Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Afterward Moses and Aaron went to Pharaoh and said, "This is what our Father of Israel says: Let my people go to hold a feast for me in the wilderness." Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: ‘Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondiitira mutambo kurenje.’ ”
2 Pharaoh said, "Who is God, that I should obey his voice and let Israel go? I don't know God, and I won't let Israel go." Faro akati, “Jehovha ndianiko, kuti ndigomuteerera uye ndigorega vaIsraeri vachienda? Handimuzivi Jehovha iyeye uye handidi kurega vaIsraeri vachienda.”
3 They said, "Our Father has met with us. Let us take a three-day journey into the wilderness to sacrifice to our Father, or he may strike us with plague or sword." Ipapo vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Zvino tiregei tifambe rwendo rwamazuva matatu kurenje kuti tinobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wedu, kuti arege kutirova namatambudziko kana nomunondo.”
4 But Egypt's king said to them, "Moses and Aaron, why pull the people from their work? Get back to your labor!" Asi mambo weIjipiti akati, “Mozisi naAroni, munobvisireiko vanhu pabasa ravo? Dzokerai kubasa renyu!”
5 Pharaoh said, "Look, the land's people are now many, and you'd have them stop working!" Ipapo Faro akati, “Tarirai, vanhu vawanda zvino munyika, uye muri kuvakonesa kushanda.”
6 That same day Pharaoh commanded the slave drivers and the foremen over the people: Musi mumwe chetewo Faro akarayira vatariri vebasa navakuru vakuru vavanhu achiti,
7 "Stop giving the people straw for bricks as before. They must go gather straw themselves. “Imi hamuchazovigiri vanhu uswa hwokuita zvidhina; varegei vandozviunganidzira uswa pachavo.
8 Require the same brick quota as before; don't reduce it. They're lazy; that's why they cry, 'Let us go sacrifice to our God.' Asi vanofanira kuita zvidhina zvakaenzana pakuwanda nezvavaisimboita kare; musazvitapudza. Isimbe; ndokusaka vachichema vachiti, ‘Tiregei tiende kundobayira kuna Mwari wedu.’
9 Make the work harder for the men, so they keep at it and ignore lies." Itai kuti basa rinyanye kuomera vanhu kuitira kuti varambe vachishanda uye varege kuteerera kunhema.”
10 The slave drivers and foremen went out and told the people, "Pharaoh says: 'I will give you no more straw.' Ipapo vatariri vebasa navakuru vakuru vakabuda vakandoti kuvanhu, “Zvanzi naFaro, ‘Handichazokupaizve uswa.
11 Go get your own straw wherever you find it—but your work will not be reduced at all.'" Endai mundozvitsvakira uswa kana kupi zvako kwamungahuwana, asi basa renyu haritapudzwi kana napaduku.’ ”
12 So the people scattered throughout all the land of Egypt to gather stubble for straw. Saka vanhu vakapararira muIjipiti yose kundounganidza mashanga kuti vaashandise pachinzvimbo chouswa.
13 The slave drivers kept pressing them: "Finish your daily quota, just as when you had straw." Vatariri vebasa vakaramba vachivamanikidza vachiti, “Pedzai basa ramakatarirwa pazuva rimwe nerimwe, sezvamaiita pamaiwana uswa.”
14 The Israelite foremen, whom Pharaoh's slave drivers had set over them, were beaten and asked, "Why haven't you met your brick quota yesterday and today, as before?" Vakuru vakuru vavaIsraeri vakanga vagadzwa navatariri vebasa vaFaro vakarohwa uye vakabvunzwa kuti, “Seiko musina kupedza basa renyu rezvidhina zvanezuro nezvanhasi, sezvamaichiita kare pamaipuwa uswa.”
15 Then the Israelite foremen came and cried out to Pharaoh, "Why do you treat your servants this way? Ipapo vakuru vakuru vavaIsraeri vakaenda nechichemo kuna Faro vakati, “Seiko muchibata varanda venyu nenzira yakadai?
16 No straw is given your servants, yet they tell us, 'Make bricks!' Look, your servants are beaten, but your own people are at fault." Varanda venyu havapiwi uswa, asi tinonzi, ‘Itai zvidhina!’ Varanda venyu vari kurohwa, asi mhosva ndeyavanhu venyu.”
17 Pharaoh said, "Lazy! You're lazy! That's why you say, 'Let us go and sacrifice to God.' Faro akati, “Simbe, ndizvo zvamuri imi, muri simbe! Ndokusaka muchingoramba muchiti, ‘Tiregei tindobayira kuna Jehovha.’
18 Now go, work. No straw will be given you, yet you must deliver your full quota of bricks." Zvino chiendai kubasa. Hamuzombopiwi kana uswa, asi munofanira kuita basa renyu rezvidhina zvakakwana.”
19 The Israelite foremen saw they were in trouble when told, "Don't reduce your daily quota of bricks." Vakuru vakuru vavaIsraeri vakaona kuti vapinda mudambudziko pavakaudzwa kuti, “Hamufaniri kutapudza uwandu hwezvidhina zvamakatarirwa pazuva rimwe.”
20 When they left Pharaoh, they found Moses and Aaron waiting to meet them, Pavakabva pana Faro, vakawana Mozisi naAroni vakavamirira,
21 and said to them, "May our Father look on you and judge, for you have made us a stench to Pharaoh and his officials, putting a sword in their hand to kill us." uye vakati, “Jehovha ngaakutarirei uye akutongei! Matiita chinhu chinonhuhwa kuna Faro namachinda ake uye maisa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.”
22 Then Moses returned to our Father and said, "My Sovereign Father, why have you brought trouble on this people? Why did you ever send me? Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, mauyisireiko dambudziko pamusoro pavanhu ava? Ndizvo zvamakanditumira here?
23 Since I went to Pharaoh to speak in your name, he has harmed this people, and you have not rescued your people at all." Kubva pandakaenda kuna Faro kuti ndinotaura muzita renyu, iye akauyisa dambudziko pamusoro pavanhu ava, uye imi hamuna kutongonunura vanhu venyu napaduku.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]