Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Exodus 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Moses was shepherding the flock of his father-in-law Jethro, priest of Midian. He led the flock to the far side of the wilderness and came to Horeb, the mountain of our Father. Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo tezvara wake, muprista weMidhiani, uye akatungamirira makwai kurutivi rwuri kure mugwenga akasvika kuHorebhi, gomo raMwari.
2 There the messenger of our Father appeared to him in a fire flaming from within a bush. Moses looked: the bush was blazing but not consumed. Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi.
3 Moses said, "Let me go over and see this extraordinary sight—why the bush isn't burning up." Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.”
4 When our Father saw he had turned aside to look, he called to him from within the bush, "Moses, Moses!" Moses said, "Here I am." Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!” Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.”
5 He said, "Don't come closer. Take your sandals off your feet, for the ground you're standing on is holy." Mwari akati, “Usaswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.”
6 He said, "I am your Father, the God of Abraham, of Isaac, and of Jacob." Moses hid his face, for he was afraid to look at our Father. Ipapo akati, “Ndini Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho.” Uye Mozisi akafukidza chiso chake, nokuti akanga achitya kutarisa Mwari.
7 Then our Father said, "I have truly seen my people's suffering in Egypt, heard their cry under their slave drivers, for I know their hardships. Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndaona kutambudzika kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa, uye ndinoziva kutambudzika kwavo.
8 So I've come down to rescue them from Egypt's grip and bring them up from that land to a good, spacious land—a land flowing with milk and honey—to the place of the Canaanites, Hittites, Amorites, Perizzites, Hivites, and Jebusites. Saka ndaburuka kuti ndivanunure vabve muruoko rwavaIjipita uye kuti ndivabudise munyika iyo ndivaise kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera mukaka nouchi, nzvimbo yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.
9 Now the cry of Israel's people has reached me, and I've seen the oppression the Egyptians oppress them with. Uye zvino kuchema kwavaIsraeri kwasvika kwandiri, uye ndaona nzira yavanotambudzwa nayo navaIjipita.
10 Now go—I'm sending you to Pharaoh, to bring my people, Israel's sons, out of Egypt." Saka chienda, zvino, ndiri kukutuma kuna Faro kuti undobudisa vanhu vangu vaIsraeri kubva muIjipiti.”
11 Moses said to our Father, "Who am I to go to Pharaoh and bring the Israelites out of Egypt?" Asi Mozisi akati kuna Mwari, “Ndini aniko ini kuti ndiende kuna Faro kuti ndinobudisa vaIsraeri kubva muIjipiti?”
12 He said, "I will surely be with you. This is your sign that I have sent you: when you bring the people out of Egypt, you will worship your Father on this mountain." Uye Mwari akati, “Ndichava newe. Uye ichi chichava chiratidzo kwauri chokuti ndini ndakutuma: Paunenge wabudisa vanhu kubva muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.”
13 Then Moses said to our Father, "If I go to Israel's people and tell them, 'The God of your fathers sent me to you,' and they ask me, 'What is his name?'—what do I tell them?" Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?”
14 Our Father told Moses, "I AM WHO I AM." Then he said, "Tell the Israelites: 'I AM has sent me to you.'" Mwari akati kuna Mozisi, “Ndiri Wandiri. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘Ndiri’ andituma kwamuri.”
15 Our Father also told Moses, "Tell the Israelites: 'Your Father—the God of Abraham, Isaac, and Jacob—has sent me to you.' This is my name forever, and how I am remembered in every generation. Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvose.
16 Go, gather Israel's elders and tell them: your Father—the God of Abraham, Isaac, and Jacob—appeared to me and said: I have surely watched over you, and seen what is done to you in Egypt, “Enda undounganidza vakuru vavaIsraeri ugoti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwandiri uye akati, “Ndakatarira pamusoro penyu uye ndikaona zvakanga zvichiitwa kwamuri muIjipiti.
17 I have promised to bring you up out of Egypt's misery to the land of the Canaanites, the Hittites, the Amorites, the Perizzites, the Hivites, and the Jebusites—a land flowing with milk and honey. Uye ndakavimbisa kukubudisai mukutambudzika kwenyu muIjipiti ndikuisei kunyika yavaKenani, navaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi, nyika inoyerera mukaka nouchi.” ’
18 They will listen to you. You and Israel's elders must go to Egypt's king and tell him, 'the Father of the Hebrews has met us. Now please let us travel three days into the wilderness to sacrifice to our Father.' “Vakuru vavaIsraeri vachakuteerera. Ipapo iwe navakuru vavaIsraeri munofanira kuenda kuna mambo weIjipiti munoti kwaari, ‘Jehovha Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Regai tifambe rwendo rwamazuva matatu tiende kurenje kuti tindobayira kuna Jehovha Mwari wedu.’
19 But I know Egypt's king won't let you go unless by a mighty hand. Asi ndinoziva kuti mambo weIjipiti haasi kuzokutenderai kunze kwokunge ruoko rune simba rwamumanikidza.
20 I will reach out my hand and strike Egypt with all the wonders I do there; then he will release you. Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndigorova vaIjipiti nezvishamiso zvose zvandichaita pakati pavo. Shure kwaizvozvo achakutenderai kuenda.
21 I will make the Egyptians favor this people, so when you leave, you won't go empty-handed. “Uye ndichaita kuti vaIjipita vaitire vanhu ava nyasha, zvokuti pamunoenda hamuendi musina chinhu.
22 Each woman must ask her neighbor and the woman living in her house for silver and gold items and clothing, and dress your sons and daughters with them. So you will plunder the Egyptians." Mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nomukadzi upi zvake waagere naye mumba make, zvishongo zvesirivha nezvegoridhe uye nguo dzamuchapfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu. Uye saizvozvo muchapamba vaIjipita.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]