Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The serpent was shrewder than any field animal our Father had made. He asked the woman, "Did God really say, 'You must not eat from any tree in the garden'?" Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?”
2 The woman said to the serpent, "We may eat the fruit from the trees in the garden, Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu,
3 but God said, 'Don't eat the tree's fruit in the garden's middle, or touch it, or you'll die.'" asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’ ”
4 But the serpent said to the woman, "You will certainly not die. Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo.
5 God knows that when you eat from it, your eyes will open and you'll be like God, knowing good and evil." Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.”
6 The woman saw the tree was good for food, delightful to the eyes, and desirable for wisdom. She took its fruit, ate, gave some to her husband with her, and he ate. Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya.
7 Then the eyes of both of them were opened, and they knew they were naked; they sewed fig leaves together and made themselves coverings. Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo.
8 They heard the sound of our Father walking in the garden in the cool of the day, and the man and his wife hid from his presence among the garden's trees. Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu.
9 But our Father called to the man and said to him, "Where are you?" Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?”
10 The man said, "I heard you in the garden and was afraid, for I was naked, so I hid." Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.”
11 Our Father said, "Who told you you're naked? Did you eat from the tree I forbade you to eat from?" Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?”
12 The man said, "The woman you put with me gave me fruit from the tree, and I ate." Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.”
13 Then our Father asked the woman, "What have you done?" She said, "The serpent deceived me, and I ate." Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.”
14 So our Father said to the serpent, "Because you have done this, cursed are you above all livestock and above all wild animals; on your belly you will go, and dust you will eat all the days of your life. Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
15 And I will put enmity between you and the woman, and between your offspring and her offspring; he will crush your head, and you will strike his heel." Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
16 To the woman he said, "I will greatly increase your pain in childbirth; in pain you will give birth to children. Your desire will be for your husband, and he will rule over you." Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.”
17 And to Adam he said, "Because you listened to your wife and ate from the tree that I commanded you, saying, 'You must not eat from it,' cursed is the ground because of you; through painful toil you will eat from it all the days of your life. Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’ “Ivhu ratukwa nokuda kwako; mukushanda kunorwadza, uchadya zvibereko zvaro mazuva ose oupenyu hwako.
18 It will produce thorns and thistles for you, and you will eat the plants of the field. Richakuberekera minzwa norukato, uye uchadya miriwo yomusango.
19 By the sweat of your brow you will eat your bread until you return to the ground, since from it you were taken; for dust you are, and to dust you will return." Neziya rechiso chako uchadya zvokudya zvako kusvikira wadzokera kuguruva, sezvo wakatorwa kwariri; nokuti uri guruva, kuguruva uchadzokera.”
20 The man named his wife Eve, because she would become the mother of all the living. Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.
21 Our Father made garments of skin for Adam and his wife, and he clothed them. Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza.
22 Then our Father said, "Look, the man has become like one of us, knowing good and evil. Now, so he doesn't reach out, take from the tree of life too, eat, and live forever…" Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.”
23 So our Father sent him out of the garden of Eden to work the ground he was taken from. Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
24 He drove out the man and placed cherubim and a whirling, flaming sword east of Eden's garden, guarding the way to the tree of life. Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]