Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father told Moses, "See, I have made you as God to Pharaoh, and Aaron your brother will be your prophet. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako.
2 You will speak all I command you; Aaron your brother will tell Pharaoh to send the Israelites out of his land. Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.
3 But I will harden Pharaoh's heart and multiply my signs and wonders in the land of Egypt. Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti,
4 Pharaoh won't listen to you, so I'll set my hand against Egypt and bring my armies—my people, Israel's descendants—out of the land of Egypt through great judgments. haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye namabasa okutonga kukuru ndichabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu vaIsraeri.
5 The Egyptians will know I am the Father when I reach out my hand against Egypt and bring Israel's people out from among them." Uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi.”
6 Moses and Aaron did so; they did just as our Father had commanded them. Mozisi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha.
7 Now Moses was eighty years old and Aaron eighty-three years old when they spoke to Pharaoh. Mozisi akanga ana makore makumi masere uye Aroni makumi masere namatatu pavakataura kuna Faro.
8 Then our Father said to Moses and Aaron, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
9 when Pharaoh tells you, "Prove yourselves with a wonder," say to Aaron, "Take your staff, throw it down before Pharaoh, and it will become a serpent." “Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.”
10 Moses and Aaron went to Pharaoh and did as our Father commanded. Aaron threw his staff before Pharaoh and his servants, and it became a snake. Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka.
11 So Pharaoh also summoned wise men and sorcerers, and Egypt's magicians did the same with their secret arts. Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo.
12 Each one threw down his staff, and they became serpents. But Aaron's staff swallowed up their staffs. Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.
13 Pharaoh's heart hardened; he wouldn't listen to them, as our Father had said. Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
14 Then our Father said to Moses, "Pharaoh's heart is unyielding; he refuses to let the people go. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende.
15 Go to Pharaoh in the morning as he goes out to the water. Stand on Nile's bank to meet him, and take in your hand the staff that turned into a snake. Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka.
16 Say to him: our Father of the Hebrews sent me to you, saying, "Let my people go to serve me in the wilderness." Yet until now you have not listened. Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera.’
17 This is what our Father says: "By this you will know I am the Father: look, with the staff in my hand I will strike the Nile's water, and it will turn to blood. Zvanzi naJehovha: ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye ichashanduka ikava ropa.
18 Fish in the Nile will die, the Nile will stink, and Egyptians won't be able to bear to drink water from the Nile."'" Hove dziri muna Nairi dzichafa, uye rwizi ruchanhuhwa; vaIjipita havazokwanisi kunwa mvura yarwo.’ ”
19 Our Father said to Moses, "Tell Aaron: Take your staff and stretch out your hand over Egypt's waters—over their rivers, canals, ponds, and all their reservoirs—and they will become blood. Blood will fill all Egypt, even in vessels of wood and stone." Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yemiti neyamabwe.”
20 Moses and Aaron did as our Father commanded: before Pharaoh and his servants, Aaron raised the staff and struck the Nile's water, and all its water turned to blood. Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, mvura yose ikashanduka ikava ropa.
21 The fish in the Nile died, the Nile stank, and the Egyptians could not drink water from the Nile. Blood was in all the land of Egypt. Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti.
22 But Egypt's magicians did the same with their secret arts. So Pharaoh's heart stayed hard; he wouldn't listen to them, as our Father had said. Asi nʼanga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
23 Pharaoh turned and went into his house, and he did not take even this to heart. Asi akadzokera mumuzinda wake, uye haana kunyange kuzviisa mumwoyo make.
24 All the Egyptians dug along the Nile for water to drink, since they couldn't drink the Nile's water. Uye vaIjipita vose vakachera mujinga maNairi kuti vawane mvura yokunwa, nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yomurwizi.
25 Seven full days passed after our Father struck the Nile. Mazuva manomwe akapfuura mushure mokunge Jehovha arova Nairi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]