Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then our Father told Noah, "Enter the ark with your whole household, for I've seen you righteous before me in this generation. Ipapo Jehovha akati kuna Noa, “Pindai muareka iwe nemhuri yako yose nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama murudzi urwu.
2 Take for yourself seven pairs of every clean animal, male and female, and one pair of unclean animals, male and female, Utore mhando dzemhuka dzose dzakanaka nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo uye mbiri mbiri pamhando dzose dzemhuka dzisina kunaka, mukono nehadzi yayo,
3 also seven pairs of sky birds, male and female, to keep offspring alive across all the earth. uyewo nomwe nomwe pamhando dzose dzeshiri, mukono nehadzi, kuti uraramise marudzi azvo akasiyana-siyana munyika yose.
4 For in seven days I'll rain on the earth forty days and forty nights, and wipe out every living thing I made from the face of the ground." Mazuva manomwe kubva zvino ndichanayisa mvura panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, uye ndichabvisa pamusoro penyika zvisikwa zvipenyu zvose zvandakaita.”
5 Noah did everything our Father commanded him. Uye Noa akaita zvose zvaakarayirwa naJehovha.
6 Noah was 600 years old when the floodwaters came upon the earth. Noa akanga ava namakore mazana matanhatu okuberekwa panguva yakanaya mvura yamafashamu panyika.
7 He, his sons, his wife, and his sons' wives entered the ark to escape the floodwaters. Uye Noa navanakomana vake nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vakapinda muareka kuti vapunyuke pamvura yamafashamu.
8 Of clean animals and animals not clean, of birds and all that crawls on the ground. Zviviri zviviri zvemhuka dzakanaka nedzisina kunaka, zviviri zviviri zveshiri nezvezvisikwa zvose zvinokambaira panyika,
9 Two by two, male and female, came to Noah in the ark, as our Father commanded Noah. mukono nehadzi, zvakauya kuna Noa ndokupinda muareka, sezvakanga zvarayirwa naMwari kuna Noa.
10 After the seven days, the floodwaters came upon the earth. Uye shure kwamazuva manomwe mvura yamafashamu yakasvika panyika.
11 In Noah's six hundredth year, second month, day seventeen—that same day—all springs of the great deep burst open, and heaven's floodgates opened. Mugore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, pazuva regumi namanomwe romwedzi wechipiri, pazuva iro zvitubu zvose zvapakadzika zvakatubuka, uye masuo amafashamu okudenga akazarurwa.
12 The rain fell on the earth for forty days and forty nights. Uye mvura yakanaya panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana.
13 That day Noah entered the ark—he, his sons Shem, Ham, Japheth, his wife, and his sons' three wives. Pazuva racho iroro, Noa navanakomana vake, Shemu, Hamu naJafeti, pamwe chete nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vatatu, vakapinda muareka.
14 They and every wild animal by their kind, every livestock by their kind, every crawler on earth by their kind, every bird by their kind, every winged creature. Vakanga vane mhuka dzose dzesango namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo neshiri dzose namarudzi adzo, nezvose zvina mapapiro.
15 They came to Noah, into the ark, two by two, all flesh with breath of life. Zviviri zviviri pazvisikwa zvose zvino upenyu mazviri zvakauya kuna Noa zvikapinda muareka.
16 Male and female of all flesh entered, as our Father commanded him; then our Father shut him in. Mhuka dzaipinda dzaiva mukono nehadzi pazvipenyu zvose, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. Ipapo Jehovha akamupfigira mukati.
17 The flood lasted forty days on the earth; the waters rose, lifted the ark, floating above the earth. Mafashamu akaramba achingouya panyika kwamazuva makumi mana, uye mvura sezvayakaramba ichiwanda yakasimudza areka pamusoro-soro penyika.
18 Waters surged and rose greatly over the earth, and the ark floated on the water's surface. Mvura zhinji yakasimuka uye ikawanda zvikuru panyika, uye areka ikayangarara pamusoro pemvura.
19 Waters rose higher and higher on the earth, covering all the high mountains under the whole sky. Yakakwira kwazvo pamusoro penyika, uye makomo ose marefu ari pasi pedenga akafukidzwa.
20 About twenty-two feet deep the waters rose above the mountains, covering them. Mvura zhinji yakasimuka ikafukidza makomo kusvikira pamakubhiti gumi namashanu kudzika kubva pamusoro pawo.
21 Everything moving on earth died: birds, livestock, wild animals, all creatures swarming the earth, and all mankind. Zvipenyu zvose zvinokambaira panyika zvakaparara, shiri, zvipfuwo, mhuka dzesango, zvisikwa zvose zvakafararira pamusoro penyika, namarudzi ose avanhu.
22 Everything on dry land that had the breath of life in its nostrils died. Zvinhu zvose zvakanga zvino kufema kwoupenyu mumhino dzazvo panyika zvakafa.
23 Our Father wiped out every living thing on the ground's face—people, animals, crawling creatures, birds of the sky—and wiped them from the earth. Only Noah and those with him in the ark remained. Zvinhu zvose zvipenyu zvaiva pamusoro penyika zvakaparadzwa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira panyika neshiri dzedenga zvakaparadzwa kubva panyika. Noa bedzi ndiye akasiyiwa navaya vaiva naye muareka.
24 And the waters prevailed over the earth 150 days. Mvura zhinji yakafukidza nyika kwamazuva makumi mashanu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]