Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When humanity began to multiply on the earth and daughters were born to them, Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari,
2 the sons of divine origin saw the daughters of human origin were beautiful, and took as wives any they chose. vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza.
3 Then our Father said, "My Spirit will not wrestle with humanity forever, for they are flesh; their days will be 120 years." Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.”
4 The Nephilim were on the earth in those days, and afterward too, when the sons of divine origin came to the daughters of human origin, who bore them children. These were the mighty men of old, men of renown. VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira.
5 Our Father saw how great human wickedness had become on the earth—every thought and desire of their hearts only evil all the time. Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.
6 He was grieved he had made humanity on the earth, and his heart filled with pain. Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa.
7 So our Father said, "I will wipe out humanity, whom I created, from the face of the earth—people, animals, crawling things, and birds of the sky—for I regret making them." Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.”
8 But Noah found favor in the eyes of our Father. Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha.
9 This is Noah's account. Noah was a righteous man, blameless among the people of his time, and Noah walked faithfully with our Father. Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa. Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari.
10 And Noah had three sons: Shem, Ham, and Japheth. Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti.
11 The earth was corrupt before our Father, and filled with violence. Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana.
12 Our Father saw the earth was corrupt, for all flesh had corrupted their ways on the earth. Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo.
13 Then our Father said to Noah, "The end of all flesh has come before me, for the earth is full of violence because of the people. I am going to destroy them with the earth. Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika.
14 Build yourself an ark of cypress wood; make rooms in it and coat it inside and out with pitch. Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze.
15 Make it like this: the ark about 450 feet long, seventy-five feet wide, forty-five feet high. Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatu, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo.
16 Make a roof for the ark, finishing it eighteen inches from the top. Put a door in its side, and build it with lower, middle, and upper decks. Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe chete kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro.
17 I myself am bringing floodwaters on the earth to destroy all flesh with the breath of life in it under the heavens; everything on the earth will die. Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara.
18 But I will establish my covenant with you, and you will enter the ark—you, your sons, your wife, and your sons' wives with you. Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri.
19 Bring two of every living creature into the ark to keep alive with you—a male and a female. Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe.
20 Of the birds by kind, the animals by kind, every crawling thing of the ground by kind, two of each will come to you to be kept alive. Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu.
21 Take every kind of food that can be eaten and store it up; it will be food for you and for them." Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.”
22 Noah did everything just as our Father commanded him. Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]