Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Moses replied, "But they won't believe me or listen to my voice, for they'll say, 'Our Father did not appear to you.'" Mozisi akapindura akati, “Ko, kana vakasanditenda kana kunditeerera uye vakati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri’?”
2 Our Father said to him, "What is that in your hand?" He said, "A staff." Ipapo Jehovha akati kwaari, “Chiiko icho chiri muruoko rwako?” Akapindura akati, “Itsvimbo.”
3 He said, "Throw it to the ground." He threw it to the ground, and it became a snake, and Moses ran from it. Jehovha akati, “Ikande pasi.” Mozisi akaikanda pasi ikava nyoka, uye akaitiza.
4 But our Father said to Moses, "Reach out your hand and grab it by the tail"—he reached out his hand, caught it, and it became a staff in his hand. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Tambanudza ruoko ugoibata nokumuswe.” Saka Mozisi akatambanudza ruoko ndokubata nyoka uye ikadzokera pakare pakuva tsvimbo muruoko rwake.
5 "that they may believe that your Father, the God of their fathers—of Abraham, of Isaac, and of Jacob—has appeared to you." Jehovha akati, “Izvi ndezvokuti vagotenda kuti Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, azviratidza kwauri.”
6 Then our Father told him, "Put your hand in your cloak." So he did, and when he pulled it out, his hand had a skin disease, white as snow. Ipapo Jehovha akati, “Isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Saka Mozisi akaisa ruoko rwake muchipfuva chake, uye paakarubudisa, rwakanga rwachena maperembudzi, sechando.
7 He said, "Put your hand back in your cloak." He did, and when he took it out, it was restored, like the rest of his flesh. Iye akati, “Zvino chirudzorerazve muchipfuva chako,” uye paakarubudisa, rwakanga rwavandudzwa, rwaita somuviri wake wose.
8 "If they will not believe you or listen to the first sign, they may believe the second sign. Ipapo Jehovha akati, “Kana vasingakutendi kana kuteerera kuchiratidzo chokutanga, vangangotendawo chechipiri.
9 If they still won't believe these two signs or listen to your voice, take water from the Nile and pour it on dry ground; the water taken from the Nile will become blood on the dry ground." Asi kana vasingatendi zviratidzo zviviri izvi kana kukuteerera, utore mvura kubva muna Nairi ugoidira pasi. Mvura yaunotora kubva murwizi ichava ropa pamusoro pevhu.”
10 But Moses said to our Father, "Please, my Sovereign Father, I've never been good with words, not before nor since you've spoken to your servant, for I'm slow of speech and slow of tongue." Mozisi akati kuna Jehovha, “Haiwa Jehovha, handina kumbogona kutaura, kunyange nakare, kana kubva pamataura nomuranda wenyu. Ndinokakama pakutaura uye rurimi rwangu runononoka.”
11 Then our Father said to him, "Who gave man his mouth? Who makes him mute or deaf, seeing or blind? Isn't that I, your Father? Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akapa munhu muromo? Ndianiko anomuita matsi kana mbeveve? Ndiani anomusvinudza kana kumuita bofu? Handisini here, Jehovha?
12 Now go, and I will be with your mouth and will teach you what to say." Zvino chienda, ini ndichakubatsira kutaura uye ndichakudzidzisa zvokutaura.”
13 But he said, "Please, my Sovereign Father, send someone else." Asi Mozisi akati, “Haiwa Jehovha, ndapota hangu, tumai henyu mumwe kuti aite izvozvo.”
14 Then our Father's anger flared against Moses. He said, "Isn't Aaron your brother, the Levite? I know he speaks well. Even now he's coming out to meet you, and he'll rejoice in his heart when he sees you. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paMozisi uye akati, “Ko, mukoma wako, Aroni muRevhi? Ndinoziva kuti anogona kutaura zvakanaka. Ari munzira kuzokuchingamidza izvozvi, uye mwoyo wake uchafara paachakuona.
15 Speak to him; put the words in his mouth. I will be with your mouth and his, and teach you both what to do. Uchataura naye ugoisa mashoko mumuromo make; ndichakubatsirai mose uye ndichakudzidzisai zvokuita.
