Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 This is the written record of Adam's descendants. When our Father created humankind, he made them in the likeness of God. Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu. Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari.
2 He created them male and female, blessed them, and named them Humankind when they were created. Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.”
3 At 130, Adam fathered a son in his likeness, after his image, and named him Seth. Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti.
4 After he fathered Seth, Adam lived 800 years and had other sons and daughters. Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana.
5 Altogether, Adam lived 930 years, and then he died. Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa.
6 When Seth had lived 105 years, he fathered Enosh. Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi.
7 After he fathered Enosh, Seth lived 807 years and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
8 Altogether, Seth lived 912 years, and then he died. Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.
9 When Enosh had lived ninety years, he fathered Kenan. Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani.
10 After he fathered Kenan, Enosh lived 815 years and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
11 Altogether, Enosh lived 905 years, and then he died. Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
12 When Kenan had lived seventy years, he fathered Mahalalel. Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri.
13 After he fathered Mahalalel, Kenan lived 840 years and had other sons and daughters. Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
14 Altogether, Kenan lived 910 years, and then he died. Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.
15 When Mahalalel had lived sixty-five years, he fathered Jared. Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi.
16 After he fathered Jared, Mahalalel lived 830 years and had other sons and daughters. Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
17 Altogether, Mahalalel lived 895 years, and then he died. Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
18 When Jared had lived 162 years, he fathered Enoch. Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki.
19 After he fathered Enoch, Jared lived 800 years and had other sons and daughters. Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
20 Altogether, Jared lived 962 years, and then he died. Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa.
21 When Enoch had lived sixty-five years, he fathered Methuselah. Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera.
22 After fathering Methuselah, Enoch walked with our Father 300 years, and had other sons and daughters. Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
23 Altogether, Enoch lived 365 years. Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu.
24 Enoch walked faithfully with our Father; then he was gone, because our Father took him. Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.
25 When Methuselah had lived 187 years, he fathered Lamech. Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki.
26 After he fathered Lamech, Methuselah lived 782 years and had other sons and daughters. Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
27 Altogether, Methuselah lived 969 years, and then he died. Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.
28 When Lamech had lived 182 years, he fathered a son. Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana.
29 He named him Noah, saying, "He will comfort us in our work and painful toil of our hands, from the ground our Father cursed." Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.”
30 After he fathered Noah, Lamech lived 595 years and had other sons and daughters. Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
31 Altogether, Lamech lived 777 years, and then he died. Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.
32 When Noah was 500 years old, he fathered Shem, Ham, and Japheth. Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]