Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then our Father blessed Noah and his sons, saying, "Be fruitful and multiply and fill the earth. Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika.
2 Every animal of the earth, every bird of the sky, everything that crawls on the ground, and every fish of the sea will fear and dread you; they are given into your hand. Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai uye dzichakuvhundukai; zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa, zvakapiwa mumaoko enyu.
3 Every living, moving thing will be your food. As I gave you the green plants, I now give you everything. Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose.
4 But you must not eat meat that still has its lifeblood in it. “Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi.
5 I will surely demand an accounting for your blood: from every animal I will demand it, and from every person—each for his brother's life—I will demand a human life. Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake.
6 Whoever sheds human blood, by humans will their blood be shed; for in the image of God, humanity was made. “Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu.
7 As for you, be fruitful and multiply; swarm across the earth and multiply on it." Kana murimi, berekanai muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.”
8 Then our Father said to Noah and to his sons with him: Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo,
9 "As for me, I am now establishing my covenant with you and with your descendants after you, “Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera,
10 and every living creature with you—birds, livestock, every wild animal of the earth—all that came out of the ark with you, every living thing of the earth. uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika.
11 I set my covenant with you: never again will all flesh be cut off by floodwaters; never again a flood to destroy the earth." Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.”
12 Then our Father said, "This is the sign of the covenant I'm making between me and you and every living creature with you, for all generations to come: Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya:
13 I have put my rainbow in the clouds as the sign of the covenant between me and the earth. Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
14 Whenever I bring clouds over the earth and the rainbow appears in the clouds, Pose pandinouyisa makore pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore,
15 I will remember my covenant between me and you and every living creature of every kind: never again will floodwaters destroy all life. ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose.
16 When the rainbow is in the clouds, I will see it and remember the everlasting covenant between me and every living creature of every kind on earth." Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.”
17 So our Father told Noah, "This is the sign of the covenant I've established between me and all life on earth." Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.”
18 Noah's sons who left the ark: Shem, Ham, and Japheth. (Ham was Canaan's father.). Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.)
19 These three were the sons of Noah, and from them the whole earth was populated. Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika.
20 Noah, a man of the soil, was the first to plant a vineyard. Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa.
21 When he drank some of its wine, he became drunk and lay uncovered inside his tent. Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake.
22 Ham, the father of Canaan, saw his father naked and told his two brothers outside. Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza mukoma wake nomununʼuna vake vaiva panze.
23 Shem and Japheth took a cloak, laid it on both their shoulders, walked in backward, and covered their father's nakedness; their faces were backward, so they did not see their father's nakedness. Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo.
24 When Noah awoke from his wine and learned what his youngest son had done to him, Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku,
25 he said, "Cursed be Canaan! He will be the lowest of servants to his brothers." akati, “Kenani ngaatukwe! Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.”
26 He also said, "Blessed be the Father of Shem; may Canaan be Shem's servant. Akatiwo, “Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu! Kenani ngaave muranda waShemu.
27 May our Father extend Japheth's territory; may Japheth dwell in the tents of Shem, and may Canaan be Shem's servant." Mwari ngaakurise nyika yaJafeti; Jafeti ngaagare mumatende aShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.”
28 After the flood Noah lived 350 years. Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu.
29 Noah lived a total of 950 years, and then he died. Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]