Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So the heavens and the earth were completed in all their vast array. Naizvozvo matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose.
2 By the seventh day our Father had completed his work, and he rested on the seventh day from everything he had made. Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuva rechinomwe akazorora pamabasa ake ose.
3 And our Father blessed the seventh day, making it holy, because on it he rested from all the work of creation he had done. Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita.
4 This is the history of the heavens and the earth when they were created, when our Father made earth and heavens. Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa. Jehovha Mwari paakaita nyika namatenga,
5 No shrub of the field yet existed on the earth, no plant of the field had yet sprouted, for our Father had not sent rain on the earth, and there was no man to work the ground, uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika,
6 but springs came up from the earth and watered the whole surface of the ground. asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose,
7 Then our Father formed the man from dust of the ground, breathed into his nostrils the breath of life, and the man became a living person. Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.
8 Then our Father planted a garden in Eden, in the east, and put there the man he had formed. Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo.
9 From the ground our Father grew every tree lovely to see and good to eat, with the tree of life in the garden's center and the tree of knowing good and evil. Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.
10 A river flowed from Eden to water the garden; from there it divided into four rivers. Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina.
11 The first is named Pishon; it flows around all the land of Havilah, where gold is found. Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe.
12 The gold of that land is good; aromatic resin and onyx are also there. (Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.)
13 The name of the second river is the Gihon; it winds through the entire land of Cush. Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia.
14 The third river's name is Tigris, flowing east of Assyria. The fourth river is the Euphrates. Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi.
15 Our Father took the man and set him in the garden of Eden to work it and guard it. Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta.
16 And our Father commanded the man, "You are free to eat from any tree in the garden; Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu;
17 but you must not eat from the tree of knowledge of good and evil, for you will surely die the day you eat from it." asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo.”
18 Then our Father said, "It is not good for the man to be alone. I will make a helper matching him." Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.”
19 From the ground our Father formed every field animal and every sky bird, then brought each to the man to see what he'd name it. Whatever the man named each living creature, that was its name. Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho.
20 The man named all livestock, birds of the sky, and all wild animals, but for Adam no helper matching him was found. Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira.
21 So our Father made the man fall into a deep sleep, and while he slept, took one of his ribs and closed the flesh over it. Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa.
22 Then our Father built a woman from the rib he took from the man, and brought her to the man. Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume.
23 The man said, "At last! This is bone of my bones and flesh of my flesh; she will be called 'woman,' for she was taken out of man." Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.”
24 So a man leaves his father and mother, joins his wife, and they become one flesh. Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
25 The man and his wife were both naked, and they were not ashamed. Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]