then our Father said to Cain, "Why are you angry? Why has your face fallen? Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana?
7 If you do right, won't you be accepted? If you don't, sin crouches at your door, longing for you—but you must rule over it." Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.”
8 Cain said to his brother Abel, "Let's go to the field." There, Cain rose against his brother Abel and killed him. Zvino Kaini akati kumununʼuna wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa mununʼuna wake Abheri akamuuraya.
9 Then our Father asked Cain, "Where's your brother Abel?" "I don't know," he said. "Am I my brother's keeper?" Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?”
10 Our Father said, "What have you done? The voice of your brother's blood cries out to me from the ground. Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu.
11 Now a curse drives you from the ground, which opened its mouth to take your brother's blood from your hand. Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romununʼuna wako kubva paruoko rwako.
12 When you work the ground, it will no longer give you its strength; you will be a wandering fugitive on the earth." Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.”
13 Cain said to our Father, "My punishment is more than I can bear. Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura.
14 Today you drive me from this ground; I'll be hidden from your presence, a restless fugitive on earth, and whoever finds me will kill me." Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.”
15 But our Father told him, "No—whoever kills Cain will be avenged seven times over." Then our Father marked Cain, so no one who found him would kill him. Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya.
16 Cain left the presence of our Father and settled in the land of Nod, east of Eden. Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
17 Cain slept with his wife; she conceived and bore Enoch. He was building a city and named it after his son Enoch. Kaini akarara nomukadzi wake, akava nemimba akamuberekera Enoki. Ipapo Kaini akanga achivaka guta, uye akaritumidza zita romwanakomana wake Enoki.
18 Irad was born to Enoch. Irad fathered Mehujael, Mehujael fathered Methushael, Methushael fathered Lamech. Enoki akaberekerwa Iradhi, uye Iradhi akanga ari baba vaMehujaeri, uye Mehujaeri akanga ari baba vaMetushaeri, uye Metushaeri akanga ari baba vaRameki.
19 Lamech married two women, one named Adah and the other Zillah. Rameki akawana vakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha uye mumwe ainzi Zira.
20 Adah bore Jabal, father of tent dwellers and livestock herders. Adha akabereka Jabhari, ndiye akanga ari baba vavaya vanogara mumatende vaichengeta zvipfuwo.
21 His brother's name was Jubal; he was the father of all who play the harp and flute. Zita romununʼuna wake rainzi Jubhari; akanga ari baba wavose vanoridza rudimbwa nenyere.
22 Zillah also bore Tubal-Cain, forger of all bronze and iron tools; Tubal-Cain's sister was Naamah. Zira akanga ane mwanakomana, Tubhari-Kaini, aigadzira nhumbi dzemhando dzose dzendarira nedzesimbi. Hanzvadzi yaTubhari-Kaini yainzi Naama.
23 Lamech told his wives: "Adah and Zillah, hear me; wives of Lamech, listen to what I say. I killed a man who wounded me, a young man who bruised me. Rameki akati kuvakadzi vake, “Adha naZira, nditeererei; imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu. Ndauraya munhu nokuti andikuvadza, nejaya nokuti randipwanya.
24 If Cain is avenged seven times, then Lamech seventy-seven times." Kana Kaini achitsiviwa kanomwe, naizvozvo Rameki kana makumi manomwe namanomwe.”
25 Adam slept with his wife again; she bore a son and named him Seth: "Our Father has given me another child instead of Abel, since Cain killed him." Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.”
26 Seth too had a son and named him Enosh. Then people began calling on our Father's name. Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]