Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 But our Father remembered Noah, all the living creatures, and all the livestock with him in the ark, and swept a wind over the earth so the waters began to recede. Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera.
2 The springs of the deep and heaven's floodgates closed, and rain from the sky stopped. Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga.
3 Water kept receding from the earth, and after 150 days it had gone down. Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika,
4 The ark rested on the mountains of Ararat on the seventeenth day of the seventh month. uye pazuva regumi namanomwe romwedzi wechinomwe, areka yakagara pamakomo eArarati.
5 The waters kept receding until the tenth month; on its first day, the mountaintops appeared. Mvura yakaramba ichiserera kusvikira pamwedzi wegumi, uye pazuva rokutanga romwedzi wegumi misoro yamakomo yakatanga kuonekwa.
6 After forty days, Noah opened the window he had made in the ark, Shure kwamazuva makumi mana, Noa akazarura windo raakanga aita muareka,
7 he sent out a raven, and it flew back and forth until the waters dried up from the earth. uye akatuma gunguo, uye rakaramba richibhururuka kuno nokoko kusvikira mvura yapwa panyika.
8 Then he released the dove from him to see if the waters had subsided from the ground's surface. Ipapo akatuma njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera kubva pamusoro penyika.
9 But the dove found no resting place for her foot and returned to him in the ark, since water still covered the whole earth's surface. So he reached out his hand, took her, and brought her back into the ark. Asi njiva haina kuwana nzvimbo yokumhara nokuti mvura yakanga iri pose pose; saka yakadzokera kuna Noa muareka. Akatambanudza ruoko rwake akadzorera njiva muareka maaiva.
10 He waited seven more days and again sent out the dove from the ark. Akarindira kwamamwezve mazuva manomwe uye akabudisazve njiva muareka.
11 The dove returned to him that evening with a freshly plucked olive leaf in her beak, so Noah knew the waters had receded from the earth. Njiva yakati yadzokera kwaari panguva yamanheru, onei heyo mumuromo mayo yakaruma shizha nyoro rakatanhwa pamuorivhi! Ipapo Noa akaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.
12 He waited seven more days, then sent the dove out again; it did not return to him again. Akamirirazve kwamamwe mazuva manomwe uye akabudisazve njiva, asi panguva iyi haina kuzodzoka kwaari.
13 In Noah's 600 and first year, the first day of the first month, the waters had dried up from the earth. Noah removed the ark's covering, looked out, and saw the ground's surface was dry. Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga wegore ramazana matanhatu nerimwe aNoa, mvura yakanga yapwa panyika. Ipapo Noa akabvisa chifukidziro cheareka akaona kuti pamusoro penyika pakanga paoma.
14 By the twenty-seventh day of the second month the earth was completely dry. Pazuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yaoma kwazvo.
15 Then our Father said to Noah, Ipapo Mwari akati kuna Noa,
16 "Leave the ark: you and your wife and your sons and your sons' wives with you. “Budai muareka, iwe nomukadzi wako navanakomana vako navakadzi vavo.
17 Bring out with you every living creature—all flesh: birds, animals, everything that crawls on the ground—so they may swarm across the earth, be fruitful, and multiply on the earth." Budisa mhando dzose dzezvisikwa zvipenyu zvaunazvo, shiri, mhuka nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, kuitira kuti zvibereke uye zvive zvizhinji pamusoro payo.”
18 So Noah came out, together with his sons and his wife and his sons' wives. Saka Noa akabuda, pamwe chete navanakomana vake nomukadzi wake uye navakadzi vavanakomana vake.
19 Every animal, every crawling thing, every bird—everything that moves on the earth—left the ark by their kinds. Mhuka dzose nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika neshiri dzose, zvinhu zvose zvinofamba panyika, zvakabuda muareka, rudzi ruchitevera rumwe.
20 Noah built an altar to our Father, took some of every clean animal and every clean bird, and offered burnt offerings on it. Ipapo Noa akavakira Jehovha aritari, uye akatora dzimwe dzemhuka dzose dzakanaka neshiri dzakanaka, akabayira zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo.
21 Our Father smelled the pleasing aroma and said in his heart, "I will never again curse the ground because of humanity, though the human heart's inclination is evil from youth, nor will I ever again strike down every living thing as I have done. Jehovha akanzwa kunhuhwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukazve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita.
22 As long as the earth endures, seedtime and harvest, cold and heat, summer and winter, day and night will never cease." “Kana nyika ichingovapo, nguva dzokudyara nedzokukohwa, kutonhora nokupisa, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingatongogumi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]