Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the beginning, our Heavenly Father created the heavens and the earth. Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.
2 The earth was formless and empty; darkness lay over the deep's surface, and the Spirit of our Father was hovering over the waters' surface. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.
3 Then our Father said, "Let there be light," and there was light. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
4 He saw that the light was good, and he separated the light from the darkness. Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima.
5 He called the light "day" and called the darkness "night." There was evening, and there was morning—the first day. Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga.
6 And our Father said, "Let there be an expanse between the waters to separate water from water." Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.”
7 He made the expanse and separated the water under it from the water above it. And it was so. Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo.
8 He called the expanse "sky." So there was evening, and there was morning—the second day. Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri.
9 Then our Father said, "Let the water under the sky be gathered to one place, and let dry ground appear." And it was so. Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo.
10 He named the dry ground "land," the gathered waters "seas." And he saw it was good. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
11 Then he said, "Let the land grow vegetation: seed-bearing plants, fruit trees bearing fruit with seed in it, after its kind." And it was so. Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo.
12 The land produced vegetation—seed-bearing plants by kind, and trees bearing seed-bearing fruit by kind—and our Father saw that it was good. Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
13 And there was evening, and there was morning—the third day. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu.
14 And our Father said, "Let there be lights in the sky's expanse to separate day from night, and serve as signs to mark seasons, days, and years, Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore,
15 and let them be lights in the sky's expanse, to give light on the earth." And it was so. uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo.
16 Our Father made two great lights—the greater light to rule the day, the lesser light to rule the night. He also made the stars. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi.
17 He set them in the expanse of the sky to give light on the earth, Mwari akazviisa munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika,
18 to rule the day and the night, and to separate light from darkness. He saw it was good. kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
19 So there was evening, and there was morning—the fourth day. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.
20 Then our Father said, "Let the water swarm with living creatures, and let birds fly above the earth, across the sky's expanse." Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.”
21 So he created the great sea creatures, every living creature that moves and swarms in the water by its kind, and every winged bird by its kind. And he saw it was good. Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
22 Our Father blessed them and said, "Be fruitful, multiply, fill the waters in the seas, and let birds multiply on earth." Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.”
23 And there was evening, and there was morning—the fifth day. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu.
24 And our Father said, "Let the land produce living creatures by kind: livestock, crawling creatures, and wild animals, each by kind." And it was so. Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: zvipfuwo, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo.
25 He made wild animals by their kind, livestock by their kind, and every creature crawling the ground by its kind. And he saw that it was good. Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
26 Then our Father said, "Let us make humanity in our image, in our likeness, to rule the fish of the sea, the birds of the sky, the livestock, all the earth, and every creature crawling on the ground." Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.”
27 So our Father created humanity in his own image; in the image of God he created them; male and female he created them. Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.
28 Our Father blessed them and said to them, "Be fruitful, multiply, fill the earth and subdue it. Rule the fish of the sea, the birds of the sky, and every living creature that moves on the earth." Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.”
29 Then he said, "I give you every seed-bearing plant across the whole earth, and every tree with seed-bearing fruit—they will be your food. Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu.
30 To every animal of the earth, every bird of the sky, everything crawling on the ground with breath of life, I give every green plant for food." And so it happened. Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo.
31 Our Father saw all he had made, and it was very good. So there was evening, and there was morning—the sixth day. Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]