Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then our Father told Moses, "Go to Pharaoh and tell him, 'This is what our Father says: Let my people go, so they may serve me.'" Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
2 But if you refuse to let them go, I will plague your whole country with frogs. Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya.
3 The Nile will swarm with frogs that come up and enter your house, bedroom, and bed, the houses of your servants and people, your ovens and kneading bowls. Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye nomuzvoto zvako nepokukanyira chingwa.
4 The frogs will come up on you, on your people, and on all your servants."'" Matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro pamachinda ako ose.’ ”
5 And our Father said to Moses, "Tell Aaron: 'Stretch out your hand with your staff over the rivers, canals, and pools, and bring up the frogs over the land of Egypt.'" Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza ruoko rwako pamwe chete netsvimbo yako pamusoro pehova napamusoro pemigero napamadziva, uye uite kuti matatya auye pamusoro penyika yeIjipiti.’ ”
6 Aaron stretched his hand over the waters of Egypt, and frogs came up and covered the land of Egypt. Saka Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akauya akafukidza nyika.
7 But the magicians did the same with their secret arts, bringing frogs up over the land of Egypt. Asi nʼanga dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo; vakaitawo matatya kuti auye pamusoro penyika yeIjipiti.
8 Pharaoh summoned Moses and Aaron and said, "Plead with God to remove the frogs from me and my people, and I will let the people go to sacrifice to God." Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya aya kwandiri uye nokuvanhu vangu, uye ini ndichatendera vanhu venyu kuti vaende kundobayira zvipiriso kuna Jehovha.”
9 Moses said to Pharaoh, "The honor is yours—set the time yourself: when should I pray for you, your servants, and your people, that the frogs be cut off from you and your houses, left only in the Nile?" Mozisi akati kuna Faro, “Ndinopa ruremekedzo kwamuri kuti mureve nguva yokuti ndikunyengetererei imi navaranda venyu uye navanhu venyu kuti imi nedzimba dzenyu mubvisirwe matatya, kuti asare muna Nairi chete.”
10 "Tomorrow," he said. Moses replied, "As you say, so you'll know no one is like our Father. Faro akati, “Mangwana.” Mozisi akapindura akati, “Zvichaitika sezvamareva, kuitira kuti mugoziva kuti hakuna mumwe akaita saJehovha Mwari wedu.
11 The frogs will leave you, your houses, your servants, and your people, remaining only in the Nile." Matatya achabva kwamuri nomudzimba dzenyu, kumachinda enyu nokuvanhu venyu; achasara muna Nairi chete.”
12 Moses and Aaron left Pharaoh, and Moses cried out to our Father about the frogs our Father had brought on Pharaoh. Ipapo Mozisi naAroni vakabva pana Faro, Mozisi akadana kuna Jehovha pamusoro pamatatya aakanga auyisa kuna Faro.
13 And our Father did as Moses asked. The frogs died in the houses, the courtyards, and the fields. Uye Jehovha akaita zvakanga zvakumbirwa naMozisi. Matatya akafa mudzimba, nomuruvazhe uye nomuminda.
14 They piled them in heaps upon heaps, and the land stank. Akaunganidzwa akaita mirwi uye nyika yakanhuhwa nokuda kwawo.
15 But when Pharaoh saw there was relief, he hardened his heart and would not listen to them, as our Father had said. Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
16 Then our Father told Moses, "Tell Aaron: Stretch out your staff and strike the dust of the ground, and it will become gnats throughout all the land of Egypt." Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.”
17 They did so. Aaron stretched out his hand with his staff and struck the ground's dust, and gnats came on people and animals. All the ground's dust became gnats throughout the whole land of Egypt. Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo akarova guruva umhutu hukauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu.
18 The magicians tried their secret arts to make gnats, but failed. Gnats covered people and animals. Asi nʼanga dzakakundikana, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu.
19 The magicians told Pharaoh, "This is the finger of God." But Pharaoh's heart stayed hard; he wouldn't listen to them, as our Father had said. Nʼanga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
20 Then our Father said to Moses, "Get up early in the morning and stand before Pharaoh as he goes out to the water. Tell him, 'This is what our Father says: Let my people go, so they may serve me. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
21 "If you won't let my people go, I'll send flies swarming on you, your servants, your people, and your houses. Egyptian houses will be full of flies, and even the ground they stand on. Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire.
22 On that day I will set apart the land of Goshen, where my people live, so no flies swarm there, so you will know I, your Father, am in the land's midst. “ ‘Asi pazuva iroro ndichatsaura nyika yeGosheni uko kunogara vanhu vangu; hakuna bute renhunzi richawanikwa ikoko kuitira kuti ugoziva kuti ini, Jehovha, ndiri munyika muno.
23 I will make a distinction between my people and your people. Tomorrow this sign will happen.'" Ndichaita mutsauko pakati pavanhu vangu navanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.’ ”
24 So our Father did. Thick swarms of flies filled Pharaoh's house and his servants' houses; throughout all the land of Egypt, the land was ruined by the swarms. Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi.
25 Pharaoh summoned Moses and Aaron and said, "Go, sacrifice to your God in the land." Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Endai mundobayira kuna Mwari wenyu munyika muno.”
26 But Moses said, "That wouldn't be right—what we sacrifice to our Father is detestable to the Egyptians. If we sacrifice what is detestable to them before their eyes, will they not stone us? Asi Mozisi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo. Zvipiriso zvatinoda kubayira kuna Jehovha Mwari wedu zvingazonyangadza vaIjipita. Uye kana tikapa zvibayiro zvinonyangadza pamberi pavo, havangazotitaki namabwe here?
27 We must go a three days' journey into the wilderness and sacrifice to our Father, as he commands us." Tinofanira kufamba rwendo rwamazuva matatu kuti tinobayira kuna Jehovha Mwari wedu murenje, sezvaakatirayira.”
28 Pharaoh said, "I will let you go and sacrifice to the LORD your God in the wilderness—only don't go too far away. Plead for me." Faro akati, “Ndichakutenderai kuenda kunobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wenyu murenje, asi hamufaniri kuenda kure kure. Zvino chindinyengetererai.”
29 Then Moses said, "As soon as I leave you, I will plead with our Father, and tomorrow the swarms of flies will leave Pharaoh, his servants, and his people. Only let Pharaoh not deceive again by refusing to let the people go and sacrifice to our Father." Mozisi akapindura akati, “Ndichangobva pauri, ndichanonyengetera kuna Jehovha, uye mangwana nhunzi dzichabva pana Faro namachinda ake uye napavanhu vake. Ivai nechokwadi chete kuti Faro haazonyengerizve achirambidza vanhu kuenda kundopa zvibayiro kuna Jehovha.”
30 So Moses went out from Pharaoh and pleaded with our Father. Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha,
31 As Moses asked, our Father removed the swarms of flies from Pharaoh, his servants, and his people—not one remained. uye Jehovha akaita zvaakakumbirwa naMozisi. Nhunzi dzakabva pana Faro nokumachinda ake uye nokuvanhu vake; hakuna nhunzi yakasara.
32 But Pharaoh hardened his heart this time also, and he would not let the people go. Asi panguva inozve, Faro akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendera vanhu kuti vaende.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]