Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then our Father told Moses, "Now you'll see what I'll do to Pharaoh: with a strong hand he'll send them out; with a strong hand drive them from his land." Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino uchaona zvandichaita kuna Faro. Nokuda kworuoko rwangu rune simba achavaregera kuti vaende; nokuda kworuoko rwangu rune simba achavadzinga munyika make.”
2 Our Father spoke to Moses and said to him, "I am your Father. Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Ndini Jehovha.
3 I appeared to Abraham, Isaac, and Jacob as El Shaddai—our Father Almighty—but they didn't know me by my name, Father. Ndakazviratidza kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho saMwari Wamasimba Ose, asi nezita rangu, Jehovha, handina kuzvizivisa kwavari.
4 I also confirmed my covenant with them, to give them Canaan, land where they lived as foreigners. Ndakasimbisawo sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavakagara savatorwa.
5 I have also heard the groaning of the Israelites, whom the Egyptians enslave, and remembered my covenant. Pamusoro paizvozvo, ndanzwa kugomera kwavaIsraeri, vakabatwa muutapwa navaIjipita, uye ndarangarira sungano yangu.
6 Tell Israel's sons: I am your Father. I will bring you out from under Egypt's burdens, rescue you from their slavery, and redeem you with an extended arm and great judgments. “Naizvozvo, uti kuvaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pejoko ravaIjipita. Ndichakusunungurai kuti musava nhapwa kwavari, uye ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kwamabasa makuru.
7 I'll take you as my children, be your Father. You'll know I am your Father, freeing you from under Egypt's burdens. Ndichakutorai savanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubvisai pasi pejoko ravaIjipita.
8 I will bring you to the land I swore, hand raised, to give to Abraham, to Isaac, and to Jacob, and give it to you as a possession. I am your Father." Uye ndichakuuyisai kunyika yandakapika ndakasimudza ruoko kuna Abhurahama, kuna Isaka nokuna Jakobho. Ndichaipa kwamuri senhaka yenyu. Ndini Jehovha.’ ”
9 Moses told the Israelites this, but they wouldn't listen to Moses because of their broken spirit and their harsh slavery. Mozisi akazivisa izvi kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nokuda kwokuora mwoyo kwavo uye nousungwa hune utsinye.
10 Then our Father said to Moses, Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
11 "Go, tell Pharaoh king of Egypt to let the Israelites go out of his land." “Enda undotaurira Faro mambo weIjipiti kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.”
12 But Moses said in our Father's presence, "If the Israelites won't listen to me, why would Pharaoh? I speak poorly." Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Kana vaIsraeri vasinganditeereri, Faro anganditeerera seiko, sezvo ndichitaura nemiromo inokakama?”
13 Now our Father spoke to Moses and Aaron, ordering them regarding the Israelites and Pharaoh king of Egypt, to bring the Israelites out of Egypt. Zvino Jehovha akataura kuna Mozisi naAroni pamusoro pavaIsraeri napamusoro paFaro mambo weIjipiti, uye akavarayira kuti vabudise vaIsraeri kubva muIjipiti.
14 Heads of their fathers' houses: Reuben's sons, Israel's firstborn—Hanoch, Pallu, Hezron, Carmi. These were Reuben's clans. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzavo: Vanakomana vaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri vaiva Hanoki naParu, Hezironi naKami. Idzi ndidzo dzakanga dziri dzimba dzaRubheni.
15 Simeon's sons: Jemuel, Jamin, Ohad, Jachin, Zohar, and Shaul son of a Canaanite woman—Simeon's clans. Vanakomana vaSimeoni vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri mwanakomana womukadzi muKenani. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaSimeoni.
16 Sons of Levi by their generations: Gershon, Kohath, Merari. Levi lived 137 years. Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi maererano nokunyorwa kwawo: Gerishoni, Kohati naMerari. (Revhi akararama makore zana namakumi matatu namanomwe.)
17 The sons of Gershon: Libni and Shimei, by their clans. Vanakomana vaGerishoni, nedzimba dzavo, vaiva Ribhini naShimei.
18 The sons of Kohath: Amram, Izhar, Hebron, and Uzziel. Kohath lived 133 years. Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Kohati akararama kwamakore zana namakumi matatu namatatu.
19 The sons of Merari: Mahli and Mushi. These were the clans of Levi according to their generations. Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaRevhi sokunyorwa kwadzo.
20 Amram married his father's sister Jochebed; she bore him Aaron and Moses. He lived 137 years. Amurami akawana hanzvadzi yababa vake Jokebhedhi, uyo akamuberekera Aroni naMozisi. (Amurami akararama kwamakore zana namakumi matatu namanomwe.)
21 The sons of Izhar: Korah, Nepheg, and Zichri. Vanakomana vaIzhari vaiva Kora, Nefegi naZikiri.
22 The sons of Uzziel: Mishael, Elzaphan, and Sithri. Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, Erizafani naSitiri.
23 Aaron married Elisheba daughter of Amminadab, sister of Nahshon; she bore him Nadab, Abihu, Eleazar, and Ithamar. Aroni akawana Erishebha mwanasikana waAminadhabhi nehanzvadzi yaNashoni, uye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari.
24 The sons of Korah: Assir, Elkanah, and Abiasaph. These were the clans of the Korahites. Vanakomana vaKora vaiva Asiri, Erikana naAbhiasafu. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaKora.
25 Eleazar, Aaron's son, married one of Putiel's daughters; she bore him Phinehas. These are heads of Levite houses, by clan. Ereazari mwanakomana waAroni akawana mumwe wavanasikana vaPutieri, uye akamuberekera Finehazi. Ava ndivo vakanga vari vakuru vemhuri dzavaRevhi, mhuri nemhuri.
26 This was Aaron and Moses whom our Father told, "Bring Israel out of Egypt by their divisions." Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, “Budisai vaIsraeri muIjipiti namapoka avo.”
27 These spoke to Pharaoh king of Egypt to bring the Israelites out of Egypt: Moses and Aaron. Ndivo vakataura kuna Faro mambo weIjipiti pamusoro pokubudisa vaIsraeri kubva muIjipiti. Ndivo vamwe chetevo Mozisi naAroni.
28 Now on the day our Father spoke to Moses in the land of Egypt, Zvino Jehovha paakataura naMozisi muIjipiti,
29 our Father told him, "I am your Father. Tell Pharaoh king of Egypt all I tell you." akati kwaari, “Ndini Jehovha. Taurira Faro mambo weIjipiti zvose zvandinokuudza.”
30 But Moses said before our Father, "Since I speak poorly, how will Pharaoh listen to me?" Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Sezvo ndichitaura nemiromo inokakama, Faro angateerera kwandiri seiko?”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]