16 He will speak for you to the people, be your mouth, and you will be like God to him. Uye achataura kuvanhu panzvimbo yako, uye zvichaita sokunge iye ndiye muromo wako uye sokunge iwe ndiwe Mwari kwaari.
17 And take this staff in your hand and use it to perform the signs." Asi takura tsvimbo iyi muruoko rwako yauchaita zviratidzo nayo.”
18 Moses returned to his father-in-law Jethro and said, "Let me go back to my brothers in Egypt to see if they're still alive." Jethro said, "Go in peace." Ipapo Mozisi akadzokera kuna Jeturo tezvara wake akati kwaari, “Regai ndidzokere kuvanhu vokwangu kuIjipiti kuti ndinoona kana vachiri vapenyu.” Jeturo akati, “Enda hako, ufambe zvakanaka.”
19 And our Father told Moses in Midian, "Go back to Egypt—all the men who wanted to kill you are dead." Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi ari muMidhiani, “Dzokera kuIjipiti, nokuti vanhu vose vaida kukuuraya vakafa.”
20 Moses took his wife and sons, put them on a donkey, and returned to the land of Egypt. Moses took the staff of our Father in his hand. Saka Mozisi akatora mukadzi wake navanakomana vake akavakwidza pambongoro akasimuka akadzokera kuIjipiti. Uye akatakura tsvimbo yaMwari muruoko rwake.
21 Then our Father told Moses, "When you return to Egypt, perform before Pharaoh all the wonders I gave you power to do. But I will harden his heart, so he will not let the people go. Jehovha akati kuna Mozisi, “Paunodzokera kuIjipiti, uone kuti waita zvishamiso zvose pamberi paFaro, ndakupa simba rokuita izvozvo. Asi ndichaomesa mwoyo wake zvokuti haazotenderi vanhu kuenda.
22 Then you are to say to Pharaoh, 'This is what our Father says: Israel is my firstborn son, Ipapo uti kuna Faro, ‘Zvanzi naJehovha: Israeri ndiye mwanakomana wangu wedangwe,
23 and I say to you: let my son go to serve me. If you refuse to let him go, I will kill your firstborn son.'" uye ndinoti kwauri, “Rega mwanakomana wangu aende, kuti anondinamata.” Asi kana ukaramba kumutendera kuti aende, ndichauraya mwanakomana wako wedangwe.’ ”
24 At a lodging place on the way, our Father met him and tried to kill him. Ari paimba yavaeni pavakavata, Jehovha akasangana naMozisi uye akada kumuuraya.
25 Zipporah took a flint, cut off her son's foreskin, touched it to Moses' feet, and said, "Surely, you are a blood bridegroom to me." Asi Zipora akatora banga rebwe romusarasara akacheka chikanda chapamberi chomwanakomana wake uye akabata tsoka dzaMozisi nacho. Akati, “Zvirokwazvo uri murume weropa kwandiri.”
26 So our Father released Moses. Then she said, "A bridegroom of blood," because of the circumcision. Saka Jehovha akamurega. Panguva iyoyo Zipora akati kwaari, “Murume weropa,” achireva nezvokudzingiswa.
27 Now our Father told Aaron, "Go meet Moses in the wilderness." So he went, met him at the mountain of our Father, and kissed him. Jehovha akati kuna Aroni, “Enda kurenje undosangana naMozisi.” Saka akasangana naMozisi pagomo raMwari uye akamutsvoda.
28 Moses told Aaron all the words our Father had given him to deliver, and all the signs he commanded him to perform. Ipapo Mozisi akaudza Aroni zvinhu zvose zvaakanga atumwa naJehovha kuti azozvitaura, uyewo pamusoro pezvishamiso zvose zvaakanga amurayira kuti aite.
29 Then Moses and Aaron went and gathered all the elders of the people of Israel. Mozisi naAroni vakaunganidza vakuru vose vavana vaIsraeri,
30 Aaron spoke all the words our Father had spoken to Moses and did the signs before the people. uye Aroni akavaudza zvinhu zvose zvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha. Akaitawo zviratidzo pamberi pavanhu,
31 The people believed. Hearing that our Father had come to help Israel's people and seen their suffering, they bowed their heads and worshiped. vakatenda. Uye pavakanzwa kuti Jehovha akanga ane hanya navo, uye kuti akanga aona kutambudzika kwavo, vakakotama pasi vakanamata.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]