Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ezra 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In the seventh month, with Israel settled in their towns, the people gathered as one in Jerusalem. Mwedzi wechinomwe wakati wasvika uye vana veIsraeri vakanga vagara mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete muJerusarema.
2 Then Jeshua son of Jozadak and his fellow priests, and Zerubbabel son of Shealtiel and his associates, set to work and built the altar of our Father, to offer burnt offerings on it, as it is written in the Law of Moses, the man of our Father. Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki navamwe vake vaprista naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri neshamwari dzake vakatanga kuvaka aritari yaMwari weIsraeri kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, maererano nezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, munhu waMwari.
3 They set the altar on its foundations, fearing the peoples around them, and offered burnt offerings on it to our Father morning and evening. Vakavakira aritari pahwaro uye vakabayirapo kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa, zvose zvipiriso zvinopiswa zvamangwanani nezvamadekwana, zvisinei kuti vaitya vanhu vakanga vakavapoteredza.
4 They kept the Feast of Booths as written, the daily burnt offerings in the number each day required. Ipapo vakapemberera Mutambo waMatumba sezvazvakanga zvakanyorwa, nouwandu hwaidikanwa hwezvipiriso zvinopiswa hwakanga hwakanyorwa, hwezuva rimwe nerimwe.
5 After that, they offered the regular burnt offerings, the new moon offerings, all our Father's sacred feasts, and gifts from anyone who brought a voluntary offering to our Father. Mushure maizvozvo, vakapa chipiriso chinopiswa chenguva dzose, nezvibayiro zvapaKugara kwoMwedzi uye nezvibayiro zvemitambo yose mitsvene yaJehovha yakanga yakatarwa, pamwe chetewo neizvo zvakauyiswa sezvipo zvokuzvisarudzira kuna Jehovha.
6 From the first day of the seventh month, they began offering burnt offerings to our Father, though our Father's temple foundation was not yet laid. Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe vakatanga kupa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kunyange zvazvo nheyo dzetemberi yaJehovha dzakanga dzichigere kuteyiwa.
7 They paid masons and carpenters, and gave the Sidonians and Tyrians food, drink, and oil, to bring cedar logs from Lebanon by sea to Joppa, as Cyrus king of Persia had authorized them. Ipapo vakapa mari kuvavezi vamabwe navavezi vamatanda, uye vakapa zvokudya nezvokunwa namafuta kuvanhu veSidhoni neveTire, kuitira kuti vatore matanda emisidhari kubva kuRebhanoni vagoayeredza nemvura yegungwa kuti aende kuJopa, sezvakanga zvatenderwa naSirasi mambo wePezhia.
8 In the second month of year two after they reached our Father's house in Jerusalem, Zerubbabel son of Shealtiel and Jeshua son of Jozadak began the work, with the rest of their people—the priests, the Levites, and all who'd returned to Jerusalem from captivity. They set Levites twenty and older over the work on our Father's house. Mumwedzi wechipiri wegore rechipiri mushure mokunge vasvika paimba yaMwari muJerusarema, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki nedzimwe hama dzavo dzose (vaprista navaRevhi uye navose vakanga vadzokera kuJerusarema vachibva kuutapwa) vakatanga kushanda vakagadza vaRevhi vana makore makumi maviri kana anopfuura kuti vave vatariri vokuvakwa kweimba yaJehovha.
9 Then Jeshua, his sons and brothers, and Kadmiel with his sons, sons of Judah, joined together to oversee those working on our Father's house—along with Henadad's sons, their sons and brothers, the Levites. Jeshua navanakomana vake nehama dzake naKadhimieri navanakomana vake (zvizvarwa zvaHodhavhia) navanakomana vaHenadhadhi navanakomana vavo nehama dzavo, navaRevhi vose vakabatana pamwe chete navo pakutarira vaishanda paimba yaMwari.
10 When the builders laid the foundation of our Father's temple, priests in robes stood with trumpets, and Levites, sons of Asaph, with cymbals, to praise our Father as David king of Israel had ordered. Zvino vavaki vakati vateya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakapfeka nguo dzavo, uye vakabata hwamanda, navaRevhi (vanakomana vaAsafi) vakabata makandira, vakamira munzvimbo dzavo kuti varumbidze Jehovha, sezvakanga zvarayirwa naDhavhidhi mambo weIsraeri.
11 They sang responsively, praising and thanking our Father: "He is good; his faithful love for Israel lasts forever." All the people gave a great shout of praise, because the foundation of our Father's house was laid. Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti: “Jehovha akanaka; rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.” Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.
12 Many older priests, Levites, and clan heads who had seen the first house wept loudly as this house's foundation was laid before their eyes, while many others shouted for joy. Asi vazhinji vavaprista navaRevhi vakanga vakwegura navakuru vedzimba dzavo, avo vakanga vaona temberi yokutanga, vakachema nenzwi guru pavakaona nheyo dzetemberi iyi dzichiteyiwa, asi vamwe vazhinji vaipururudza nomufaro.
13 No one could distinguish the joyful shout from the weeping, since the people shouted so loudly it was heard far off. Hapana aigona kutsaura inzwi rokudanidzira kwomufaro kubva kuinzwi rokuchema kwavanhu, nokuti vanhu vakaita ruzha rukuru kwazvo. Uye ruzha urwu rwakanzwika kure kure.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]