Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ezra 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 These are the province's people who came up from captivity—those Nebuchadnezzar king of Babylon exiled to Babylon. They returned to Jerusalem and Judah, each to his own town. Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,
2 They came with Zerubbabel, Jeshua, Nehemiah, Seraiah, Reelaiah, Mordecai, Bilshan, Mispar, Bigvai, Rehum, Baanah—the count of Israel's men: vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Misipari, Bhigivhai, Rehumi naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri:
3 The sons of Parosh, 2,172; zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
4 the sons of Shephatiah, 372; zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
5 the sons of Arah, 775; zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu;
6 the sons of Pahath-moab, namely the sons of Jeshua and Joab, 2,812; zvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri;
7 the sons of Elam, 1,254; zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
8 the sons of Zattu, 945; zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;
9 the sons of Zaccai, 760; zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;
10 the sons of Bani, 642; zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;
11 the sons of Bebai, 623; zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;
12 the sons of Azgad, 1,222; zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri navaviri;
13 the sons of Adonikam, 666; zvaAdhonikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu;
14 the sons of Bigvai, 2,056; zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu;
15 the sons of Adin, 454; zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana;
16 the sons of Ater, namely of Hezekiah, 98; zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere;
17 the sons of Bezai, 323; zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu;
18 the sons of Jorah, 112; zvaJora zvaiva zana negumi navaviri;
19 the sons of Hashum, 223; zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
20 the sons of Gibbar, 95; zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu;
21 the men of Bethlehem, 123; varume veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu;
22 the men of Netophah, 56; veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu;
23 the men of Anathoth, 128; veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere;
24 the men of Azmaveth, 42; veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri;
25 the men of Kiriath-arim, Chephirah, and Beeroth, 743; veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu;
26 the men of Ramah and Geba, 621; veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
27 the men of Michmas, 122; veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri;
28 the men of Bethel and Ai, 223; veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
29 the men of Nebo, 52; veNebho vaiva makumi mashanu navaviri;
30 the men of Magbish, 156; veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu;
31 the sons of the other Elam, 1,254; veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
32 the sons of Harim, 320; veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri;
33 the men of Lod, Hadid, and Ono, 725; veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu;
34 the men of Jericho, 345; veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu;
35 the men of Senaah, 3,630. veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
36 The priests: the sons of Jedaiah, of the house of Jeshua, 973; Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
37 the sons of Immer, 1,052; zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
38 the sons of Pashhur, 1,247; zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
39 the sons of Harim, 1,017. zvaHarimu zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.
40 The Levites: the sons of Jeshua and Kadmiel, of the sons of Hodaviah, 74. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.
41 The singers: the sons of Asaph, 128. Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere.
42 The gatekeepers: descendants of Shallum, Ater, Talmon, Akkub, Hatita, and Shobai—139 in all. Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.
43 The temple servants: the sons of Ziha, the sons of Hasupha, the sons of Tabbaoth, Vashandi vomutemberi:
44 the sons of Keros, the sons of Siaha, the sons of Padon, zvizvarwa zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti, zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni,
45 the sons of Lebanah, the sons of Hagabah, the sons of Akkub, zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi,
46 the sons of Hagab, the sons of Shamlai, the sons of Hanan, zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani,
47 the sons of Giddel, the sons of Gahar, the sons of Reaiah, zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya,
48 the sons of Rezin, the sons of Nekoda, the sons of Gazzam, zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami,
49 the sons of Uzza, the sons of Paseah, the sons of Besai, zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai,
50 the sons of Asnah, the sons of Meunim, the sons of Nephisim, zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi,
51 the sons of Bakbuk, the sons of Hakupha, the sons of Harhur, zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri,
52 the sons of Bazluth, the sons of Mehida, the sons of Harsha, zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha,
53 the sons of Barkos, the sons of Sisera, the sons of Temah, zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema,
54 the sons of Neziah, and the sons of Hatipha. zvaNezia uye nezvaHatifa.
55 The sons of Solomon's servants: the sons of Sotai, the sons of Hassophereth, the sons of Peruda, Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha,
56 the sons of Jaalah, the sons of Darkon, the sons of Giddel, zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri,
57 the sons of Shephatiah, the sons of Hattil, the sons of Pochereth-hazzebaim, and the sons of Ami. zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi.
58 All the temple servants and the sons of Solomon's servants were 392. Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
59 The following came up from Tel-melah, Tel-harsha, Cherub, Addan, and Immer, but could not prove that they or their families were Israelite: Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzibaba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri:
60 the sons of Delaiah, the sons of Tobiah, and the sons of Nekoda, 652. Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
61 From the priests' sons: the sons of Habaiah, the sons of Hakkoz, and the sons of Barzillai, who married a daughter of Barzillai the Gileadite and took that family's name. Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro).
62 They searched genealogical records for their names, found none, and were excluded from the priesthood as unclean. Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana, nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista.
63 The governor told them not to eat the most holy food until a priest stood with the Urim and Thummim. Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
64 The whole assembly together numbered 42,360, Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
65 besides their male and female servants, who were 7,337; and they had 200 male and female singers. tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vane varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi.
66 Their horses were 736, their mules 245, Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, manyurusi mazana maviri namakumi mana namashanu,
67 their camels 435, and their donkeys 6,720. ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
68 When they reached the house of our Father in Jerusalem, some family heads gave voluntary offerings for the house of our Father, to rebuild it on its site. Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakasarudza kupa nokuzvisarudzira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo.
69 As they were able, they gave the work's treasury 61,000 gold coins, about 6,250 pounds of silver, and one hundred priests' garments. Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwe egoridhe, nemamina zviuru zvishanu esirivha uye nenguo dzavaprista zana.
70 The priests, Levites, some of the people, singers, gatekeepers, and temple servants settled in their towns—all Israel in their towns. Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]